Genesisi 13:1-13
Genesisi 13:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Abhurama akakwidza achibva kuIjipiti akaenda kuNegevhi, nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo, uye Roti akaenda naye. Abhurama akanga apfuma kwazvo pamombe nesirivha uye negoridhe. Kubva kuNegevhi akafamba nzvimbo nenzvimbo kudzamara asvika kuBheteri, kunzvimbo iri pakati peBheteri neAi kwaimbova netende rake kare uye kwaakanga atanga kuvaka aritari. Abhurama akadana kuzita raJehovha ikoko. Zvino Roti, uyo akanga achifamba naAbhurama, akanga ana makwai nemombewo namatende. Asi nyika haina kugona kuvaringana kuti vagare pamwe chete, nokuti pfuma yavo yakanga yakawanda kwazvo zvokuti vakanga vasisakwanisi kugara pamwe chete. Uye gakava rakamuka pakati pavafudzi vaAbhurama navafudzi vaRoti. VaKenani navaPerizi vakanga vachigarawo munyika panguva iyoyo. Saka Abhurama akati kuna Roti, “Ngaparege kuva negakava pakati pako neni, kana pakati pavafudzi vako nevangu, nokuti tiri hama. Ko, nyika yose iyi haisi pamberi pako here? Ngatiparadzane. Kana ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana ukaenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.” Roti akatarira kumusoro akaona bani rose reJorodhani kuti rakanga rakanyatsonyorova, sebindu raJehovha, kufanana nenyika yeIjipiti, kwakanangana neZoari. (Panguva iyi Jehovha akanga achigere kuparadza Sodhomu neGomora.) Saka Roti akazvisarudzira bani rose reJorodhani uye akasimuka akananga kumabvazuva. Varume vaviri ava vakaparadzana: Abhurama akagara munyika yeKenani, Roti akagara pakati pamaguta omumapani uye akadzika matende ake pedyo neSodhomu. Zvino varume veSodhomu vakanga vakaipa uye vaitadzira Jehovha kwazvo.
Genesisi 13:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Abhuramu wakakwira, akabva Ijipiti, iye nomukadzi wake, nezvose zvaakanga anazvo, naRotiwo anaye; vakaenda kurutivi rwenyasi. Abhuramu wakanga akapfuma kwazvo mombe, nesirivha, nendarama. Akafamba nzendo dzake achibva nyasi kusvikira paBheteri, kunzvimbo iya kwaiva netende rake pakutanga, pakati peBheteri neAi; kunzvimbo yeatari, yaakanga aitapo pakutanga; Abhuramu akanamata zita raJehovha ipapo. NaRoti, iye wakaenda naAbhuramu, wakanga aine makwai, nemombe, namatende. Nyika ikasavaringana, kuti vagare panzvimbo imwe; nokuti pfuma yavo yakanga iri zhinji; vakasagona kugara panzvimbo imwe. Vafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu navafudzi vezvipfuwo zvaRoti vakaita nharo; vaKenani navaPerezi vakanga vagere panyika iyo. Ipapo Abhuramu akati kuna Roti, “Nharo ngadzirege kuvapo pakati pangu newe, napakati pavafudzi vangu navafudzi vako, nokuti tiri hama. Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi ini ndichaenda kuruboshwe.” Roti akasimudzira meso ake, akaona bani rose reJorodhani, kuti rakanga riine mvura pose, Jehovha achigere kuparadza Sodhomu neGomora; rakanga rakaita somunda waJehovha, senyika yeIjipiti, kana munhu achienda Zoari. Roti akazvitsaurira bani rose reJorodhani; Roti akaenda kurutivi rwamabvazuva; vakaparadzana havo. Abhuramu akagara panyika yeKenani, Roti akagara pamaguta aiva kubani, akaswededzera tende rake kusvikira paSodhomu. Zvino varume veSodhomu vakanga vakaipa, vaitadzira Jehovha kwazvo-kwazvo.
Genesisi 13:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Abhuramu akabva muIjipiti iye nomudzimai wake nezvinhu zvose zvaaiva nazvo pamwechete naRoti vakaenda kuNegevhu. Abhuramu akanga akapfuma kwazvo. Aiva nemombe nesirivha nendarama. Akazosumuka muNegevhu akafamba kudzamara asvika kuBhetieri padongo riya raakanga akadzika matendhe ake pakutanga riri pakati peBhetieri neAi, paya paakavaka atari pakutanga. Ipapo Abhuramu akanamata kuna Yahweh achimudoma nezita. Roti uya aifamba naAbhuramu aivawo nemombe nezvimwewo zvipfuwo namatendhe ake zvokuti kwakanga kusina mafuro akakwana okufudzira zvipfuwo zvavo pamwe chete. Upfumi hwavo hwakanga hwakawandisa zvokuti vakanga vasisakwanise kuchange vachagara pamwechete. Pakanga pangove nokupopotedzana pakati pavafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu nezvaRoti. Panguva iyoyo vaKanani nevaPerizi vakanga vachigerewo munyika iyoyo. Abhuramu akataurirana naRoti achiti, “Ngatiregei kuitirana gakava, kunyange vafudzi vedu ngavaregewo kuitirana gakava nokuti tiri hama nehama. Inga nyika ndiyo yese iyi yawakatarisa. Dai tikachiparadzana zvedu. Kana ukasarudza kuenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi. Kana ukasarudza kuenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.” Roti akatarisa akaona kuti bani rose romuna Jorodhani rakananga kuZoari rakanga riri bani renyika nyoro kwose kwose, rakaita sebindu raTenzi, sezvakaitawo nyika yeIjipiti. Izvozvo Tenzi akanga asati aparadza Sodhomu neGomora. Saka Roti akazvisarudzira bani rose romuna Jorodhani, akabva atamira kumabvazuva. Ndiko kuparadzana kwavakaita. Abhuramu akagara munyika yeKanani, Roti akandogarawo pakati pamaguta aiva mubani riya, akadzika matendhe ake pedyo neSodhomu. Vanhu veSodhomu vakanga vakaipa mwoyo, vaitadzira Tenzi kwazvo.
Genesisi 13:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Abrama wakakwira, akabva Egipita, iye nomukadzi wake, neɀose ɀaakaŋga anaɀo, naRoti ʋo anaye; ʋakaenda kurutiʋi rwenyasi. Abrama wakaŋga akafuma kwaɀo ŋombe, nesirveri, nendarama. Akafamba nzendo dzake acibva nyasi kuȿikira paBeteri, kunɀimbo iya kwaiʋa netente rake pakutaŋga, pakati peBeteri neAi; kunɀimbo yeartari, yaakaŋga aita’po pakutaŋga; Abrama akanamata zita raJehova ipapo. NaRoti ʋo, iye wakaenda naAbrama, wakaŋga anamakwai, neŋombe, namatente. Nyika ikasaʋariŋgana, kuti ʋagare panɀimbo imŋe; nokuti fuma yaʋo yakaŋga iri zhinji; ʋakasagona kugara panɀimbo imŋe. Ʋafudzi ʋeɀipfuwo ɀaAbrama naʋafudzi ʋeɀipfuwo ɀaRoti ʋakaita nharo; ʋaKanani naʋaPerezi ʋakaŋga ʋagere panyika iyo. Ipapo Abrama akati kunaRoti: Nharo ŋgadzirege kuʋa’po pakati paŋgu newe, napakati paʋafudzi ʋaŋgu naʋafudzi ʋako, nokuti tiri hama. Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruɓoshwe, ini ndicaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi, ini ndicaenda kuruɓoshwe. Roti akasimudzira meso ake, akaʋona ɓani rose reJoridani, kuti rakaŋga rinemvura pose, Jehova acigere kuparadza Sodoma neGomora; rakaŋga rakaita somunda waJehova, senyika yeEgipita, kana munhu acienda Zoari. Roti akaɀitsaurira ɓani rose reJoridani; Roti akaenda kurutiʋi rwamabvazuʋa; ʋakaparadzana haʋo. Abrama akagara panyika yeKanani, Roti akagara pamaguta aiʋa kuɓani, akasweɗedzera tente rake kuȿikira paSodoma. Ɀino ʋarume ʋeSodoma ʋakaŋga ʋakaipa, ʋaitadzira Jehova kwaɀo‐kwaɀo.
Genesisi 13:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)