Genesisi 2:23-24
Genesisi 2:23-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Murume akati, “Zvino uyu ibvupa ramapfupa angu nenyama yenyama yangu; achanzi ‘mukadzi’, nokuti akatorwa kubva pamurume.” Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.
Genesisi 2:23-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munhu akati, “Zvino uyu ipfupa ramapfupa angu, nenyama yenyama yangu, uchatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa paMurume.” Naizvozvo munhu anofanira kusiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe.
Genesisi 2:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Adhamu akati, “Hounoka zvino bvupa ramapfupa angu, nyama yomuviri wangu chaiyo. Achanzi munhukadzi, nokuti akatorwa pamunhurume.” Naizvozvo murume achasiya baba vake naamai vake achiva chiname nomukadzi wake, vaviri ava vachiva nyama imwechete.
Genesisi 2:23-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munhu akati: Ɀino uyu ifupa ramafupa aŋgu, nenyama yenyama yaŋgu; ucatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa paMurume. Naiɀoɀo munhu unofanira kusiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, anamatire mukadzi wake, ʋaʋe nyama imŋe.
Genesisi 2:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)