Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 2:8-25

Genesisi 2:8-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino Jehovha Mwari akanga adyara bindu kumabvazuva, muEdheni; uye akaisa munhu waakanga aumba imomo. Uye Jehovha Mwari akaita mhando dzose dzemiti kuti dzimere kubva muvhu, miti yaifadza meso uye yakanga yakanaka pakudya. Pakati pebindu pakanga pano muti woupenyu nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. Rwizi rwaidiridza bindu rwaiyerera ruchibva muEdheni; kubva imomo rwakaparadzana rukava hova ina. Zita rerwokutanga ndiPishoni; runopoterera nomunyika yose yeHavhira, imomo mune goridhe. (Goridhe romunyika iyoyo rakanaka; uyewo dheriamu nebwe reonikisi zvirimo.) Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; runopoterera nomunyika yose yeEtiopia. Zita rorwizi rwechitatu ndiTigirisi; runoyerera ruchitevedza rutivi rwamabvazuva eAshuri. Uye rwizi rwechina ndiYufuratesi. Jehovha Mwari akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni kuti aririme nokurichengeta. Uye Jehovha Mwari akarayira munhu achiti, “Wakasununguka kuti udye zvinobva pamuti upi zvawo uri mubindu; asi haufaniri kudya zvinobva pamuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti pauchaudya uchafa zvirokwazvo.” Jehovha Mwari akati, “Hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga. Ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.” Zvino Jehovha Mwari akanga aumba kubva muvhu, mhuka dzose dzesango neshiri dzose dzedenga. Akazviuyisa kumunhu kuti aone kuti achazvitumidza mazita api, uye chisikwa chipenyu chimwe nechimwe sezvachakatumidzwa nomunhu, ndiro rakava zita racho. Saka munhu akatumidza mazita kuzvipfuwo zvose, nokushiri dzose dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi kuna Adhamu kwakanga kusina kuwanikwa mubatsiri akamukwanira. Saka Jehovha Mwari akaita kuti munhu avate hope huru; uye paakanga achakavata, akatora rumwe rumbabvu rwomunhu akavhara nenyama nzvimbo yaakarubvisa. Ipapo Jehovha Mwari akaita mukadzi kubva parumbabvu rwaakanga abvisa pamunhu, uye akamuuyisa kumurume. Murume akati, “Zvino uyu ibvupa ramapfupa angu nenyama yenyama yangu; achanzi ‘mukadzi’, nokuti akatorwa kubva pamurume.” Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe. Murume nomukadzi wake vakanga vasina kusimira vose, uye havana kutongonyara.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 2

Genesisi 2:8-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Jehovha Mwari akasima munda muEdheni, kumabvazuva, akaisapo munhu aakanga aumba. Jehovha Mwari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; uye muti woupenyu pakati pomunda, nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. MuEdheni mukabuda rwizi kuzodiridza munda uyo, rukaparadzana ipapo, dzikaita hova ina. Zita rorwokutanga ndiPishoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeHavhira, pane ndarama ipapo; ndarama yenyika iyoyo yakanaka; uyewo pane dheriumu nebwe reonikisi. Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi. Zita rorwizi rwechitatu ndiHedhekeri, ndirwo runoyerera kumabvazuva kweAsiria. Rwizi rwechina ndiYufuratesi. Jehovha Mwari akatora munhu, akamuisa mumunda weEdheni, kuti aurime nokuuchengeta. Jehovha Mwari akaraira munhu achiti, “Ungadya hako miti yose yomunda, asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zviro kwazvo.” Jehovha Mwari akatizve, “Hazvina kunaka kuti munhu agare ari woga; ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.” Jehovha Mwari akaumba nevhu mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akadziisa kumunhu kuti aone kuti achadzitumidza mazita api; zvipenyu zvose sezvazvakatumidzwa nomunhu, ndiwo akava mazita azvo. Munhu akatumidza zvipfuwo zvose mazita, neshiri dzedenga, nemhuka dzose dzesango; asi kwakashaikwa mubatsiri akamukwanira iye munhu. Ipapo Jehovha Mwari akavatisa munhu hope huru, akavata; akatora rumbabvu rwake rumwe, akadzivira nyama panzvimbo yarwo. Norumbabvu urwo Jehovha Mwari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi narwo, akamuisa kumunhu. Munhu akati, “Zvino uyu ipfupa ramapfupa angu, nenyama yenyama yangu, uchatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa paMurume.” Naizvozvo munhu anofanira kusiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe. Vose vari vaviri vakanga vasina kusimira, munhu nomukadzi wake, asi havana kunyara.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 2

Genesisi 2:8-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mwari Tenzi akasima bindu muEdheni kumabvazuva ndokuisamo munhu waakanga aumba. Mwari Tenzi akameresa muEdhenimo miti yorudzi norudzi yaiyevedza kutarisa, yaiva yakanaka kudya. Muti woupenyu waivawo pakati pebindu iroro, maivawo nomuti woruzivo rwezvakanaka nezvakaipa. Kwaiva norwizi rwaibva muEdheni rwaidiridza bindu iroro rwaizobudamo rwokamukana ruchiita nzizi ina. Rwizi rwokutanga ndiPishoni. Ndirwo runopoterera nenyika yeHavhira, kune ndarama. Ndarama yenyika iyoyo yakanaka kwazvo, kunowanikawo masiriridzi edheriumu anonhuhwirira uye notumabwe tunokosha tweonikisi. Rwizi rwechipiri ndiGihoni. Ndirwo runopoterera nyika yose yeKushi. Rwizi rwechitatu ndiTigirisi, runopfuura nechokumabvazuva kweAsiria. Rwizi rwechina ndiYufuratesi. Mwari Tenzi akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni riya kuti aririme arichengete. Mwari Tenzi akaudza munhu kuti, “Idya zvako michero yemiti yose iri mubindu umu. Asi usadye muchero womuti woruzivo rwezvakanaka nezvakaipa, nokuti zvechokwadi musi waunoudya unofa.” Mwari Tenzi akazoti, “Hazvina kunaka kuti munhu agare oga. Ndichamusikira mubatsiri akakodzerana naye.” Mwari Tenzi akatora ivhu akaumba mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akauya nadzo kuna Adhamu achida kuona kuti achadzitumidza mazita api. Mazita ose akatumidzwa zvinhu zvipenyu naAdhamu, ndiwo akava mazita azvo. Adhamu akatumidza mazita zvipfuwo zvose, neshiri dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi Adhamu akanga asina mubatsiri aikodzerana naye. Mwari Tenzi akavatisa Adhamu hope dzorufu. Avete kudaro, Mwari akamubvisa mbabvu yake imwechete ndokubva aisa nyama panzvimbo yayo. Mwari Tenzi akatora mbabvu iya ndokuumba munhukadzi ndokumupereka kuna Adhamu. Adhamu akati, “Hounoka zvino bvupa ramapfupa angu, nyama yomuviri wangu chaiyo. Achanzi munhukadzi, nokuti akatorwa pamunhurume.” Naizvozvo murume achasiya baba vake naamai vake achiva chiname nomukadzi wake, vaviri ava vachiva nyama imwechete. Izvozvi murume nomukadzi wake vose vari vaviri vakanga vasina kusimira asi vakanga vasinganyarani.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 2

Genesisi 2:8-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Jehova Mŋari akasima munda muEdeni, kumabvazuʋa, akaisa’po munhu waakaŋga aʋumba. Jehova Mŋari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; ʋuye muti woʋupenyu pakati pomunda, nomuti wokuziʋa ɀakanaka neɀakaipa. MuEdeni mukaɓuɗa rwizi kuzoɗiridza munda uyo, rukaparadzana ipapo, dzikaita hoʋa inna. Zita rorwokutaŋga ndiPishoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeHavira, panendarama ipapo; ndarama yenyika iyeyo yakanaka; ʋuye ʋo panederiumu nebge reoniksi. Zita rorwizi rwecipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi. Zita rorwizi rwecitatu ndiHidekeri; ndirwo runoyerera kumabvazuʋa kweAsiria. Rwizi rwecinna ndiYufratesi. Jehova Mŋari akatora munhu, akamuisa mumunda weEdeni, kuti aurime nokuuceŋgeta. Jehova Mŋari akaraira munhu, aciti: Uŋgadya hako miti yose yomunda; asi muti wokuziʋa ɀakanaka neɀakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, ucafa ɀirokwaɀo. Jehova Mŋari akati ɀe. Haɀina‐kunaka kuti munhu agare ari woga; ndicamuitira muɓatsiri wakamukwanira. Jehova Mŋari akaʋumba nevu mhuka dzose dzesaŋgo, neshiri dzose dzeɗeŋga, akadziisa kumunhu kuti aʋone kuti ucadzitumidza mazita api; ɀipenyu ɀose seɀaɀakatumidzwa nomunhu, ndiwo akaʋa mazita aɀo. Munhu akatumidza ɀipfuwo ɀose mazita, neshiri dzeɗeŋga, nemhuka dzose dzesaŋgo; asi kwakashaikwa muɓatsiri wakamukwanira iye munhu. Ipapo Jehova Mŋari wakaʋatisa munhu hope huru, akaʋata; akatora rumbabvu rwake rumŋe, akadziʋira nyama panɀimbo yarwo. Norumbabvu urwo Jehova Mŋari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi narwo, akamuisa kumunhu. Munhu akati: Ɀino uyu ifupa ramafupa aŋgu, nenyama yenyama yaŋgu; ucatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa paMurume. Naiɀoɀo munhu unofanira kusiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, anamatire mukadzi wake, ʋaʋe nyama imŋe. Ʋose ʋari ʋaʋiri ʋakaŋga ʋasina‐kusimira, munhu nomukadzi wake, asi haʋana‐kunyara.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 2

Genesisi 2:8-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)