Genesisi 18:16-22
Genesisi 18:16-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Varume vakati vasimuka kuti vaende, vakatarisa vakananga zasi kuSodhomu, uye Abhurahama akafamba navo achivaperekedza. Ipapo Jehovha akati, “Ko, ndichavanzira Abhurahama zvandiri kuda kuita here. Zvirokwazvo Abhurahama achava rudzi rukuru rune simba, uye ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa kubudikidza naye. Nokuti ndakamusarudza kuti agotungamirira vana vake neveimba yake kuti vachengete nzira yaJehovha nokuita zvakanaka nezvakarurama, kuitira kuti Jehovha agouyisa pamusoro paAbhurahama zvaakamuvimbisa.” Ipapo Jehovha akati, “Kuchema pamusoro peSodhomu neGomora kukuru kwazvo uye chivi chavo chaipisisa zvokuti ndichaburuka kuti ndinoona kana zvavakaita zvakanyanya kuipa sokuchema kwakasvika kwandiri. Kana zvisina kudaro, ndichazviziva.” Vanhu vaya vakabvapo uye vakaenda vakananga kuSodhomu, asi Abhurahama akaramba amire pamberi paJehovha.
Genesisi 18:16-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vaya varume vakasimuka, vakabva ipapo, vakatarira Sodhomu; Abhurahamu akaenda navo achivaperekedza. Zvino Jehovha akati, “Ndichavanzira Abhurahamu zvandinoita here? Abhurahamu zvaachava rudzi rukuru rune simba, nendudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa maari? Nokuti ndakamutsaura, kuti araire vana vake naveimba yake vanomutevera, kuti vachengete nzira yaJehovha, vaite zvakarurama nezvakanaka; kuti Jehovha auyise pamusoro paAbhurahamu izvo zvaakataura pamusoro pake.” Ipapo Jehovha akati, “Kudanidzira kweSodhomu neGomora kukuru kwazvo; zvirokwazvo zvivi zvavo zvakaipa kwazvo; ndichaburuka zvino kuti ndione izvo zvavaita, kana zvakafanana nokudanidzira kwavo kwakasvika kwandiri; kana zvisina kudaro, ndichazviziva.” Zvino vaya varume vakabva, vakaenda Sodhomu; asi Abhurahamu akaramba amire pamberi paJehovha.
Genesisi 18:16-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Varume vaya vakazosimuka vonanga kuSodhomu. Abhurahamu akavaperekedza. Tenzi akati, “Ko ndichavanzira Abhurahamu zvandava kuda kuita here, ini ndichiziva kuti Abhurahamu achazova rudzi rukuru rune simba uye kuti ndudzi dzose dzapasi pose dzichakomborerwa pamusana pake? Kwete. Handingamuvanzire nokuti ndakamusarudza ndichiti arayire vana vake nemhuri yake ichauya, kuti vatevere ini Tenzi vachiita zvakarurama nokuitirawo vamwe zvakarurama nezvine ruenzaniso kuti ndiwane mazadzikisiro ezvandakapika kuna iye Abhurahamu.” Tenzi akati, “Mhosva dzeSodhomu neGomora dzasvika munzeve dzangu dzanyanya kuwanda, uye chitadzo chavo chaipisisa kwazvo. Naizvozvo ndiri kudzikako kundoona kana kuchema kuri kusvika munzeve dzangu kuri kukonzerwa zvechokwadi nezviito zvavo, kana zvisizvo ndigoziva.” Varume vaye vakabva ipapo, vakananga kuSodhomu. Abhurahamu akasara amire pana Tenzi.
Genesisi 18:16-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋaya ʋarume ʋakasimuka, ʋakabva ipapo, ʋakatarira Sodoma; Abrahama akaenda naʋo aciʋaperekedza. Ɀino Jehova akati: Ndicaʋanzira Abrahama ɀandinoita here? Abrahama ɀaacaʋa rudzi rukuru runesimba, nendudzi dzose dzenyika dzicaropafadzwa maari? Nokuti ndakamutsaura, kuti araire ʋana ʋake naʋeimba yake ʋanomuteʋera, kuti ʋaceŋgete nzira yaJehova, ʋaite ɀakarurama neɀakanaka; kuti Jehova aʋuyise pamsoro paAbrahama iɀo ɀaakataura pamsoro pake. Ipapo Jehova akati: Kuɗanidzira kweSodoma neGomora kukuru kwaɀo; ɀirokwaɀo ɀiʋi ɀaʋo ɀakaipa kwaɀo; ndicaɓuruka ɀino kuti ndiʋone iɀo ɀaʋaita, kana ɀakafanana nokuɗanidzira kwaʋo kwakaȿika kwandiri; kana ɀisina‐kuɗaro, ndicaɀiziʋa. Ɀino ʋaya ʋarume ʋakabva, ʋakaenda Sodoma; asi Abrahama wakaramba amire pamberi paJehova.
Genesisi 18:16-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)