Genesisi 11:1-32
Genesisi 11:1-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino nyika yose yakanga ino rurimi rumwe chete nokutaura kwakafanana. Vanhu vakati vachitamira kumabvazuva, vakawana bani romuShinari vakagaramo. Vakataurirana vakati, “Uyai, ngatiitei zvidhina tigozvipisa kwazvo.” Vakashandisa zvidhina pachinzvimbo chamabwe, uye bhitumini ikava dhaka ravo. Ipapo vakati, “Uyai, ngatizvivakirei guta neshongwe inosvika kudengadenga, kuti tizviitire mukurumbira uye kuti tirege kupararira panyika yose.” Asi Jehovha akaburuka pasi kuti azoona guta neshongwe yakanga ichivakwa navanhu. Jehovha akati, “Kana vanhu ava vava somunhu mumwe, vachitaura rurimi rumwe chete, vakatanga kuita izvi, zvino hapana chinhu chavanoronga kuti vachiite chichavaomera. Uyai, ngatiburukei tindovapesanisa mutauro wavo kuti varege kunzwisisana.” Saka Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose ipapo, uye vakarega kuvaka guta. Ndokusaka nzvimbo iyo yakanzi Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha akapesanisa mutauro wenyika yose. Kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose. Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu. Makore maviri shure kwamafashamu, Shemu paakanga ava namakore zana okuberekwa, akabereka Afakisadhi. Uye shure kwokubereka Afakisadhi, Shemu akararama kwamakore mazana mashanu uye akava navamwe vanakomana navanasikana. Afakisadhi akati ava namakore makumi matatu namashanu okuberekwa, akabereka Shera. Uye shure kwokubereka kwake Shera, Afakisadhi akararama kwamakore mazana mana namatatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. Shera akati ava namakore makumi matatu okuberekwa, akabereka Ebheri. Uye shure kwokubereka kwake Ebheri, Shera akararama kwamakore mazana mana namatatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. Ebheri akati ava namakore makumi matatu namana okuberekwa, akabereka Peregi. Uye shure kwokubereka kwake Peregi, Ebheri akararama kwamakore mazana mana namakumi matatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. Peregi akati ava namakore makumi matatu, okuberekwa akabereka Reu. Uye shure kwokubereka kwake Reu, Peregi akararama kwamakore mazana maviri namapfumbamwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. Reu akati ava namakore makumi matatu namaviri okuberekwa, akabereka Serugi. Uye shure kwokubereka kwake Serugi, Reu akararama kwamakore mazana maviri namanomwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. Serugi akati ava namakore makumi matatu okuberekwa, akabereka Nahori. Uye shure kwokubereka kwake Nahori, Serugi akararama kwamakore mazana maviri uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. Nahori akati ava namakore makumi maviri namapfumbamwe okuberekwa, akabereka Tera. Uye shure kwokubereka kwake Tera, Nahori akazorarama kwamakore zana negumi namapfumbamwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana. Shure kwokunge Nahori ava namakore makumi manomwe okuberekwa, akabereka Abhurama, Nahori naHarani. Iyi ndiyo rondedzero yavana vaTera. Tera akabereka Abhurama, Nahori naHarani. Uye Harani akabereka Roti. Baba vake Tera vachiri vapenyu Harani akafira muUri ravaKaradhea, munyika yaakaberekerwa, vose vari vaviri Abhurama naNahori vakawana. Zita romukadzi waAbhurama rainzi Sarai, uye zita romukadzi waNahori rainzi Mirika; akanga ari mwanasikana waHarani, baba vaMirika naIsika. Zvino Sarai akanga asingabereki; akanga asina vana. Tera akatora mwanakomana wake Abhurama, muzukuru wake Roti, mwanakomana waHarani, nomuroora wake Sarai, mukadzi womwanakomana wake Abhurama, uye vakaenda kuUri yavaKaradhea pamwe chete kuti vaende kuKenani. Asi vakati vasvika paHarani, vakagara ipapo. Tera akararama kwamakore mazana maviri namashanu, uye akafira paHarani.
Genesisi 11:1-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nyika yose yakanga ino rurimi rumwe nokutaura kumwe. Zvino vakati vachitamira mabvazuva, vakawana bani munyika yeShinari, vakagarako. Vakataurirana, vachiti, “Uyai, ngatiite zvidhina, tizvipise kwazvo.” Zvidhina zvakava mabwe avo, nebitumini rakava dope ravo. Vakati, “Uyai, ngatizvivakire guta, norusvingo, runomusoro unosvikira kudenga; tizvimutsire mukurumbira, kuti tirege kupararira panyika yose.” Ipapo Jehovha wakaburuka kuzotarira guta norusvingo, rwakanga ruchivakwa navanakomana vavanhu. Jehovha akati, “Tarirai, vanhu ava ndivamwe, vanorurimi rumwe vose; zvino ndizvo zvavanotanga kuita; zvino hakuchina chinhu chavangada kuita chavangadziviswa. Hendei, tiburuke, tinopesanisa rurimi rwavo ipapo, kuti varege kunzwana kana votaurirana.” Jehovha akavaparadzira ipapo, vakapararira panyika yose, vakarega kuvaka guta ravo. Naizvozvo vakaritumidza Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha wakapesanisa rurimi rwenyika yose; Jehovha akavaparadzira ipapo, vakaenda kunyika dzose. Ndiwo marudzi aShemu. Shemu wakanga ana makore ane zana, akabereka Aripakishadhi, mvura zhinji yapfuura makore maviri; wakati abereka Aripakishadhi, Shemu akagara makore ana mazana mashanu; akabereka vanakomana navanasikana. Aripakishadhi wakagara makore ana makumi matatu namashanu, akabereka Shera; wakati abereka Shera, Aripakishadhi akagara makore ana mazana mana namatatu, akabereka vanakomana navanasikana. Shera wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Ebheru. Wakati abereka Ebheru, Shera akagara makore ana mazana mana namatatu; akabereka vanakomana navanasikana. Ebheru wakagara makore ana makumi matatu namana, akabereka Peregi, wakati abereka Peregi, Ebheru akagara makore ana mazana mana namakumi matatu, akabereka vanakomana navanasikana. Peregi wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Rehu; wakati abereka Rehu, Peregi akagara makore ana mazana maviri namapfumbamwe, akabereka vanakomana navanasikana. Rehu wakagara makore ana makumi matatu namaviri, akabereka Serugu; wakati abereka Serugu, Rehu akagara makore ana mazana maviri namanomwe; akabereka vanakomana navanasikana. Serugu wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Nahori; wakati abereka Nahori, Serugu akagara makore ana mazana maviri, akabereka vanakomana navanasikana. Nahori wakagara makore ana makumi maviri namapfumbamwe, akabereka Tera; Nahori akagara makore ane zana negumi namapfumbamwe, akabereka vanakomana navanasikana. Tera wakagara makore ana makumi manomwe, akabereka Abhuramu naNahori, naHarani. Ndiwo marudzi aTera; Tera wakabereka Abhuramu, naNahori, naHarani; Harani akabereka Roti; Harani akafa, baba vake Tera vachiri vapenyu, panyika yokuberekwa kwake, paUri yavaKaradhea. Abhuramu naNahori vakazviwanira vakadzi; zita romukadzi waAbhuramu rainzi Sarai; zita romukadzi waNahori rainzi Mirika, mukunda waHarani, baba vaMirika, nababa vaIsika. Sarai wakanga asingabereki, wakanga asina mwana. Zvino Tera wakatora mwanakomana wake Abhuramu, naRoti, mwanakomana waHarani, mwanakomana womwanakomana wake, naSarai, mukadzi womwanakomana wake Abhuramu; vakatama navo vakabva Uri yavaKaradhea, kuti vaende kunyika yeKenani, vakasvika Harani, vakagarapo. Mazuva aTera akanga ari makore ana mazana maviri namashanu; Tera akafira Harani.
Genesisi 11:1-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pasi chigare, vanhu vose vaingotaura mutauro mumwechete, vaine mazwi mamwechetewo. Mukutamatama kwaiita vanhu kumabvazuva, vakazondogara vakaita musha wavo mubani reShinari kuBhabhironi. Vakazorangana vachiti, “Ngatikanyei zvidhina tinyatsozvipisa zvakanaka.” Zvidhina ndozvaiva matombo avo, dhaka ravo rokuvakisa riri tara. Vakazoti, “Ngatizvivakirei guta rine nhungamakore yeshongwe, tiite zita rino mukurumbira, tirege kungopararira nenyika.” Tenzi akaburuka kudenga kuzoona guta neshongwe zvakanga zvavakwa navanhu. Tenzi akati, “Onai vanhu ava vose vanongova rudzi rwumwechete uye vose vanotaura mutauro mumwechete. Idzi imviromviro chete dzezvavachaita. Hakuna chichavatadzisa kuita chinhu chose chose chavanofunga kuita. Ngatiburukei tindopesanisa mutauro wavo vagorega kunzwana pakutaura.” Tenzi akavaparadzanisa vakapararira nenyika yose, vakabva varega kuvaka guta riya. Saka zita reguta iroro rakanzi Bhabheri nokuti Tenzi akapesanisa mutauro wapasi pose. Tenzi akavaparadzanisa vakapararira nenyika, pasi pose. Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaShemu. Shemu akagara zana ramakore akabereka Aripakishadhi, makore maviri shure kwamafashamo emvura. Abva mukubereka Aripakishadhi, Shemu akagara mazana mashanu amakore akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Aripakishadhi akagara makumi matatu amakore ana makore mashanu, ndokuzobereka Shera. Mushure mokubereka Shera, Aripakishadhi akagarazve mazana mana amakore ana makore matatu, akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Shera akagara makumi matatu amakore akabereka Ebheru. Mushure mokubereka Ebheru, Shera akagarazve mazana mana amakore ana makore matatu akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Ebheru akagara makore makumi matatu namana akabereka Peregi. Mushure mokubereka Peregi, Ebheru akagarazve mazana mana ana makumi matatu amakore akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Peregi akagara makumi matatu amakore akabereka Reu. Mushure mokubereka Reu, Peregi akagara mazana maviri amakore ana makore mapfumbamwe akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Reu akagara makumi matatu amakore ana makore maviri, akabereka Serugu. Mushure mokubereka Serugu, Reu akagara mazana maviri amakore ana makore manomwe akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Serugu akagara makore makumi matatu akabereka Nahori. Mushure mokubereka Nahori, Serugu akagara mazana maviri amakore akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Nahori akagara makumi maviri amakore ana makore mapfumbamwe akabereka Tera. Mushure mokubereka Tera, Nahori akagara zana ramakore namakore gumi namapfumbamwe akaberekawo vamwe vakomana navasikana. Tera akagara makore makumi manomwe akabereka Abhuramu naNahori naHarani. Hezvinoi zvizvarwa zvaTera. Tera akabereka Abhuramu naNahori naHarani. Harani ndiye baba vaRoti. Harani akafa baba vake vasati vafa, akafira kunyika kwaakaberekerwa muguta reUru kunyika yevaKaradhia. Abhuramu naNahori vakawana vakadzi vavo. Zita romukadzi waAbhuramu ndiSarai, zita romukadzi waNahori richinzi Mirika mwana waHarani. Harani, vakaberekawo Isika. Asi Sarai akanga asina mbereko asina mwana. Tera akatora mwanakomana wake Abhuramu, nomuzukuru wake Roti mwanakomana waHarani, nomuroora wake Sarai, mudzimai womwana wake Abhuramu. Vose ivavo vakabva kuguta reUru munyika yevaKaradhia vakasimuka voenda kuKanani. Asi pavakasvika kuHarani vakaita musha wavo ikoko. Makore ose pamwechete aTera akagara mazana maviri amakore ana makore mashanu, ndokubva Tera azofira zvake kuHarani.
Genesisi 11:1-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nyika yose yakaŋga inorurimi rumŋe nokutaura kumŋe. Ɀino ʋakati ʋacitamira mabvazuʋa, ʋakawana ɓani munyika yeShinari, ʋakagara’ko. Ʋakataurirana, ʋaciti: Ʋuyai, ŋgatiite ɀitina, tiɀipise kwaɀo. Ɀitina ɀakaʋa mabge aʋo, nebitumini rakaʋa ɗope raʋo. Ʋakati: Ʋuyai, ŋgatiɀiʋakire guta, noruȿiŋgo, runomusoro unoȿikira kuɗeŋga; tiɀimutsire mukurumbira, kuti tirege kupararira panyika yose. Ipapo Jehova wakaɓuruka kuzotarira guta noruȿiŋgo, rwakaŋga ruciʋakwa naʋanakomana ʋaʋanhu. Jehova akati: Tarirai, ʋanhu aʋa ndiʋamŋe, ʋanorurimi rumŋe ʋose; ɀino ndiɀo ɀaʋanotaŋga kuita; ɀino hakucinecinhu caʋaŋgaɗa kuita caʋaŋgadziʋiswa. Hendei, tiɓuruke, tindopesanisa rurimi rwaʋo ipapo, kuti ʋarege kunzwana kana ʋotaurirana. Jehova akaʋaparadzira ipapo, ʋakapararira panyika yose, ʋakarega kuʋaka guta raʋo. Naiɀoɀo ʋakaritumidza Baberi, nokuti ipapo Jehova wakapesanisa rurimi rwenyika yose; Jehova akaʋaparadzira ipapo, ʋakaenda kunyika dzose. Ndiwo marudzi aShemi. Shemi wakaŋga anamakore anezana, akaɓereka Arpakshadi, mvura zhinji yapfuʋura makore maʋiri; wakati aɓereka Arpakshadi, Shemi akagara makore anamazana mashanu; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana. Arpakshadi wakagara makore anamakumi matatu namashanu, akaɓereka Shera; wakati aɓereka Shera, Arpakshadi akagara makore anamazana manna namatatu, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana. Shera wakagara makore anamakumi matatu, akaɓereka Eberi. Wakati aɓereka Eberi, Shera akagara makore anamazana manna namatatu; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana. Eberi wakagara makore anamakumi matatu namanna, akaɓereka Peregi, wakati aɓereka Peregi, Eberi akagara makore anamazana manna namakumi matatu, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana. Peregi wakagara makore anamakumi matatu, akaɓereka Rehu; wakati aɓereka Rehu, Peregi akagara makore anamazana maʋiri namapfumbamŋe, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana. Rehu wakagara makore anamakumi matatu namaʋiri, akaɓereka Serugi; wakati aɓereka Serugi, Rehu akagara makore anamazana maʋiri namanomŋe; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana. Serugi wakagara makore anamakumi matatu, akaɓereka Nahori; wakati aɓereka Nahori, Serugi akagara makore anamazana maʋiri, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana. Nahori wakagara makore anamakumi maʋiri namapfumbamŋe, akaɓereka Tera; Nahori akagara makore anezana negumi namapfumbamŋe, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana. Tera wakagara makore anamakumi manomŋe, akaɓereka Abrama naNahori, naHarani. Ndiwo marudzi aTera: Tera wakaɓereka Abrama, naNahori, naHarani; Harani akaɓereka Roti; Harani akafa, ɓaɓa ʋake Tera ʋaciri ʋapenyu, panyika yokuɓerekwa kwake, paUri yaʋaKardia. Abrama naNahori ʋakaɀiwanira ʋakadzi; zita romukadzi waAbrama rainzi Sarai; zita romukadzi waNahori rainzi Mirika, mukunda waHarani, ɓaɓa ʋaMirika, naɓaɓa ʋaIsika. Sarai wakaŋga asiŋgaɓereki, wakaŋga asinomŋana. Ɀino Tera wakatora mŋanakomana wake Abrama, naRoti, mŋanakomana waHarani, mŋanakomana womŋanakomana wake, naSarai, mukadzi womŋanakomana wake Abrama; ʋakatama naʋo ʋakabva Uri yaʋaKardia, kuti ʋaende kunyika yeKanani, ʋakaȿika Harani, ʋakagara’po. Mazuʋa aTera akaŋga ari makore anamazana maʋiri namashanu; Tera akafira Harani.
Genesisi 11:1-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)