Genesisi 21:22-34
Genesisi 21:22-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva iyoyo Abhimereki naPikori mukuru wamauto ake, akati kuna Abhurahama, “Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita. Zvino ndipikire pano pamberi paMwari kuti hauzondinyengeri ini, kana vana vangu kana zvizvarwa zvangu. Ndiitirei tsitsi ini nenyika yaugere mairi somutorwa, kuti sezvandakakuitira tsitsi uchaita zvimwe chetezvo newewo.” Abhurahama akati, “Ndinopika.” Ipapo Abhurahama akamhanʼara kuna Abhimereki pamusoro petsime remvura rakanga ratorwa navaranda vaAbhimereki. Asi Abhimereki akati, “Handizivi akaita izvozvo. Iwe hauna kundiudza, uye ndatozvinzwa izvozvo nhasi chaiye.” Saka Abhurahama akauya namakwai nemombe akazvipa kuna Abhimereki, uye varume vaviri ava vakaita sungano. Abhurahama akatsaura sheche nomwe dzamakwayana kubva kuboka, uye Abhimereki akabvunza Abhurahama akati, “Sheche dzamakwai idzi dzawatsaura dzinoreveiko?” Akapindura achiti, “Gamuchira makwayana manomwe aya kubva muruoko rwangu sechapupu chokuti ndini ndakachera tsime iri.” Saka nzvimbo iyo yakanzi Bheerishebha, nokuti varume vaviri ava vakapika mhiko ipapo. Mushure mokuitwa kwesungano paBheerishebha, Abhimereki naPikori mukuru wamauto ake vakadzokera kunyika yavaFiristia. Abhurahama akadyara muti womutamarisiki muBheerishebha, uye ipapo akadana kuzita raJehovha, Mwari Wokusingaperi. Uye Abhurahama akagara munyika yavaFiristia kwenguva refu.
Genesisi 21:22-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nenguva iyo Abhimereki naPikori, mukuru wehondo yake, vakataura naAbhurahamu, vakati, “Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita; naizvozvo zvino ndipikire pano naMwari kuti haungandinyengeri ini, kana vana vangu, kana vana vavana vangu; asi sezvandakakuitira tsitsi, uitewo saizvozvo kwandiri, nokunyika mawakagara uri mutorwa.” Abhurahamu akati, “Ndichapika.” Asi Abhurahamu akatuka Abhimereki nokuda kwetsime remvura rakanga ratorwa nesimba navaranda vaAbhimereki. Abhimereki akati, “Handizivi akaita izvozvo, newe hauna kundiudza, ini handina kumbozvinzwa, asi nhasi.” Abhurahamu akatora makwai nenzombe, akapa Abhimereki, ivo vaviri vakaita sungano. Abhurahamu akaraura zvisheche zvinomwe zvamakwai; Abhimereki akati kuna Abhurahamu, “Ko zvisheche izvi zvinomwe zvawaraura ndezveiko?” Iye akati, “Zvisheche izvi zvinomwe uzvigamuchire paruoko rwangu, chive chapupu changu, kuti ndini ndakachera tsime iri.” Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Bheerishebha, nokuti ndipo pavakapika ivo vaviri. Saizvozvo vakaita sungano paBheerishebha; Abhimereki akasimuka, naPikori, mukuru wehondo yake, vakadzokera kunyika yavaFirisitia. Abhurahamu akasima muti womutamarisiki paBheerishebha, akanamatapo zita raJehovha Mwari asingaperi. Abhurahamu akagara ari mutorwa panyika yavaFirisitia mazuva mazhinji.
Genesisi 21:22-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Panguva iyoyo Abhimereki naFikori mukuru mukuru wehondo yake vakataurirana naAbhurahamu vachiti, “Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita, saka ipo pano chipika naMwari kwandiri kuti hauzombonyengedza ini kana vana vangu, kana zvizukuru zvangu, sokutendeseka kwandakaita kwauri ugovawo wakatendeseka kwandiri nokunyika yaugere somutorwa.” Abhurahamu akati, “Ndinopika.” Abhurahamu paakanyunyutira Abhimereki nezvetsime remvura rakanga rapambwa navaranda vaAbhimereki, Abhimereki akati, “Handizive akaita izvozvo. Iwe hauna kumbondiudzawoka. Ndatotangisa kuzvinzwa nhasi uno.” Abhurahamu akatora hwai nemombe ndokupa Abhimereki, vakabva vasunga chibvumirano pauviri hwavo. Abhurahamu akatsaurawo nhunzvi nomwe dzehwai ndokudziisa padzo dzoga. Abhimereki akabvunza Abhurahamu achiti, “Ko nhunzvi nomwe idzi dzawatsaura dzinoreveiko?” Abhurahamu akati, “Gamuchirai nhunzvi nomwe idzi sechiratidzo chokundipupurira kuti ndini ndakachera tsime iri.” Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti Bheerishebha nokuti ipapo vakaitirana mhiko pauviri hwavo. Kuzoti vaita chitenderano chavo kuBheerishebha, Abhimereki naFikori, mukuru mukuru wehondo yake, vakasumuka vakadzokera zvavo, kunyika yevaFirisitia. Abhurahamu akasima muti womutamarisiki kuBheerishebha, akanamata Tenzi, Mwari Chidzachepo. Abhurahamu akagara munyika yevaFirisitia kwenguva ndefu.
Genesisi 21:22-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino neŋguʋa iyo Abimereki naPikori, mukuru wehondo yake, ʋakataura naAbrahama, ʋakati: Mŋari unewe paɀinhu ɀose ɀaunoita; naiɀoɀo ɀino ndipikire pano naMŋari kuti hauŋgandinyeŋgeri ini, kana ʋana ʋaŋgu, kana ʋana ʋaʋana ʋaŋgu; asi seɀandakakuitira tsitsi, uite ʋo saiɀoɀo kwandiri, nokunyika mawakagara uri mutorwa. Abrahama akati: Ndicapika. Asi Abrahama wakatuka Abimereki nokuɗa kwetsime remvura rakaŋga ratorwa nesimba naʋaranda ʋaAbimereki. Abimereki akati: Handiziʋi wakaita iɀoɀo, newe hauna‐kundiʋudza, ini handina‐kumboɀinzwa, asi nhasi. Abrahama akatora makwai nenzombe, akapa Abimereki, iʋo ʋaʋiri ʋakaita suŋgano. Abrahama akaraʋura ɀishece ɀinomŋe ɀamakwai; Abimereki akati kunaAbrahama: Ko ɀishece iɀi ɀinomŋe ɀawaraʋura ndeɀeiko? Iye akati: Ɀishece iɀi ɀinomŋe uɀigamucire paruʋoko rwaŋgu, ciʋe capupu caŋgu, kuti ndini ndakacera tsime iri. Naiɀoɀo wakatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Beeri‐sheba, nokuti ndi’po paʋakapika iʋo ʋaʋiri. Saiɀoɀo ʋakaita suŋgano paBeeri‐sheba; Abimereki akasimuka, naPikori, mukuru wehondo yake, ʋakadzokera kunyika yaʋaFiristia. Abrahama akasima muti womutamariski paBeeri‐sheba, akanamata’po zita raJehova Mŋari usiŋgaperi. Abrahama akagara ari mutorwa panyika yaʋaFiristia mazuʋa mazhinji.
Genesisi 21:22-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)