Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 13:8-18

Genesisi 13:8-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Abhuramu akataurirana naRoti achiti, “Ngatiregei kuitirana gakava, kunyange vafudzi vedu ngavaregewo kuitirana gakava nokuti tiri hama nehama. Inga nyika ndiyo yese iyi yawakatarisa. Dai tikachiparadzana zvedu. Kana ukasarudza kuenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi. Kana ukasarudza kuenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.” Roti akatarisa akaona kuti bani rose romuna Jorodhani rakananga kuZoari rakanga riri bani renyika nyoro kwose kwose, rakaita sebindu raTenzi, sezvakaitawo nyika yeIjipiti. Izvozvo Tenzi akanga asati aparadza Sodhomu neGomora. Saka Roti akazvisarudzira bani rose romuna Jorodhani, akabva atamira kumabvazuva. Ndiko kuparadzana kwavakaita. Abhuramu akagara munyika yeKanani, Roti akandogarawo pakati pamaguta aiva mubani riya, akadzika matendhe ake pedyo neSodhomu. Vanhu veSodhomu vakanga vakaipa mwoyo, vaitadzira Tenzi kwazvo. Kuzoti Abhuramu naRoti vaparadzana Tenzi akataurira Abhuramu achiti, “Uri pauri ipapo, tarisa kuchamhembe nokumaodzanyemba, kumabvazuva nokumadokero, nokuti nyika iyoyi yose yauri kuona ndichaipa kwauri nezvizvarwa zvako nokusingaperi. Ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande seguruva renyika zvokuti kana kuine munhu anogona kuverengeta guruva renyika ndiye angagonewo kuzoverenga zvizvarwa zvako. Chisimuka ufambe uchimema nyika iyoyi uone kureba kwayo noupamhi hwayo, nokuti ndiyoyi nyika yandichakupa.” Ipapo Abhuramu akandodzika matendhe ake paiva nemiti yemioku paMamure kuHebhuroni, akavakira Tenzi atari ipapo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 13

Genesisi 13:8-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ipapo Abrama akati kunaRoti: Nharo ŋgadzirege kuʋa’po pakati paŋgu newe, napakati paʋafudzi ʋaŋgu naʋafudzi ʋako, nokuti tiri hama. Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruɓoshwe, ini ndicaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi, ini ndicaenda kuruɓoshwe. Roti akasimudzira meso ake, akaʋona ɓani rose reJoridani, kuti rakaŋga rinemvura pose, Jehova acigere kuparadza Sodoma neGomora; rakaŋga rakaita somunda waJehova, senyika yeEgipita, kana munhu acienda Zoari. Roti akaɀitsaurira ɓani rose reJoridani; Roti akaenda kurutiʋi rwamabvazuʋa; ʋakaparadzana haʋo. Abrama akagara panyika yeKanani, Roti akagara pamaguta aiʋa kuɓani, akasweɗedzera tente rake kuȿikira paSodoma. Ɀino ʋarume ʋeSodoma ʋakaŋga ʋakaipa, ʋaitadzira Jehova kwaɀo‐kwaɀo. Ɀino Roti wakati aparadzana naye, Jehova akati kunaAbrama: Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kurutiʋi rwokumsoro, norwenyasi, norwokumabvazuʋa, norwokumaʋirira; nokuti nyika yose yaunoʋona, ndicaipa iwe naʋana ʋako nokusiŋgaperi. Ndicaita ʋana ʋako seguruʋa renyika; kuti kana kunomunhu unogona kuʋereŋga guruʋa renyika, naʋana ʋako ʋaŋgaʋereŋgwa ʋo. Simuka, ufambe nenyika pakureɓa kwayo, napaʋupamhi bgayo, nokuti ndicakupa iyo. Ipapo Abrama wakabvisa tente rake, akandogara pamiti yemiouki yeMamre, iri paHebroni, akaʋakira’po Jehova artari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 13

Genesisi 13:8-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)