Genesisi 15:13-21
Genesisi 15:13-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akati kwaari, “Uzive zvirokwazvo kuti zvizvarwa zvako zvichava vatorwa munyika isati iri yavo, uye vachabatwa senhapwa uye vachibatwa zvakaipa kwamakore mazana mana. Asi ndicharanga rudzi rwavachashandira senhapwa, uye shure kwaizvozvo vachabuda vaine pfuma zhinji kwazvo. Kunyange zvakadaro, iwe uchaenda kumadzibaba ako norugare uye uchavigwa wakwegura kwazvo. Parudzi rwechina, zvizvarwa zvako zvichadzoka pano, nokuti chivi chavaAmori hachisati chasvika pakuzara kwacho.” Zuva rakati ravira, uye kwasviba, choto chinopfungaira utsi uye nomwenje unopfuta zvakaonekwa uye zvikapfuura napakati penhindi. Pazuva iro, Jehovha akaita sungano naAbhurama akati, “Nyika iyi ndinoipa kuzvizvarwa zvako, kubva kurwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, Yufuratesi, nyika yavaKeni, navaKenazi, vaKadhimoni, vaHiti, vaPerizi, vaRefaimi, vaAmori, vaKenani, vaGirigashi navaJebhusi.”
Genesisi 15:13-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati kuna Abhuramu, “Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo, vachava varanda vavo, vachatambudzwa makore ana mazana mana; asi ini ndichatonga rudzi urwo rwavachashumira, pashure vachabudapo nepfuma zhinji. Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako norugare; uchavigwa wakwegura kwazvo. Rudzi rwechina ruchadzokera pano, nokuti kusarurama kwavaAmori kuchigere kuzara.” Zvino zuva rakati ravira, kwasviba, choto chinopfungaira nezhenje romoto zvakaonekwa zvichipfuura napakati penhindi idzodzo dzenyama. Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbhuramu, akati, “Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi. VaKeni, navaKenizi, navaKadhimoni, navaHeti, navaPerezi, navaRefaimi, navaAmori, navaKenani, navaGirigashi, navaJebhusi.”
Genesisi 15:13-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo Tenzi akati kuna Abhuramu “Ndinoda kuti unyatsoziva izvi zvokuti, vana vako vachava vatorwa munyika isiri yavo. Ikoko vachange vari varanda vachibatwa zvakaipa kwamazana mana amakore. Asi ini ndicharanga rudzi irworwo runenge ruchivaita varanda. Vana vako vachazobva ikoko vaine upfumi uzhinji. Asi iwe uchaenda zvakanaka kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ako, wanyatsokwegura zvako wozovigwa. Vachadzokera kuno panguva yechizvarwa chavo chechina nokuti uipi hwavaAmori hahusati hwasvika pakundifinha.” Kuzoti zuva radoka, kwasviba, kwakaoneka mbaura yaipfumbuka utsi nezhenje romoto richipfuura napakati pamapandi enyama aye. Pazuva iroro Tenzi akaita chitenderano naAbhuramu achiti, “Ndapa kuvana vako nyika ino inobvira mukakova keIjipiti kundosvika kurwizi rukuru, muna Yufuratesi. Munzvimbo iyoyi ndimo mune nyika dzamarudzi aya anoti: vaKeni navaKenizi navaKadhimoni kwouya vaHiti navaPerizi navaRefaimu kwozotiwo vaAmori navaKanani navaGirigashi navaJebhusi.”
Genesisi 15:13-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akati kunaAbrama: Uziʋe kwaɀo kuti ʋana ʋako ʋacaʋa ʋatorwa munyika isati iri yaʋo: ʋacaʋa ʋaranda ʋaʋo; ʋacatambudzwa makore anamazana manna; asi ini ndicatoŋga rudzi urwo rwaʋacashumira; pashure ʋacaɓuda’po nefuma zhinji. Asi iwe ucaenda kunamadziɓaɓa ako norugare; ucaʋigwa wakwegura kwaɀo. Rudzi rwecinna rucadzokera pano, nokuti kusarurama kwaʋaAmori kucigere kuzara. Ɀino zuʋa rakati raʋira, kwaȿiɓa, coto cinopfuŋgaira nezhenje romŋoto ɀakaʋonekwa ɀicipfuʋura napakati penhindi idzedzo dzenyama. Nomusi iwoyo Jehova akaita suŋgano naAbrama, akati: Ʋana ʋako ndaʋapa nyika iyi, kubva parwizi rweEgipita kuȿikira kurwizi rukuru, runonzi Yufratesi: ƲaKeni, naʋaKenizi, naʋaKadmoni, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaRefaimi, naʋaAmori, naʋaKanani, naʋaGirgashi, naʋaJebusi.
Genesisi 15:13-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)