Genesisi 18:10-14
Genesisi 18:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndichadzokazve gore rinouya nenguva inenge seino, uye Sara mukadzi wako achava nomwanakomana.” Zvino Sara akanga achiteerera ari pamukova wetende wakanga uri shure kwake. Abhurahama naSara vakanga vakwegura uye vava namakore mazhinji, uye Sara akanga atopfuura zera rokubereka vana. Saka Sara akaseka mumwoyo make paakafunga achiti, “Ndichazovawo nomufaro uyu here zvino shure kwokuchembera kwangu, vatenzi vangu vakwegura?” Ipapo Jehovha akati kuna Abhurahama, “Seiko Sara aseka achiti, ‘Ndichava nomwana zvechokwadi here, sezvo zvino ndakwegura?’ Pane chinhu chakaoma kuna Jehovha here? Ndichadzokazve kwauri gore rinouya senguva dzakatarwa uye Sara achava nomwanakomana.”
Genesisi 18:10-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iye akati, “Zvirokwazvo, kana gore rapfuura, ndichauyazve kwamuri, nenguva iyo Sara, mukadzi wako, achava nomwanakomana.” Zvino Sara akanga achiteerera ari pamusuo wetende shure kwake. Zvino Abhurahamu naSara vakanga vakwegura, vava namakore mazhinji; nomutoo wavakadzi wakanga watoguma kuna Sara. Sara akaseka mumwoyo make akati, “Ini ndingazvifarira here zvandachembera, naiye tenzi wangu akwegurawo?” Jehovha akati kuna Abhurahamu, “Sara wasekereiko, achiti, ‘Ko ini muchembere ndichabereka mwana zvirokwazvo here?’ Kune chinhu chingakunda Jehovha here? Nguva ino, gore rapfuura, ndichadzokera kwauri; Sara achava nomwanakomana.”
Genesisi 18:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akati, “Chokwadi ini ndichakushanyirazve gore rinouya, panguva yepfumvudza. Ipapo Sara mudzimai wako achange ava nomwana mukomana.” Izvozvo Sara aizvinzwa zvake ari mutendhe raiva kuseri kwavo. Abhurahamu naSara vakanga vachembera vakwegura. Sara akanga aguma, asisateveri. Sara akabva aseka zvake nechomumwoyo achiti, “Iyeni ndachembera kudai, ndokunge ndichada zvomurume. Handiti vatenzi vangu kukwegura kwavaita izvozvi.” Tenzi akabvunza Abhurahamu achiti, “Ko seiko Sara aseka, achiti, ‘Ini pangu pano ndachembera kudai ndingaberekewo mwana here?’ Pane chinhu chingaomere Tenzi here? Saka gore rinouya panguva ino yepfumvudza ndichakushanyirazve, Sara achange ava nomwana mukomana.”
Genesisi 18:10-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iye akati: Ɀirokwaɀo, kana gore rapfuʋura, ndicaʋuya ɀe kwauri; neŋguʋa iyo Sara, mukadzi wako, ucaʋa nomŋanakomana. Ɀino Sara wakaŋga aciterera ari pamukoʋa wetente shure kwake. Ɀino Abrahama naSara ʋakaŋga ʋakwegura, ʋaʋa namakore mazhinji; nomutoʋo waʋakadzi wakaŋga watoguma kunaSara. Sara akaseka mumŋoyo make, akati: Ini ndiŋgaɀifarira here ɀandacembera, naiye tenzi waŋgu akwegura ʋo? Jehova akati kunaAbrahama: Sara wasekereiko, aciti: Ko ini mucembere ndicaɓereka mŋana ɀirokwaɀo here? Kunecinhu ciŋgakunda Jehova here? Ŋguʋa ino, gore rapfuʋura, ndicadzokera kwauri; Sara ucaʋa nomŋanakomana.
Genesisi 18:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)