Genesisi 3:1-14
Genesisi 3:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino nyoka yakanga ina manomano kupfuura mhuka dzose dzakasikwa naJehovha Mwari. Yakati kumukadzi, “Ko, chaizvoizvo Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muti upi zvawo uri mubindu here’?” Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero inobva mumiti iri mubindu, asi Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muchero unobva pamuti uri pakati pebindu, uye musaubata kuti murege kufa.’ ” Nyoka yakati kumukadzi, “Hamungafi zvirokwazvo. Nokuti Mwari anoziva kuti mukaudya meso enyu achasvinudzwa, uye muchaita saMwari mugoziva zvakanaka nezvakaipa.” Mukadzi akati aona kuti muchero womuti wakanga wakanaka kuudya uye kuti waifadza meso, uye kuti waidikanwa kuti munhu ave nouchenjeri, akatora mumwe akadya. Akapawo mumwe kumurume wake, uyo akanga anaye, naiye akaudya. Ipapo meso avo vose vari vaviri akasvinudzwa, uye vakaziva kuti vakanga vasina kusimira; saka vakasonanidza mashizha omuonde pamwe chete ndokuzvigadzirira nguo. Ipapo murume nomukadzi wake vakanzwa inzwi raJehovha Mwari paakanga achifamba mubindu kwotonhorera, vakavanda pamberi paJehovha Mwari, pakati pemiti yomubindu. Asi Jehovha Mwari akadana murume akati, “Uripiko?” Akapindura akati, “Ndanzwa inzwi renyu mubindu, uye ndatya nokuti ndanga ndisina kusimira; saka ndavanda.” Uye iye akati, “Ndiani akuudza kuti hauna kusimira? Wadya kanhi muti wandakakurayira kuti urege kudya?” Murume akati, “Mukadzi wamakandipa kuno kuti ave neni, ndiye andipa mumwe muchero womuti, uye ini ndikadya.” Ipapo Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko ichi chawaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yandinyengera, ndikadya.” Saka Jehovha Mwari akati kunyoka, “Nokuti waita izvi, “Watukwa kupfuura zvipfuwo zvose, kupfuura mhuka dzose dzesango! Uchafamba nedumbu rako uye uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.
Genesisi 3:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nyoka yakanga ina mano kupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Ikati kumukadzi, “Nhai, ndizvo here kuti Mwari akati, ‘Regai kudya miti yose yomunda?’ ” Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero yemiti pamunda, asi kana iri michero yomuti uri pakati pomunda, Mwari akati, ‘Regai kuudya, kana kuubata, kuti murege kufa.’ ” Nyoka ikati kumukadzi, “Hamungafi zviro kwazvo, nokuti Mwari anoziva kuti nomusi amunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero yawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo. Ipapo meso avo, ivo vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti havana kusimira; vakasonanidza mashizha omuonde, vakazviitira nguo. Vakanzwa izwi raJehovha Mwari achifamba mumunda kwotonhorera madekwana, munhu nomukadzi wake ndokundohwanda pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yomunda. Jehovha Mwari akadana munhu, akati kwaari, “Uripiko?” Iye akati, “Ndakanzwa izwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda.” Iye akati, “Ndianiko akakuudza kuti hauna kusimira? Wakadya kani muti wandakakuraira kuti urege kuudya?” Munhu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya.” Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko icho chawakaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yakandinyengera, ndikadya.” Jehovha Mwari akati kunyoka, “Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedumbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.
Genesisi 3:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino nyoka yakanga yakasvinuka kupinda mhuka dzesango dzose dzakasikwa naMwari Tenzi. Nyoka yakati kumukadzi, “Ko ndizvo here kuti Mwari akati, ‘Regai kudya michero yemiti yose yomubindu muno?’ ” Mukadzi akati, “Isu tingadye zvedu michero yose yemiti iri mubindu. Asi Mwari akati musadye muchero womuti uri pakati pebindu, kana kuubata zvako nokuti mungafe.” Nyokawo ikati kumukadzi, “Kwete, hamumbofa! Chiripo ndechichi, Mwari anoziva kuti, musi wamunodya muchero iwoyo, meso enyu anopengenutswa, mobva mafanana naMwari, moziva zvakanaka nezvakaipa.” Mukadzi akaona kuti muti wacho wakanaka kudya zve unoyevedza kutarisa uyewo kuti unogona kungwarisa munhu. Ipapo akabva atora muchero wawo akadya, akapawo murume wake akadyawo. Pakarepo meso avo, vose vari vaviri, akapengenuka, vakaziva kuti havana kusimira. Vakasonanidza mashizha omuonde vachizvigadzirira zvokupfeka. Ava manheru kwotonhorera vakanzwa Mwari Tenzi achifamba-famba zvake mubindu, Adhamu nomukadzi wake vakahwanda Mwari Tenzi mukati memiti yomubindu imomo. Asi Mwari Tenzi akadaidza Adhamu achiti, “Uri kupiko?” Adhamu akati, “Ndanzwa kufamba kwamanga muchiita mubindu ndikatya nokuti handina kusimira, ndokubva ndahwanda.” Mwari akati, “Ndiani akakuudza kuti hauna kusimira? Wadyasu muti wandakati usadye?” Adhamu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ndive naye, ndiye andipa muchero womuti iwoyo ndikadya.” Mwari Tenzi akabvunza mukadzi achiti, “Chii chawaita ichochi?” Mukadzi akati, “Nyoka ndiyo yandifurira ndikabva ndadya.” Mwari Tenzi akataurira nyoka kuti, “Pamusana pezvawaita izvozvi, wapinda rushambwa pazvipfuwo zvose nemhuka dzose dzesango. Uchafamba nedumbu rako uchidya guruva, upenyu hwako hwose.
Genesisi 3:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino nyoka yakaŋga inamano kupfuʋura mhuka dzose dzesaŋgo dzakaŋga dzaitwa naJehova Mŋari. Ikati kumukadzi: Nhai, ndiɀo here kuti Mŋari wakati: Regai kudya miti yose yomunda? Mukadzi akati kunyoka; Tiŋgadya heɗu micero yemiti pamunda, asi kana iri micero yomuti uri pakati pomunda, Mŋari wakati: Regai kuudya, kana kuuɓata, kuti murege kufa. Nyoka ikati kumukadzi: Hamuŋgafi ɀirokwaɀo; nokuti Mŋari unoziʋa kuti nomusi wamunoɀidya nawo, meso enyu acaȿinudzwa, mukaʋa saMŋari, muciziʋa ɀakanaka neɀakaipa. Ɀino mukadzi wakati aciʋona kuti muti wakanaka kudyiwa, ʋuye kuti unofadza meso, ʋuye kuti muti unoɗikanwa kuŋgwadza munhu, akatora micero yawo, akadya, akapa ʋo murume wake, akadya naiye ʋo. Ipapo meso aʋo, iʋo ʋaʋiri, akaȿinudzwa, ʋakaziʋa kuti haʋana‐kusimira; ʋakasonanidza mashizha omuʋonde, ʋakaɀiitira ŋguʋo. Ʋakanzwa inzwi raJehova Mŋari acifamba mumunda kwotonhorera maɗekwana; munhu nomukadzi wake ndokundoʋanda pamberi paJehova Mŋari pakati pemiti yomunda. Jehova Mŋari akaɗana munhu, akati kwaari: Uripiko? Iye akati: Ndakanzwa inzwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakaŋga ndisina‐kusimira; ndikaʋanda. Iye akati: Ndianiko wakakuʋudza kuti hauna‐kusimira — Wadya kanhi muti wandakakuraira kuti urege kuudya? Munhu akati: Mukadzi wamakandipa kuti aʋe neni, ndiye wakandipa ɀomuti ndikadya. Jehova Mŋari akati kumukadzi: Cinyiko ico cawaita? Mukadzi akati: Nyoka yakandinyeŋgera, ndikadya. Jehova Mŋari akati kunyoka: Ɀawaita iɀoɀo, watukwa kupfuʋura ɀipfuwo ɀose, nokupfuʋura mhuka dzose dzesaŋgo; ucafamba neɗumbu rako, ucadya guruʋa mazuʋa ose oʋupenyu bgako.
Genesisi 3:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)