Genesisi 2:5-7
Genesisi 2:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
uye kwakanga kusati kwava namakwenzi esango panyika, uye miriwo yesango yakanga isati yamera, nokuti Jehovha Mwari akanga asati anayisa mvura panyika uye kwakanga kusina munhu wokuzorima panyika, asi hova dzaibuda dzichibva pasi uye dzichinyorovesa pasi pose, Jehovha Mwari akaumba munhu kubva paguruva revhu uye akafemera mweya woupenyu mumhino dzake, uye munhu akava mupenyu.
Genesisi 2:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
makwenzi esango akanga achigere kuvapo panyika, nemiriwo yesango yakanga ichigere kumera; nokuti Jehovha Mwari akanga asati anaisa mvura panyika, uye kwakanga kusina munhu kuzorima pasi; asi mhute yaisikwira ichibva panyika ichinyorevesa nyika yose. Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.
Genesisi 2:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
pasi pose pakanga pasati pava namakwenzi. Kwakanga kusinawo zvinomera nokuti Mwari Tenzi akanga asati anayisa mvura panyika uye hakuna airima nokuti kwakanga kusati kwava nomunhu aivapo. Asi mhute yaisimuka panyika ichinyorovesa pasi pose. Mwari Tenzi akatora ivhu panyika akaumba munhu, akamufemera mweya woupenyu mumhuno dzake. Munhu ndokubva ava noupenyu.
Genesisi 2:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
makwenzi esaŋgo akaŋga acigere kuʋa’po panyika, nemiriʋo yesaŋgo yakaŋga icigere kumera; nokuti Jehova Mŋari wakaŋga asati anisa mvura panyika, ʋuye kwakaŋga kusinomunhu kuzorima pasi; asi mhute yaisikwira icibva panyika icinyoroʋesa nyika yose. Jehova Mŋari akaʋumba munhu neguruʋa revu, akafuridzira mŋeya woʋupenyu mumhino dzake; munhu akaʋa mŋeya mupenyu.
Genesisi 2:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)