Genesisi 3:21-24
Genesisi 3:21-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mwari Tenzi akaitira Adhamu nomukadzi wake nguwo dzamatehwe ndokuvapfekedza. Mwari Tenzi akati, “Chionaika, munhu afanana nesu, ava kuziva zvakanaka nezvakaipa. Zvino angadaro akatanha michero yomuti woupenyu akadya akararama nokusingaperi.” Naizvozvo Mwari Tenzi akamudzinga mubindu reEdheni kuti andorima muvhu muya maakabva. Mwari akabva adzinga munhu, akaisa makerubhu kurutivi rwamabvazuva ebindu reEdheni, akaisawo bakatwa rainge murazvo womoto, raivheya kwose kwose kuchengetedza nzira yokumuti woupenyu.
Genesisi 3:21-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha Mwari akaitira Adhamu nomukadzi wake nguo dzamatehwe uye akavafukidza. Uye Jehovha Mwari akati, “Munhu ava somumwe wedu, anoziva zvakanaka nezvakaipa. Haafaniri kutenderwa kutambanudza ruoko rwake kuti atorewo zvinobva pamuti woupenyu uye kuti azvidye, akazorarama nokusingaperi.” Saka Jehovha Mwari akamudzinga mubindu reEdheni kuti arime ivhu raakatorwa kwariri. Mushure mokunge adzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwokumabvazuva kweBindu reEdheni nomunondo unopfuta uye uchivheyeswa mberi neshure kuti urinde nzira inoenda kumuti woupenyu.
Genesisi 3:21-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha Mwari akaitira munhu nomukadzi wake nguo dzamatehwe, akavafukidza nadzo. Zvino Jehovha Mwari akati, “Tarirai, munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvimwe angatambanudza ruoko rwake akatorawo zvomuti woupenyu, akadya, akararama nokusingaperi.” Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mumunda weEdheni, kuti arime ivhu raakatorwa kwariri. Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.
Genesisi 3:21-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari Tenzi akaitira Adhamu nomukadzi wake nguwo dzamatehwe ndokuvapfekedza. Mwari Tenzi akati, “Chionaika, munhu afanana nesu, ava kuziva zvakanaka nezvakaipa. Zvino angadaro akatanha michero yomuti woupenyu akadya akararama nokusingaperi.” Naizvozvo Mwari Tenzi akamudzinga mubindu reEdheni kuti andorima muvhu muya maakabva. Mwari akabva adzinga munhu, akaisa makerubhu kurutivi rwamabvazuva ebindu reEdheni, akaisawo bakatwa rainge murazvo womoto, raivheya kwose kwose kuchengetedza nzira yokumuti woupenyu.
Genesisi 3:21-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova Mŋari akaitira munhu nomukadzi wake ŋguʋo dzamatebge, akaʋafukidza idzo. Ɀino Jehova Mŋari akati: Tarirai, munhu waʋa somumŋe weɗu ɀaanoziʋa ɀakanaka neɀakaipa; ɀino ɀimŋe uŋgatambanudza ruʋoko rwake akatora ʋo ɀomuti woʋupenyu, akadya, akararama nokusiŋgaperi. Naiɀoɀo Jehova Mŋari akamuɓuɗisa mumunda weEdeni, kuti arime ivu raakatorwa kwariri. Naiɀoɀo akadziŋga munhu, akaisa makerubi kurutiʋi rwamabvazuʋa rwomunda weEdeni, nomuraɀo womunondo waimonereka kumatiʋi ose, kurindira nzira yomuti woʋupenyu.