Genesisi 18:2-5
Genesisi 18:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Abhurahama akasimudza meso ake ndokuona varume vatatu vamire naye. Akati avaona, akamhanya achibva pamukova wetende rake kuti andosangana navo uye akakotamira pasi. Akati, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu, musapfuura henyu muranda wenyu. Regai muvigirwe mvura shoma, mugoshamba tsoka dzenyu mose uye mugozorora pasi pomuti uyu. Regai ndikutorerei zvokudya kuti mudye, kuitira kuti musimbiswe ipapo mugoenderera henyu mberi norwendo rwenyu, sezvo zvino masvika pamuranda wenyu.” Vakapindura vakati, “Zvakanaka, ita hako sezvawareva.”
Genesisi 18:2-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akasimudza meso ake, akatarira, akaona varume vatatu vamire vakatarisana naye; akati achivaona, akabva pamusuo wetende, akamhanya kundosangana navo, akakotamira pasi, akati, “Ishe wangu, kana ndawana nyasha kwamuri, musapfuura henyu pamuranda wenyu. Ngavauye nemvura shomanana, mushambidze tsoka dzenyu, muzorore pasi pomuti; ini nditore chimedu chechingwa, musimbise mwoyo yenyu; mugozopfuura henyu, nokuti ndizvo zvamauyira kumuranda wenyu.” Ivo vakati, “Ita hako sezvawataura.”
Genesisi 18:2-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akatarisa akaona varume vatatu vamire pakadaro apo. Paakavaona akabva pamusuo wetendhe akamhanyira kundosangana navo, akavagwadamira pasi. Akati, “Changamire wangu, kana zvichikufadzai musanyenyeredze zvenyu musha womuranda wenyu. Regai ndikupei tumvura, mushambe tsoka dzenyu mumbozorora zvenyu munyasi memuti, ini ndichikutorerai chingwa kuti mudye mudzore mwoyo mozoti mosimudzira zvenyu rwendo rwenyu nokuti ndokusaka wani mauya nokuno kune muranda wenyu.” Ivo vakati, “Ita zvako sezvawataura.”
Genesisi 18:2-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
akasimudza meso ake, akatarira, akaʋona ʋarume ʋatatu ʋamire ʋakatarisana naye; wakati aciʋaʋona, akabva pamukoʋa wetente, akamhanya kundosoŋgana naʋo, akakotamira pasi, akati: Ishe waŋgu, kana ndawana nyasha kwamuri, musapfuʋura henyu pamuranda wenyu. Ŋgaʋaʋuye nemvura shomanene, mushambidze tsoka dzenyu, muzorore pasi pomuti; ini nditore cimeɗu ceciŋgwa, musimbise mŋoyo yenyu; mugozopfuʋura henyu, nokuti ndiɀo ɀamaʋuyira kumuranda wenyu. Iʋo ʋakati: Ita hako seɀawataura.
Genesisi 18:2-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)