Genesisi 17:1-7
Genesisi 17:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Abhurama akati ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa, Jehovha akazviratidza kwaari akati, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; famba pamberi pangu uye uve wakarurama. Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe uye ndichakukurisa kwazvo.” Abhurama akawira pasi nechiso chake, uye Mwari akati kwaari, “Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu newe: Uchava baba vendudzi zhinji. Hauchazonzi Abhurama; zita rako richanzi Abhurahama nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji. Ndichakuita kuti uve navana vazhinji; ndichaita ndudzi kubva mauri, uye madzimambo achabva pauri. Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi pakati pangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera kumarudzi achauya, kuti ndive Mwari wako naMwari wezvizvarwa zvako zvinotevera.

Genesisi 17:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Abhuramu wakati asvika makore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, Jehovha akazviratidza kuna Abhuramu, akati kwaari, “Ndini Mwari waMasimbaose, famba pamberi pangu, uve wakarurama. Ndichaita sungano yangu pakati pangu newe, ndichakuwanza kwazvo.” Ipapo Abhuramu akawira pasi nechiso chake, Mwari akataura naye, akati, “Kana ndirini, tarira, sungano yangu inewe, uchava baba vendudzi zhinji-zhinji. Zita rako harichazonzi Abhuramu, asi zita rako richanzi Abhurahamu; nokuti ndakakuita baba vendudzi zhinji-zhinji. Ndichakuberekesa vana vazhinji-zhinji; ndichakuita ndudzi, namadzimambo achabva kwauri. “Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe, navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose, kuti ive sungano isingaperi; ndichava Mwari wako Noavana vako vanokutevera.
Genesisi 17:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Abhuramu paakanga ava namakore makumi mapfumbamwe, Tenzi akazviratidza kwaari akati, “Ndini Aripagomo. Tevera gwara rangu uvewo munhu akarurama. Ndichaita chitenderano changu newe, ndichaitawo kuti uve nezvizvarwa zvakawanda kwazvo.” Abhuramu akati pasi gwadagwa akatyora uso, Mwari ndokuti, “Chitenderano changu newe ndechichi: uchava baba vendudzi zhinji zhinji dzavanhu. Zita rako harichanzi Abhuramu, asi rava kunzi Abhurahamu nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji dzavanhu. “Ndichakupa vana vakawanda, mauri muchabva ndudzi dzakawanda, uye muchabudawo madzimambo mazhinji. “Ndichaita chitenderano changu newe chichagara nokusingaperi chinosvikira kuvana vako pazvizvarwa zvavo zvose zvichauya chokuti ndichava Mwari wako nowavana vako vachauya.
Genesisi 17:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Abrama wakati aȿika makore anamakumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe, Jehova akaɀiratidza kunaAbrama, akati kwaari: Ndini Mŋari wamasimba ose; famba pamberi paŋgu, uʋe wakarurama. Ndicaita suŋgano yaŋgu pakati paŋgu newe, ndicakuwanza kwaɀo. Ipapo Abrama akawira pasi neciso cake, Mŋari akataura naye, akati: Kana ndirini, tarira, suŋgano yaŋgu inewe, ucaʋa ɓaɓa ʋendudzi zhinji‐zhinji. Zita rako haricazonzi Abrama, asi zita rako ricanzi Abrahama; nokuti ndakakuita ɓaɓa ʋendudzi zhinji‐zhinji. Ndica kuɓerekesa ʋana ʋazhinji‐zhinji; ndicakuita ndudzi, namadzimambo acabva kwauri. Ndicasimbisa suŋgano yaŋgu pakati paŋgu newe, naʋana ʋako ʋanokuteʋera pamarudzi aʋo ose, kuti iʋe suŋgano isiŋgaperi; ndicaʋa Mŋari wako nowaʋana ʋako ʋanokuteʋera.
Genesisi 17:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)