Genesisi 2:5-15
Genesisi 2:5-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
uye kwakanga kusati kwava namakwenzi esango panyika, uye miriwo yesango yakanga isati yamera, nokuti Jehovha Mwari akanga asati anayisa mvura panyika uye kwakanga kusina munhu wokuzorima panyika, asi hova dzaibuda dzichibva pasi uye dzichinyorovesa pasi pose, Jehovha Mwari akaumba munhu kubva paguruva revhu uye akafemera mweya woupenyu mumhino dzake, uye munhu akava mupenyu. Zvino Jehovha Mwari akanga adyara bindu kumabvazuva, muEdheni; uye akaisa munhu waakanga aumba imomo. Uye Jehovha Mwari akaita mhando dzose dzemiti kuti dzimere kubva muvhu, miti yaifadza meso uye yakanga yakanaka pakudya. Pakati pebindu pakanga pano muti woupenyu nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. Rwizi rwaidiridza bindu rwaiyerera ruchibva muEdheni; kubva imomo rwakaparadzana rukava hova ina. Zita rerwokutanga ndiPishoni; runopoterera nomunyika yose yeHavhira, imomo mune goridhe. (Goridhe romunyika iyoyo rakanaka; uyewo dheriamu nebwe reonikisi zvirimo.) Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; runopoterera nomunyika yose yeEtiopia. Zita rorwizi rwechitatu ndiTigirisi; runoyerera ruchitevedza rutivi rwamabvazuva eAshuri. Uye rwizi rwechina ndiYufuratesi. Jehovha Mwari akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni kuti aririme nokurichengeta.
Genesisi 2:5-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
makwenzi esango akanga achigere kuvapo panyika, nemiriwo yesango yakanga ichigere kumera; nokuti Jehovha Mwari akanga asati anaisa mvura panyika, uye kwakanga kusina munhu kuzorima pasi; asi mhute yaisikwira ichibva panyika ichinyorevesa nyika yose. Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu. Jehovha Mwari akasima munda muEdheni, kumabvazuva, akaisapo munhu aakanga aumba. Jehovha Mwari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; uye muti woupenyu pakati pomunda, nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. MuEdheni mukabuda rwizi kuzodiridza munda uyo, rukaparadzana ipapo, dzikaita hova ina. Zita rorwokutanga ndiPishoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeHavhira, pane ndarama ipapo; ndarama yenyika iyoyo yakanaka; uyewo pane dheriumu nebwe reonikisi. Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi. Zita rorwizi rwechitatu ndiHedhekeri, ndirwo runoyerera kumabvazuva kweAsiria. Rwizi rwechina ndiYufuratesi. Jehovha Mwari akatora munhu, akamuisa mumunda weEdheni, kuti aurime nokuuchengeta.
Genesisi 2:5-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
pasi pose pakanga pasati pava namakwenzi. Kwakanga kusinawo zvinomera nokuti Mwari Tenzi akanga asati anayisa mvura panyika uye hakuna airima nokuti kwakanga kusati kwava nomunhu aivapo. Asi mhute yaisimuka panyika ichinyorovesa pasi pose. Mwari Tenzi akatora ivhu panyika akaumba munhu, akamufemera mweya woupenyu mumhuno dzake. Munhu ndokubva ava noupenyu. Mwari Tenzi akasima bindu muEdheni kumabvazuva ndokuisamo munhu waakanga aumba. Mwari Tenzi akameresa muEdhenimo miti yorudzi norudzi yaiyevedza kutarisa, yaiva yakanaka kudya. Muti woupenyu waivawo pakati pebindu iroro, maivawo nomuti woruzivo rwezvakanaka nezvakaipa. Kwaiva norwizi rwaibva muEdheni rwaidiridza bindu iroro rwaizobudamo rwokamukana ruchiita nzizi ina. Rwizi rwokutanga ndiPishoni. Ndirwo runopoterera nenyika yeHavhira, kune ndarama. Ndarama yenyika iyoyo yakanaka kwazvo, kunowanikawo masiriridzi edheriumu anonhuhwirira uye notumabwe tunokosha tweonikisi. Rwizi rwechipiri ndiGihoni. Ndirwo runopoterera nyika yose yeKushi. Rwizi rwechitatu ndiTigirisi, runopfuura nechokumabvazuva kweAsiria. Rwizi rwechina ndiYufuratesi. Mwari Tenzi akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni riya kuti aririme arichengete.
Genesisi 2:5-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
makwenzi esaŋgo akaŋga acigere kuʋa’po panyika, nemiriʋo yesaŋgo yakaŋga icigere kumera; nokuti Jehova Mŋari wakaŋga asati anisa mvura panyika, ʋuye kwakaŋga kusinomunhu kuzorima pasi; asi mhute yaisikwira icibva panyika icinyoroʋesa nyika yose. Jehova Mŋari akaʋumba munhu neguruʋa revu, akafuridzira mŋeya woʋupenyu mumhino dzake; munhu akaʋa mŋeya mupenyu. Jehova Mŋari akasima munda muEdeni, kumabvazuʋa, akaisa’po munhu waakaŋga aʋumba. Jehova Mŋari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; ʋuye muti woʋupenyu pakati pomunda, nomuti wokuziʋa ɀakanaka neɀakaipa. MuEdeni mukaɓuɗa rwizi kuzoɗiridza munda uyo, rukaparadzana ipapo, dzikaita hoʋa inna. Zita rorwokutaŋga ndiPishoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeHavira, panendarama ipapo; ndarama yenyika iyeyo yakanaka; ʋuye ʋo panederiumu nebge reoniksi. Zita rorwizi rwecipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi. Zita rorwizi rwecitatu ndiHidekeri; ndirwo runoyerera kumabvazuʋa kweAsiria. Rwizi rwecinna ndiYufratesi. Jehova Mŋari akatora munhu, akamuisa mumunda weEdeni, kuti aurime nokuuceŋgeta.
Genesisi 2:5-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)