Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 16:4-16

Genesisi 16:4-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Akavata naHagari uye Hagari akabata pamuviri. Paakaziva kuti akanga ava napamuviri, akatanga kuzvidza tenzikadzi wake. Ipapo Sarai akati kuna Abhurama, “Ndiwe waita kuti nditambudzike. Ndakaisa murandakadzi wangu mumaoko ako, uye zvino zvaava kuziva kuti ava napamuviri, ava kundizvidza. Mwari ngaatonge pakati pangu newe.” Abhurama akati, “Murandakadzi wako ari mumaoko ako. Ita naye zvaunofunga kuti zvakaisvonaka.” Ipapo Sarai akabata Hagari zvakaipa; saka akatiza. Mutumwa waJehovha akawana Hagari ari pedyo netsime raiva murenje; rakanga riri tsime rakanga riri parutivi pomugwagwa unoenda kuShuri. Uye akati, “Hagari, murandakadzi waSarai, wabvepiko, uye uri kuendepiko?” Iye akati, “Ndiri kutiza kubva kuna tenzikadzi wangu Sarai.” Ipapo mutumwa waJehovha akati kwaari, “Dzokera kuna tenzikadzi wako undozvininipisa pasi pake.” Mutumwa akatizve, “Ndichawandisa zvizvarwa zvako zvokuti havangaverengeki.” Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari: “Iye zvino wava nemimba uye uchava nomwanakomana. Uchamutumidza zita rokuti Ishumaeri, nokuti Jehovha anzwa nezvokutambura kwako. Achava mbongoro yomusango: ruoko rwake rucharwa navanhu vose uye ruoko rwavanhu vose rucharwa naye, uye achararama mukupesana nehama dzake dzose.” Hagari akapa zita iri kuna Jehovha akataura naye akati: “Ndimi Jehovha anondiona,” nokuti akati, “Zvino ndaona Iye anondiona.” Ndokusaka tsime rakanzi Bheeri Rahai Roi; richiripo, pakati peKadheshi neBheredhi. Saka Hagari akaberekera Abhurama mwanakomana, uye Abhurama akapa zita rokuti Ishumaeri kumwanakomana waakanga abereka. Abhurama akanga ava namakore makumi masere namatanhatu okuberekwa paakaberekerwa mwanakomana naHagari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 16

Genesisi 16:4-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Akapinda kuna Hagari, iye akatora mimba; zvino wakati aona kuti wava nemimba, akashora vatenzi vake. Ipapo Sarai akati kuna Abhuramu, “Kukanganiswa kwangu ngakuve pamusoro pako; ndini ndakapa murandakadzi wangu pachipfuva chako, zvino iye wakati aona kuti wava nemimba, akandishora; Jehovha ngaatonge pakati pangu newe.” Abhuramu akati kuna Sarai, “Tarira, murandakadzi wako uri paruoko rwako, umuitire sezvaunoda.” Zvino Sarai wakamunetsa, akatiza. Mutumwa waJehovha akamuwana patsime remvura musango, patsime riri panzira inoenda Shuri. Akati, “Nhai Hagari, murandakadzi waSarai, wabvepiko? Unoendepiko?” Iye akati, “Ndinotiza vatenzi vangu Sarai.” Mutumwa waJehovha akati kwaari, “Dzokera kuna vatenzi vako, uzvidukupise pasi pake.” Mutumwa waJehovha akati kwaari, “Ndichawandisa vana vako, varege kuverengwa nokuwanda kwavo.” Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari, “Tarira wava nemimba, uchabereka mwanakomana; umutumidze zita rinonzi Ishimaeri, nokuti Jehovha wakanzwa kutambudzika kwako. Iye uchava sembizi pakati pavanhu; ucharwa navanhu vose, navanhu vose vacharwa naye; uchagara akatarisana nehama dzake dzose.” Hagari akatumidza Jehovha wakataurirana naye, zita rinonzi: Ndimi Mwari anoona; nokuti wakati, “Zviro kwazvo ndamuona pano oenda, iye unondiona!” Naizvozvo tsime iro rakatumidzwa Bheeriahiroi (tsime raiye mupenyu unondiona); riri pakati peKadheshi neBheredhi. Hagari akaberekera Abhuramu mwanakomana; Abhuramu akatumidza mwanakomana wake, wakaberekwa naHagari, zita rinonzi Ishimaeri. Abhuramu wakanga ana makore makumi masere namatanhatu, Hagari achimuberekera Ishimaeri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 16

Genesisi 16:4-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Abhuramu akapinda mumba naHagari akabva aita pamuviri. Kuzoti Hagari aona kuti ava napamuviri akatanga kushora Sarai, tenzikadzi wake. Sarai akanyunyutira Abhuramu vachiti, “Kutadzirwa kwose kwandiri kuitwa imhosva yako. Ndakakupa muranda wangu kuti ave murongo wako. Zvino zvaaona kuti ava napamuviri ava kundishora. Panyaya yangu iyoyi newe, Tenzi ngaakuone.” Abhuramu akataurira Sarai achiti, “Inga muranda wako ari mumaoko ako wani! Ita zvako zvaunoda naye.” Sarai akaomesera Hagari upenyu, Hagari akabva atiza pamusha ipapo. Mutumwa waTenzi akawana Hagari ari pachisipiti chemvura chaiva murenje chokunzira inoenda Shuru. Mutumwa akati, “Nhai Hagari, muranda waSarai, uri kubva kupiko? Ko uri kuenda kupi?” Hagari akati, “Ndiri kutiza tenzikadzi wangu, Sarai.” Mutumwa waTenzi akamuti, “Chidzokera kuna vatenzi vako, undozvirereka kwavari.” Mutumwa waTenzi akamuti, “Ndichaitawo kuti vana vako vawande chaizvo zvokuti havangaverengeki. Iwe zvawava napamuviri, uchabereka mwana mukomana uzomutumidza zita rokuti Ishimaeri, nokuti Tenzi anzwa kuchema kwako. Mwana wako achange aine mwoyo wougandanga chaihwo. Achagara akabatira vamwe matemo, ivowo vachigara vakamubatira matemo. Achagara akazvitsaura kuhama dzake dzose akadzitsvukisira maziso.” Hagari akapa zita kuna Tenzi nyakutaura naye rokuti “Muri Mwari anoona,” nokuti akazviti, “Ndatarisana here chokwadi naMwari wandaona, ndikaramba ndiri mupenyu?” Ndokusaka tsime iroro riri pakati peKadheshi neBheredhi rakazotumidzwa zita rokuti Bheerirahairoi. Hagari akazoberekera Abhuramu mwana mukomana. Abhuramu akatumidza mwana wake zita rokuti Ishimaeri. Panguva yaakaberekerwa Ishimaeri naHagari, Abhuramu akanga ava namakore makumi masere ana makore matanhatu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 16

Genesisi 16:4-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Akapinda kunaHagari, iye akatora mimba; ɀino wakati oʋona kuti waʋa nemimba, akashoʋora ʋatenzi ʋake. Ipapo Sarai akati kunaAbrama: Kukaŋganiswa kwaŋgu ŋgakuʋe pamsoro pako; ndini ndakapa murandakadzi waŋgu pacifuʋa cako; ɀino iye wakati oʋona kuti waʋa nemimba, akandishoʋora; Jehova ŋgaatoŋge pakati paŋgu newe. Abrama akati kunaSarai: Tarira, murandakadzi wako uri paruʋoko rwako, umuitire seɀaunoɗa. Ɀino Sarai wakamunetsa, akatiza. Mutumŋa waJehova akamuwana patsime remvura musaŋgo, patsime riri panzira inoenda Shuri. Akati: Nhandi Hagari, murandakadzi waSarai, wabvepiko? Unoendepiko — Iye akati: Ndinotiza ʋatenzi ʋaŋgu Sarai. Mutumŋa waJehova akati kwaari: Dzokera kuʋatenzi ʋako, uɀiɗukupise pasi pake. Mutumŋa waJehova akati kwaari: Ndicawandisa ʋana ʋako, ʋarege kuʋereŋgwa nokuwanda kwaʋo. Mutumŋa waJehova akati ʋo kwaari: Tarira waʋa nemimba, ucaɓereka mŋanakomana; umutumidze zita rinonzi Ishmaeri, nokuti Jehova wakanzwa kutambudzika kwako. Iye ucaʋa sembizi pakati paʋanhu; ucarwa naʋanhu ʋose, naʋanhu ʋose ʋacarwa naye; ucagara akatarisana nehama dzake dzose. Hagari akatumidza Jehova wakataurirana naye, zita rinonzi: Ndimi Mŋari unoʋona; nokuti wakati: Ɀirokwaɀo ndamuʋona pano oenda, iye unondiʋona! Naiɀoɀo tsime iro rakatumidzwa Beeri‐raahi‐roi (tsime raiye mupenyu unondiʋona); riri pakati peKadeshi neBeredi. Hagari akaɓerekera Abrama mŋanakomana; Abrama akatumidza mŋanakomana wake, wakaɓerekwa naHagari, zita rinonzi Ishmaeri. Abrama wakaŋga anamakore makumi masere namatanhatu, Hagari acimuɓerekera Ishmaeri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 16

Genesisi 16:4-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)