Genesisi 13:5-18
Genesisi 13:5-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Roti, uyo akanga achifamba naAbhurama, akanga ana makwai nemombewo namatende. Asi nyika haina kugona kuvaringana kuti vagare pamwe chete, nokuti pfuma yavo yakanga yakawanda kwazvo zvokuti vakanga vasisakwanisi kugara pamwe chete. Uye gakava rakamuka pakati pavafudzi vaAbhurama navafudzi vaRoti. VaKenani navaPerizi vakanga vachigarawo munyika panguva iyoyo. Saka Abhurama akati kuna Roti, “Ngaparege kuva negakava pakati pako neni, kana pakati pavafudzi vako nevangu, nokuti tiri hama. Ko, nyika yose iyi haisi pamberi pako here? Ngatiparadzane. Kana ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana ukaenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.” Roti akatarira kumusoro akaona bani rose reJorodhani kuti rakanga rakanyatsonyorova, sebindu raJehovha, kufanana nenyika yeIjipiti, kwakanangana neZoari. (Panguva iyi Jehovha akanga achigere kuparadza Sodhomu neGomora.) Saka Roti akazvisarudzira bani rose reJorodhani uye akasimuka akananga kumabvazuva. Varume vaviri ava vakaparadzana: Abhurama akagara munyika yeKenani, Roti akagara pakati pamaguta omumapani uye akadzika matende ake pedyo neSodhomu. Zvino varume veSodhomu vakanga vakaipa uye vaitadzira Jehovha kwazvo. Jehovha akati kuna Abhurama shure kwokubva kwaRoti, “Simudza meso ako uri pauri ipapo uye utarire kumusoro nezasi, kumabvazuva nokumavirira. Nyika yose yauri kuona ndichakupa iwe navana vako nokusingaperi. Ndichaita kuti vana vako vave seguruva renyika, zvokuti kana pano munhu angagona kuverenga guruva, naizvozvo vana vako vachagona kuverengwawo. Enda, famba munyika, muurefu nomuupamhi hwayo, nokuti ndichaipa kwauri.” Saka Abhurama akabvisa matende ake uye akandogara pedyo nemiti mikuru yeMamure paHebhuroni, uye akavakira Jehovha aritari ipapo.
Genesisi 13:5-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
NaRoti, iye wakaenda naAbhuramu, wakanga aine makwai, nemombe, namatende. Nyika ikasavaringana, kuti vagare panzvimbo imwe; nokuti pfuma yavo yakanga iri zhinji; vakasagona kugara panzvimbo imwe. Vafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu navafudzi vezvipfuwo zvaRoti vakaita nharo; vaKenani navaPerezi vakanga vagere panyika iyo. Ipapo Abhuramu akati kuna Roti, “Nharo ngadzirege kuvapo pakati pangu newe, napakati pavafudzi vangu navafudzi vako, nokuti tiri hama. Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi ini ndichaenda kuruboshwe.” Roti akasimudzira meso ake, akaona bani rose reJorodhani, kuti rakanga riine mvura pose, Jehovha achigere kuparadza Sodhomu neGomora; rakanga rakaita somunda waJehovha, senyika yeIjipiti, kana munhu achienda Zoari. Roti akazvitsaurira bani rose reJorodhani; Roti akaenda kurutivi rwamabvazuva; vakaparadzana havo. Abhuramu akagara panyika yeKenani, Roti akagara pamaguta aiva kubani, akaswededzera tende rake kusvikira paSodhomu. Zvino varume veSodhomu vakanga vakaipa, vaitadzira Jehovha kwazvo-kwazvo. Zvino Roti wakati aparadzana naye, Jehovha akati kuna Abhuramu, “Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kurutivi rwokumusoro, norwenyasi, norwokumabvazuva, norwokumavirira; nokuti nyika yose yaunoona, ndichaipa iwe navana vako nokusingaperi. Ndichaita vana vako seguruva renyika; kuti kana kuine munhu anogona kuverenga guruva renyika, navana vako vangaverengwawo. Simuka, ufambe nenyika pakureba kwayo, napaupamhi hwayo, nokuti ndichakupa iyo.” Ipapo Abhuramu wakabvisa tende rake, akandogara pamiti yemiouki yeMamure, iri paHebhuroni, akavakirapo Jehovha atari.
Genesisi 13:5-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Roti uya aifamba naAbhuramu aivawo nemombe nezvimwewo zvipfuwo namatendhe ake zvokuti kwakanga kusina mafuro akakwana okufudzira zvipfuwo zvavo pamwe chete. Upfumi hwavo hwakanga hwakawandisa zvokuti vakanga vasisakwanise kuchange vachagara pamwechete. Pakanga pangove nokupopotedzana pakati pavafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu nezvaRoti. Panguva iyoyo vaKanani nevaPerizi vakanga vachigerewo munyika iyoyo. Abhuramu akataurirana naRoti achiti, “Ngatiregei kuitirana gakava, kunyange vafudzi vedu ngavaregewo kuitirana gakava nokuti tiri hama nehama. Inga nyika ndiyo yese iyi yawakatarisa. Dai tikachiparadzana zvedu. Kana ukasarudza kuenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi. Kana ukasarudza kuenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.” Roti akatarisa akaona kuti bani rose romuna Jorodhani rakananga kuZoari rakanga riri bani renyika nyoro kwose kwose, rakaita sebindu raTenzi, sezvakaitawo nyika yeIjipiti. Izvozvo Tenzi akanga asati aparadza Sodhomu neGomora. Saka Roti akazvisarudzira bani rose romuna Jorodhani, akabva atamira kumabvazuva. Ndiko kuparadzana kwavakaita. Abhuramu akagara munyika yeKanani, Roti akandogarawo pakati pamaguta aiva mubani riya, akadzika matendhe ake pedyo neSodhomu. Vanhu veSodhomu vakanga vakaipa mwoyo, vaitadzira Tenzi kwazvo. Kuzoti Abhuramu naRoti vaparadzana Tenzi akataurira Abhuramu achiti, “Uri pauri ipapo, tarisa kuchamhembe nokumaodzanyemba, kumabvazuva nokumadokero, nokuti nyika iyoyi yose yauri kuona ndichaipa kwauri nezvizvarwa zvako nokusingaperi. Ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande seguruva renyika zvokuti kana kuine munhu anogona kuverengeta guruva renyika ndiye angagonewo kuzoverenga zvizvarwa zvako. Chisimuka ufambe uchimema nyika iyoyi uone kureba kwayo noupamhi hwayo, nokuti ndiyoyi nyika yandichakupa.” Ipapo Abhuramu akandodzika matendhe ake paiva nemiti yemioku paMamure kuHebhuroni, akavakira Tenzi atari ipapo.
Genesisi 13:5-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
NaRoti ʋo, iye wakaenda naAbrama, wakaŋga anamakwai, neŋombe, namatente. Nyika ikasaʋariŋgana, kuti ʋagare panɀimbo imŋe; nokuti fuma yaʋo yakaŋga iri zhinji; ʋakasagona kugara panɀimbo imŋe. Ʋafudzi ʋeɀipfuwo ɀaAbrama naʋafudzi ʋeɀipfuwo ɀaRoti ʋakaita nharo; ʋaKanani naʋaPerezi ʋakaŋga ʋagere panyika iyo. Ipapo Abrama akati kunaRoti: Nharo ŋgadzirege kuʋa’po pakati paŋgu newe, napakati paʋafudzi ʋaŋgu naʋafudzi ʋako, nokuti tiri hama. Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruɓoshwe, ini ndicaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi, ini ndicaenda kuruɓoshwe. Roti akasimudzira meso ake, akaʋona ɓani rose reJoridani, kuti rakaŋga rinemvura pose, Jehova acigere kuparadza Sodoma neGomora; rakaŋga rakaita somunda waJehova, senyika yeEgipita, kana munhu acienda Zoari. Roti akaɀitsaurira ɓani rose reJoridani; Roti akaenda kurutiʋi rwamabvazuʋa; ʋakaparadzana haʋo. Abrama akagara panyika yeKanani, Roti akagara pamaguta aiʋa kuɓani, akasweɗedzera tente rake kuȿikira paSodoma. Ɀino ʋarume ʋeSodoma ʋakaŋga ʋakaipa, ʋaitadzira Jehova kwaɀo‐kwaɀo. Ɀino Roti wakati aparadzana naye, Jehova akati kunaAbrama: Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kurutiʋi rwokumsoro, norwenyasi, norwokumabvazuʋa, norwokumaʋirira; nokuti nyika yose yaunoʋona, ndicaipa iwe naʋana ʋako nokusiŋgaperi. Ndicaita ʋana ʋako seguruʋa renyika; kuti kana kunomunhu unogona kuʋereŋga guruʋa renyika, naʋana ʋako ʋaŋgaʋereŋgwa ʋo. Simuka, ufambe nenyika pakureɓa kwayo, napaʋupamhi bgayo, nokuti ndicakupa iyo. Ipapo Abrama wakabvisa tente rake, akandogara pamiti yemiouki yeMamre, iri paHebroni, akaʋakira’po Jehova artari.
Genesisi 13:5-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)