Genesisi 24:20-23
Genesisi 24:20-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka akakurumidza kudururira mvura yaiva muchirongo chake muchinwiro, akamhanyira kutsime zvakare kundochera imwe mvura zhinji, akachera yakakwanira ngamera dzake. Asina chaakataura, murume uyu akamutarisisa kuti azive kuti Jehovha akanga aita kuti rwendo rwake rubudirire here kana kuti kwete. Ngamera dzakati dzapedza kunwa, murume uya akatora mhete yegoridhe yapamhino yairema hafu yeshekeri nezvishongo zviviri zvamaoko zvairema mashekeri gumi. Ipapo akamubvunza akati, “Uri mwanasikana waaniko? Ndapota, dondiudzawo, kumba kwababa vako kungaita nzvimbo yedu yokuvata here?”
Genesisi 24:20-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akakurumidza, akadurura mvura yakanga iri muchirongo chake muchinwiro; akamhanyira kutsime kundocherazve, akacherera makamera ake ose. Murume akamutarisisa, anyerere, kuti azive kana Jehovha amufambisa zvakanaka parwendo rwake, kana kwete. Makamera akati apedza kunwa murume akatora chindori chendarama chakaita hafu yeshekeri rimwe rendarama pakurema kwacho, nezvishongo zviviri zvamaoko zvakaita mashekeri ane gumi pakurema kwazvo; akati, “Uri mukunda waaniko? Ndiudze hako. Kumba kwababa vako kune pokuvata here?”
Genesisi 24:20-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akabva atora mvura yaiva muchirongo chake akaidururira mokuti dzinwire, ndokumhanyira kutsime kundocherera ngamera dzake dzose mvura yokunwa. Murume akatarisisa anyerere achida kuziva kuti chokwadi Tenzi anditungamirira kuwana zvandafambira here, kana kuti kwete. Kuzoti ngamera dzake dzanwa dzaguta muranda uyu akatora mhete yendarama yairema sechidimbu chapakati napakati cheshekeri, ndokushongedza Ribheka. Akamupawo makoza maviri endarama airema mashekeri gumi. Muranda akati, “Uri mwana waaniko? Ko tingawanawo here pokurara kumba kwababa venyu?”
Genesisi 24:20-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akakurumidza, akaɗurura mvura yakaŋga iri muciroŋgo cake mucinwiro; akamhanyira kutsime kundocera ɀe, akacerera makamera ake ose. Murume akamutarisisa, anyerere, kuti aziʋe kana Jehova amufambisa ɀakanaka parwendo rwake, kana kwete. Makamera akati apedza kunwa, murume akatora cindori cendarama cakaita hafu yeshekeri rimŋe rendarama pakurema kwaco, neɀishoŋgo ɀiʋiri ɀamaʋoko ɀakaita mashekeri anegumi pakurema kwaɀo; akati: Uri mukunda waaniko — Ndiʋudze hako. Kumba kwaɓaɓa ʋako kunopokuʋata here?
Genesisi 24:20-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)