Genesisi 27:34-40
Genesisi 27:34-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Esau akati anzwa mashoko ababa vake akaridza mhere nokuchema kukuru neshungu uye akati kuna baba vake, “Ndiropafadzei neniwo, baba vangu!” Asi ivo vakati, “Mununʼuna wako auya nokunyengera akatora maropafadzo ako.” Esau akati, “Haana kutumidzwa zita chairo here rokuti Jakobho? Akandinyengera kaviri kose: Akatora udangwe hwangu, uye zvino atora maropafadzo angu!” Ipapo akabvunza akati, “Ko, hamuna kundichengeterawo kana ropafadzo here?” Isaka akapindura Esau akati, “Ndamuita ishe wako uye ndakaita hama dzake dzose varanda vake, uye ndamusimbisa nezviyo newaini itsva. Saka chiiko chandichagona kukuitira mwana wangu?” Esau akati kuna baba vake, “Munongova neropafadzo imwe chete here, baba vangu? Ndiropafadzeiwo, baba vangu!” Ipapo Esau akachema achiridza mhere. Baba vake Isaka vakamupindura vakati, “Ugaro hwako huchava kure nepfuma yenyika, kure nedova rokudenga kumusoro. Iwe uchararama nomunondo uye uchashumira mununʼuna wako. Asi paunenge woshaya zororo uchabvisa joko rake kubva pamutsipa wako.”
Genesisi 27:34-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Esau akati achinzwa mashoko ababa vake, akachema nokuchema kukuru kunorwadza mwoyo, akati kuna baba vake, “Ndiropafadzei neniwo, baba vangu!” Akati, “Mun'una wako wakauya nokunyengedzera, akatora kuropafadzwa kwako.” Iye akati, “Haana kutumidzwa zita rakamufanira here, rokuti Jakobho? Nokuti zvino wandinyengedzera kaviri; wambonditorera udangwe hwangu, zvino tarira, wanditorera kuropafadzwa kwangu.” Akati, “Hamuna kundichengeterawo kuropafadzwa here?” Isaka akapindura, akati kuna Esau, “Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndakamupa iye, kuti vave varanda vake; ndamusimbisa nezviyo newaini; zvino chinyiko chandingakuitira iwe, mwana wangu?” Esau akati kuna baba vake, “Munongova nokuropafadza kumwe kwoga here, baba vangu? Ndiropafadzei, neniwo, baba vangu!” Esau akachema nokuchema kukuru. Ipapo Isaka baba vake, akapindura akati kwaari, “Tarira, ugaro hwako uchava kure namafuta enyika, kure nedova rokudenga rinobva kumusoro; uchararama nomunondo wako, uchashumira mun'una wako; uchati kana wozvimutsa iwe, uchavhuna joko rake ribve pamutsipa wako.”
Genesisi 27:34-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Esau akati achinzwa zvaitaurwa nababa vake, akazhamba kuchema achishungurudzika achiti, “Baba neniwo ndikomborereiwo.” Asi ivo vakati, “munun'una wako andinyengedza akabva atora chikomborero chako.” Esau akati, “Handiti vakagona vakamutumidza zita rokuti Jakobho nokuti anditorera nzvimbo yangu ruviri rwese. Akanditorera udangwe hwangu, zvino hoyo watora chikomborero changu.” Akatizve, “Ko hamuna kundisiyirawo here chimwe chikomborero?” Isaki ndokupindura Esau achiti, “Chitarisa uoneka, ndamuita kuti ave mutongi wako. Hama dzake dzose ndadziita kuti dzive varanda vake, ndikamupawo chikomborero chembesanwa newaini. Zvino chii chasara ipapa chandingakuitirewo mwanangu.” Esau ndokupindura baba vake achiti, “Nhai baba, ko munongova nechikomborero chimwechete chete here? Baba neniwo ndipeiwo chikomborero!” Esau akabva achema zvinosiririsa. Baba vake Isaki ndokuti, “Musha wako uchava kure noupfumi hwenyika, uri kure kure nedova rinobva kumusoro kudenga. Zvokubatirana mapfumo navamwe vako, ndohuchagara huri upenyu hwako. Uchava muranda womunun'una wako. Asi paanongokuti tupfunu chete uchatyora joko rake pamutsipa wako.”
Genesisi 27:34-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Esau wakati acinzwa mashoko aɓaɓa ʋake, akacema nokucema kukuru kunorwadza mŋoyo, akati kunaɓaɓa ʋake: Ndiropafadzei neni ʋo, ɓaɓa ʋaŋgu! Akati: Munuŋuna wako wakaʋuya nokunyeŋgedzera, akatora kuropafadzwa kwako. Iye akati: Haana‐kutumidzwa zita rakamufanira here, rokuti Jakobo — Nokuti ɀino wandinyeŋgedzera kaʋiri; wambonditorera ʋuɗaŋgwe bgaŋgu, ɀino tarira, wanditorera kuropafadzwa kwaŋgu. Akati: Hamuna‐kundiceŋgetera ʋo kuropafadzwa here? Isaka akapindura, akati kunaEsau: Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndakamupa iye, kuti ʋaʋe ʋaranda ʋake; ndamusimbisa neɀiyo newaini; ɀino cinyiko candiŋgakuitira iwe, mŋana waŋgu? Esau akati kunaɓaɓa ʋake: Munoŋgoʋa nokuropafadza kumŋe kwoga here, ɓaɓa ʋaŋgu — Ndiropafadzei, neni ʋo, ɓaɓa ʋaŋgu! Esau akacema nokucema kukuru. Ipapo Isaka ɓaɓa ʋake, akapindura, akati kwaari: Tarira, ʋugaro bgako ʋucaʋa kure namafuta enyika, Kure neɗoʋa rokuɗeŋga rinobva kumsoro; Ucararama nomunondo wako, ucashumira munuŋuna wako; Ucati kana woɀimutsa iwe, Ucavuna joko rake ribve pamutsipa wako.
Genesisi 27:34-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)