Genesisi 26:1-35
Genesisi 26:1-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino munyika makanga mune nzara, isati iri nzara iya yakatanga kuvapo panguva yaAbhurahama, uye Isaka akaenda kuna Abhimereki mambo wavaFiristia muGerari. Jehovha akazviratidza kuna Isaka akati, “Usaburuka kuIjipiti; gara munyika yandinokuudza kuti ugare. Gara hako munyika ino kwechinguva, uye ndichava newe uye ndichakuropafadza. Nokuti kwauri nokuzvizvarwa zvako ndichapa nyika iyi yose uye ndichasimbisa mhiko yandakapika kuna baba vako Abhurahama. Ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande senyeredzi dzokudenga uye ndichavapa nyika dzose idzi, uye kubudikidza navana vako ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa, nokuti Abhurahama akanditeerera uye akachengeta zvaidikanwa neni, nemitemo yangu, zvirevo zvangu uye nemirayiro yangu.” Saka Isaka akagara muGerari. Vanhu venyika iyo pavakamubvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, “Ihanzvadzi yangu,” nokuti akanga achitya kuti, “Mukadzi wangu.” Akafunga mumwoyo make achiti, “Vanhu vomunyika muno vangandiuraye nokuda kwaRabheka, nokuti akanaka kwazvo.” Isaka akati agara ikoko kwenguva refu, Abhimereki mambo wavaFiristia akatarira pasi napawindo akaona Isaka achitamba nomukadzi wake Rabheka. Saka Abhimereki akadana Isaka akati, “Mukadzi wako chaiye uyu! Seiko wakati, ‘Ihanzvadzi yangu’?” Isaka akapindura akati, “Nokuti ndakafunga kuti ndingafa nokuda kwake.” Ipapo Abhimereki akati, “Chiiko ichi chawakaita kwatiri? Mumwe wavarume aigona kunge akavata nomukadzi wako, uye ungadai wakazouyisa mhosva pamusoro pedu.” Saka Abhimereki akarayira vanhu vake vose achiti, “Ani naani anobata murume uyu kana mukadzi wake achaurayiwa zvirokwazvo.” Isaka akadyara zviyo munyika uye mugore racho iroro akakohwa zvakapetwa kazana, nokuti Jehovha akamuropafadza. Murume uyu akava mupfumi, uye pfuma yake yakaramba ichiwanda kusvikira apfuma kwazvo. Akanga ana makwai mazhinji nemombe dzakawanda navaranda vakawanda zvokuti vaFiristia vakamuitira godo. Saka matsime ose akanga acherwa navaranda vababa vake panguva yababa vake Abhurahama, vaFiristia vakaadzivira, vachiazadza nevhu. Ipapo Abhimereki akati kuna Isaka, “Ibva uende kure nesu; wanyanya kuva nesimba zvokutipfuura.” Saka Isaka akabvapo akandodzika musasa muMupata weGera akagara ikoko. Isaka akacherazve matsime akanga acherwa panguva yababa vake Abhurahama, iwo akanga adzivirwa navaFiristia shure kwokufa kwaAbhurahama, uye akaapa mazita mamwe chetewo aakanga atumidzwa nababa vake. Varanda vaIsaka vakachera muMupata vakawanamo tsime remvura yakanaka. Asi vafudzi veGerari vakakakavadzana navafudzi vaIsaka vachiti, “Mvura iyi ndeyedu!” Saka akatumidza tsime iro zita rokuti Eseki, nokuda kwokuti vakapesana naye. Ipapo vakacherazve rimwe tsime, asi vakakakavadzana pamusoro parowo; saka akaritumidza zita rokuti Sitima. Akaenderera mberi kubva ipapo akachera rimwe tsime, uye hapana munhu akazokakavadzana naye pamusoro paro. Akaritumidza zita rokuti Rehobhoti, achiti, “Zvino Jehovha azotipa nzvimbo uye tichawanda munyika.” Kubva ipapo akaenda kuBheerishebha. Usiku ihwohwo Jehovha akazviratidza kwaari akati, “Ndini Mwari wababa vako Abhurahama. Usatya, nokuti ndinewe. Ndichakuropafadza uye ndichakurisa zvizvarwa zvako nokuda kwomuranda wangu Abhurahama.” Isaka akavaka aritari ipapo akadana kuzita raJehovha. Akadzika tende rake ipapo uye pakare ipapo varanda vake vakachera tsime. Zvichakadaro, Abhimereki akanga asvika kwaari achibva kuGerari, aina Ahuzati aiva mupamazano wake naPikori mukuru wavarwi vake. Isaka akavabvunza akati, “Mavingeiko kwandiri, sezvo makanga muri mhandu dzangu uye mukandidzinga?” Vakamupindura vakati, “Takaona pachena kuti Jehovha akanga anewe; saka takati, ‘Panofanira kuva nechitenderano chemhiko pakati pedu,’ pakati pedu newe. Ngatiite sungano newe yokuti iwe hauzotiitiri zvakaipa, sezvo isu tisina kukubata zvakaipa asi takaramba tichikuitira zvakanaka uye tikakuendesa norugare. Uye zvino waropafadzwa naJehovha.” Ipapo Isaka akavaitira mutambo, vakadya, vakanwa. Mangwanani akatevera varume ava vakapikirana. Ipapo Isaka akavaendesa parwendo rwavo, vakamusiya murugare. Musi iwoyo varanda vaIsaka vakauya vakamuudza nezvetsime ravakanga vachera. Vakati, “Tawana mvura!” Akaritumidza zita rokuti Shibha, uye kusvikira nhasi zita reguta richiri kunzi Bheerishebha. Esau akati ava namakore makumi mana okuberekwa, akawana Judhisi mwanasikana waBheeri muHiti, uyewo Bhasemati mwanasikana waEroni muHiti. Ivava vakarwadzisa Isaka naRabheka.

Genesisi 26:1-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nzara yakanga iripo panyika; isati iri nzara yakanga iripo pamazuva aAbhurahamu. Isaka akenda Gerari kuna Abhimereki, mambo wavaFirisitia. Jehovha akazviratidzazve kwaari akati, “Usaburukira Ijipiti, gara munyika yandakakuudza; gara hako munyika ino uri mutorwa; ini ndichava newe, ndichakuropafadza; nokuti ndichakupa iwe, navana vako, nyika idzi dzose; ndichasimbisa mhiko yandakapikira Abhurahamu, baba vako; ndichawanza vana vako senyeredzi dzedenga; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako; nokuti Abhurahamu wakateerera izwi rangu, akachengeta zvandakamuraira, nemirairo yangu, nemitemo yangu, nemirau yangu.” Isaka akagara Gerari; vanhu venyika iyoyo vakamubvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, “Ihanzvadzi yangu;” nokuti wakanga achitya kuti, mukadzi wangu, achiti, “Zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraya nokuda kwaRabheka;” nokuti akanga akanaka kumeso. Zvino wakati avapo nguva refu, Abhimereki, mambo wavaFirisitia, wakatarira napawindo, akaona Isaka achitamba naRabheka, mukadzi wake. Ipapo Abhimereki akadana Isaka akati, “Tarira, zvirokwazvo mukadzi wako; wakataura seiko uchiti, ‘Ihanzvadzi yangu?’ ” Isaka akati kwaari, “Nokuti ndakati, ‘Zvimwe ndingafa nokuda kwake.’ ” Abhimereki akati kwaari, “Ndokudiniko kuti watiitira chinhu ichi? Dai mumwe wavanhu aivata nomukadzi wako, ungadai watiisa pamhosva.” Abhimereki akaraira vanhu vose, akati, “Anobata munhu uyu kana mukadzi wake, achauraiwa zvirokwazvo.” Zvino Isaka akadyara zviyo munyika iyoyo, akawana gore iro rune zana; Jehovha akamuropafadza. Munhu uyu akava mukuru, akaramba achiwedzerwa, kusvikira ava mukuru kwazvo; akanga aine pfuma yamakwai, neyemombe, nemhuri huru; vaFirisitia vakamugodora. VaFirisitia vakadzivira matsime ose akanga acherwa navaranda vababa vake pamazuva ababa vake Abhurahamu, vakaafutsira nevhu. Abhimereki akati kuna Isaka, “Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuura kwazvo nesimba.” Isaka akabvapo, akandodzika matende ake mumupata weGerari, akagarapo. Isaka akacherazve matsime emvura, akanga acherwa pamazuva ababa vake, Abhurahamu; nokuti vaFirisitia vakanga vaadzivira Abhurahamu afa; akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake. Varanda vaIsaka vakachera mumupata, vakawanapo tsime remvura inotubuka. Vafudzi veGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaka, vachiti, “Imvura yedu;” akatumidza tsime iroro zita rinonzi Eseki; nokuti vakapesana naye. Zvino akandocherazve rimwe tsime; vakaitirana nharo pamusoro pairorozve; akaritumidza zita rinonzi Sitina. Akabvapo, akandocherazve rimwe tsime; iroro havana kuzoitirana nharo pamusoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehobhoti; akati, “Nokuti zvino Jehovha wakandiitira nzvimbo huru, kuti tiwande munyika ino.” Akabvapo, akakwira Bheerishebha; Jehovha akazviratidza kwaari usiku ihwohwo, akati, “Ndini Mwari waAbhurahamu, baba vako; usatya, nokuti ndinewe, ndichakuropafadza, nokuwanza rudzi rwako nokuda kwaAbhurahamu, muranda wangu.” Akavakapo atari, akanamata zita raJehovha, akadzika tende rake ipapo; varanda vaIsaka vakacherapo tsime. Ipapo Abhimereki akaenda kwaari, achibva Gerari, aine shamwari yake Ahuzati, naPikori, mukuru wehondo yake. Isaka akati kwavari, “Mauyireiko kwandiri, zvamunondivenga, mukandidzinga kwamuri?” Ivo vakati, “Takaona kwazvo kuti Jehovha anewe, tikati, ‘Zvino mhiko ngaivepo pakati pedu, pakati pedu newe, tiite sungano newe; kuti urege kutiitira zvakaipa, sezvatisina kukubata iwe, sezvatakakuitira zvakanaka bedzi, tikakuendesa norugare;’ zvino iwe ndiwe hako muropafadzwa waJehovha.” Iye akavagadzirira zvokudya, vakadya, vakanwa, vakamuka mangwanani, vakapikirana; ipapo Isaka akavatendera kuenda, vakabva kwaari norugare. Nomusi iwoyo varanda vaIsaka vakauya, vakamuudza kuti vakanga vachera tsime, vakati kwaari, “Mvura taiwana.” Akaritumidza zita rinonzi Shebha; naizvozvo zita reguta ndiBheerishebha kusvikira zuva ranhasi. Zvino Esau wakati asvika makore makumi mana, akawana Judhisi, mukunda waBheeri, muHeti, naBhasimati, mukunda waEroni, muHeti; ivavo vakarwadza mwoyo waIsaka naRabheka.
Genesisi 26:1-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino munyika imomo makaita nzara isati iri nzara iya yakamboitika pamazuva aAbhurahamu. Isaki akaenda kuGerari, kuna Abhimereki mambo wavaFirisitia. Tenzi akazviratidza kwaari akati, “Usadzike kuIjipiti, asi gara munyika yandichakuudza. Chimbogara zvako munyika ino. Ini ndichava newe. Ndichakukomborera. Ndichakupa nyika idzi dzose iwe navana vako. Ndichaita zviya zvandakapika kuna Abhurahamu, baba vako. Ndichaita kuti vana vako vawande senyenyedzi dzedenga. Ndichavapa nyika idzi dzose. Vana vako vachawanisawo ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano makomborero, nokuti Abhurahamu aiteerera zvandaireva, aiita zvose zvandaimutemera kuita achitevedza zvirongwa zvangu, achichengetawo mirao yangu nokuteerera mitemo yangu.” Saizvozvo Isaki akagara kuGerari. Vanhu venyika iyoyo vakamubvunza nezvomukadzi wake, iye akati, “Ihanzvadzi yangu.” Izvozvo aitya kutaura kuti mudzimai wangu achiti zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraye pamusana paRibheka nokuti akanga aine chimiro chakanaka kwazvo. Kuzoti Isaki agarapo nguva ndefu, Abhimereki mambo wavaFirisitia akatarisa napahwindo akaona Isaki achibata-bata Ribheka mudzimai wake. Ipapo Abhimereki akadaidza Isaki akati, “Ko zvaari mukadzi wako wani! Wakagotaurirei kuti, ‘Ihanzvadzi yangu.’ ” Isaki ndokuti, “Ndaiti zvimwe ndingaurayiwe pamusana pake.” Abhimereki akati, “Zvino, ndochii ichochi chawakatiitira ipapa? Mumwe munhu aigona kunge akatadza nomudzimai wako iwe wotiparisa mhosva.” Naizvozvo Abhimereki akayambira vanhu vake vose achiti, “Kuwana ane chakaipa chaanoita kune murume uyu, kana mudzimai wake anofanira kuurayiwa.” Isaki akarima mbesa munyika iyoyo, gore iroro akakohwa mbesa dzakawanda kwazvo, Tenzi akamukomborera akava mupfumi. Akaramba achibudirira kudzamara ava noupfumi hwakawanda. Akanga ano upfumi hwemombe nezvimwe zvipfuwo navaranda vazhinji zvokuti vaFirisitia vakamuitira shanje. VaFirisitia vakafushira vakazadza namavhu matsime ose akanga acherwa navaranda vababa wavo Abhurahamu, akacherwa Abhurahamu achiri mupenyu. Abhimereki akataurira Isaki kuti, “Chibvai zvenyu medu muno nokuti mava nesimba kupinda isu.” Naizvozvo Isaki akatamapo akandodzika matendhe ake mubani reGerari, akamboita musha wake ipapo. Isaki akafukunura matsime emvura akanga acherwa pamazuva ababa wake Abhurahamu, nokuti Abhurahamu paakafa vaFirisitia vakabva vaafushira. Akaatumidzazve mazita aakanga akatumidzwa nababa wake. Varanda vaIsaki vakati vachichera mubani umu, vakawanawo tsime remvura yechitubu. Vafudzi vomuGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaki vachiti, “Mvura iyi ndeyedu.” Saka Isaki akatumidza tsime irori zita rokuti, “Nharo,” nokuti vakanga vaitirana nharo navo. Varanda vaIsaki vakacherazve rimwe tsime. Vakaitirana nharo zvakare navafudzi vomuGerari pamusoro paro, Isaki akaritumidza zita rokuti, “Ruvengo.” Isaki akazobvapo akandocherazve rimwe tsime. Ipapo havana kuzomboitirana nharo. Akabva aritumidza zita rokuti, “Ziendanakuenda,” vachiti, “Zvino Tenzi atipa nzvimbo huru kuti tigova vazhinji munyika ino.” Zvino Isaki akabvapo akatamira kuBheerishebha. Tenzi akazviratidza kwaari usiku ihwohwo akati, “Ndini Mwari waAbhurahamu baba vako. Usatye zvako nokuti ndinewe. Ndichakukomborera ndichiita kuti vana vako vawande kwazvo pamusana paAbhurahamu muranda wangu.” Isaki akavaka atari ipapo akanamata Tenzi ndokubva adzika tendhe yake ipapo. Varanda vake vakacherapo tsime. Ipapo Abhimereki nejinda rake Ahuzati naPikori mukuru wehondo yake vakabva Gerari vakaenda kuna Isaki. Isaki akavati, “Mavingeiko kuno? Handiti munondivenga imi. Inga makandidzinga wani kwenyu!” Ivo ndokuti, “Tanyatsoona kuti Tenzi anewe. Saka tanga tafunga kuti dai paitwa chibvumirano pakati pedu newe, tiite chitenderano chokuti ugorega kutiitira zvakaipa. Sezvatakaita isu, hatina chatakakutadzira asi takakuitira zvakanaka tikazotiwo uende zvako zvakanaka. Nhasi iwe wava nechikomborero chaTenzi.” Isaki akavaitira mabiko vakadya vakanwa. Vakafumomuka vakaita chibvumirano. Isaki akavaperekedza ndokuenda zvavo norugare. Nomusi iwoyo varanda vaIsaki vakauya vakamuudza nezvetsime ravakanga vachera. Vakati, “Tabata mvura.” Isaki akatumidza tsime iri zita rokuti, “Mhiko.” Naizvozvo zita reguta iroro rinonzi Bheerishebha kusvikira pari nhasi. Esau paakanga ava namakore makumi mana, akaroora vakadzi vechiHiti kwaiti Judhisi mwana waBheeri naBhasimati mwana waEroni. Vakadzi vacho vaifurusa Isaki naRibheka.
Genesisi 26:1-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino nzara yakaŋga iri’po panyika; isati iri nzara yakaŋga iri’po pamazuʋa aAbrahama. Isaka akaenda Gerari kunaAbimereki, mambo waʋaFiristia. Jehova akaɀiratidza ɀe kwaari, akati: Usaɓurukira Egipita; gara munyika yandakakuʋudza; gara hako munyika ino uri mutorwa; ini ndicaʋa newe, ndicakuropafadza; nokuti ndicakupa iwe, naʋana ʋako, nyika idzi dzose; ndicasimbisa mhiko yandakapikira Abrahama, ɓaɓa ʋako; ndicawanza ʋana ʋako senyeredzi dzeɗeŋga; ndudzi dzose dzenyika dzicaropafadzwa muʋana ʋako; nokuti Abrahama wakaterera inzwi raŋgu, akaceŋgeta ɀandakamuraira, nemirairo yaŋgu, nemitemo yaŋgu, nemirau yaŋgu. Isaka akagara Gerari; ʋanhu ʋenyika iyo ʋakamubvunza pamsoro pomukadzi wake, akati: Ihanɀadzi yaŋgu; nokuti wakaŋga acitya kuti, mukadzi waŋgu, aciti: Ɀimŋe ʋanhu ʋenyika ino ʋaŋgandiʋuraya nokuɗa kwaRebeka; nokuti wakaŋga akanaka kumeso. Ɀino wakati aʋa’po ŋguʋa refu, Abimereki, mambo waʋaFiristia, wakatarira napawindi, akaʋona Isaka acitamba naRebeka, mukadzi wake. Ipapo Abimereki akaɗana Isaka, akati: Tarira, ɀirokwaɀo mukadzi wako; wakataura seiko uciti, ihanɀadzi yaŋgu — Isaka akati kwaari: Nokuti ndakati: Ɀimŋe ndiŋgafa nokuɗa kwake. Abimereki akati kwaari: Ndokuɗiniko kuti watiitira cinhu ici — Ƌai mumŋe waʋanhu aiʋata nomukadzi wako, uŋgaɗai watiisa pamhoȿa. Abimereki akaraira ʋanhu ʋose, akati: Unoɓata munhu uyu kana mukadzi wake, ucaʋurawa ɀirokwaɀo. Ɀino Isaka wakadɀara ɀiyo munyika iyo, akawana gore iro runezana; Jehova akamuropafadza. Munhu uyu akaʋa mukuru, akaramba aciwedzerwa, kuȿikira waʋa mukuru kwaɀo; wakaŋga anefuma yamakwai, neyeŋombe, nemhuri huru; ʋaFiristia ʋakamugoɗora. ƲaFiristia ʋakadziʋira matsime ose akaŋga acerwa naʋaranda ʋaɓaɓa ʋake pamazuʋa aɓaɓa ʋake Abrahama, ʋakaafusira nevu. Abimereki akati kunaIsaka; Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuʋura kwaɀo nesimba. Isaka akabva’po, akandodzika matente ake mumupata weGerari, akagara’po. Isaka akacera ɀe matsime emvura, akaŋga acerwa pamazuʋa aɓaɓa ʋake, Abrahama; nokuti ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaadziʋira Abrahama afa; akaatumidza mazita aakaŋga atumidzwa naɓaɓa ʋake. Ʋaranda ʋaIsaka ʋakacera mumupata, ʋakawana’po tsime remvura inotuɓuka. Ʋafudzi ʋeGerari ʋakaitirana nharo naʋafudzi ʋaIsaka, ʋaciti: Imvura yeɗu; akatumidza tsime iro zita rinonzi Eseki; nokuti ʋakapesana naye. Ɀino wakandocera ɀe rimŋe tsime; ʋakaitirana nharo pamsoro pairero ɀe; akaritumidza zita rinonzi Sitna. Akabva’po, akandocera ɀe rimŋe tsime; irero haʋana‐kuzoitirana nharo pamsoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehoboti; akati: Nokuti ɀino Jehova wakandiitira nɀimbo huru, kuti tiwande munyika ino. Akabva’po, akakwira Beeri‐sheba; Jehova akaɀiratidza kwaari ʋusiku ibgobgo, akati: Ndini Mŋari waAbrahama, ɓaɓa ʋako; usatya, nokuti ndinewe, ndicakuropafadza, nokuwanza rudzi rwako nokuɗa kwaAbrahama, muranda waŋgu. Akaʋaka’po artari, akanamata zita raJehova, akadzika tente rake ipapo; ʋaranda ʋaIsaka ʋakacera’po tsime. Ipapo Abimereki akaenda kwaari, acibva Gerari, aneshamŋari yake Ahuzati, naPikori, mukuru wehondo yake. Isaka akati kwaʋari: Maʋuyireiko kwandiri, ɀamunondiʋeŋga, mukandidziŋga kwamuri? Iʋo ʋakati: Takaʋona kwaɀo kuti Jehova unewe, tikati: Ɀino mhiko ŋgaiʋe’po pakati peɗu, pakati peɗu newe, tiite suŋgano newe; kuti urege kutiitira ɀakaipa, seɀatisina‐kukuɓata iwe, seɀatakakuitira ɀakanaka ɓedzi, tikakuendisa norugare; ɀino iwe ndiwe hako muropafadzwa waJehova. Iye akaʋagadzirira ɀokudya, ʋakadya, ʋakanwa, ʋakamuka maŋgwanani, ʋakapikirana; ipapo Isaka akaʋatendera kuenda, ʋakabva kwaari norugare. Nomusi iwoyo ʋaranda ʋaIsaka ʋakaʋuya, ʋakamuʋudza kuti ʋakaŋga ʋacera tsime, ʋakati kwaari: Mvura taiwana. Akaritumidza zita rinonzi Shiba; naiɀoɀo zita reguta ndiBeeri‐sheba kuȿikira zuʋa ranhasi. Ɀino Esau wakati aȿika makore makumi manna, akawana Juditi, mukunda waBeeri, muHeti, naBasemati, mukunda waEroni, muHeti; iʋaʋo ʋakarwadza mŋoyo waIsaka naRebeka.
Genesisi 26:1-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)