Genesisi 1:1-13
Genesisi 1:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika. Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura. Uye Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo. Mwari akaona kuti chiedza chakanga chakanaka, uye akaparadzanisa chiedza nerima. Mwari akatumidza chiedza kuti “masikati,” uye rima akaritumidza kuti “usiku.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rokutanga. Uye Mwari akati, “Ngapave nenzvimbo pakati pemvura kuti iparadzanise mvura nemvura.” Saka Mwari akaita nzvimbo uye akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo iyi kubva pamvura yakanga iri pamusoro payo. Uye zvakaita saizvozvo. Mwari akatumidza nzvimbo iyi kuti “denga.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechipiri. Uye Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane panzvimbo imwe chete, uye pasi pakaoma ngapaonekwe.” Uye zvakaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti, “nyika,” uye mvura yakaungana akaiti “makungwa.” Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. Ipapo Mwari akati, “Nyika ngaimerese uswa: miriwo inobereka mbeu nemiti panyika inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo dzakasiyana-siyana.” Uye zvakaita saizvozvo. Nyika yakameresa uswa: miriwo inobereka mbeu maererano nemhando dzayo nemiti inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitatu.
Genesisi 1:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakutanga Mwari akasika denga nenyika. Nyika yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu; rima rakanga riripo pamusoro pemvura yakadzika; Mweya waMwari wakanga uchigarira pamusoro pemvura. Mwari akati: Chiedza ngachivepo, chiedza chikavapo. Mwari akaona chiedza, kuti chakanaka; Mwari akaparadzanisa chiedza nerima. Mwari akatumidza chiedza, akati Masikati, nerima akaritumidza akati Usiku. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rimwe. Mwari akati: Nzvimbo ngaivepo pakati pemvura, kuti iparadzanise mvura nemvura. Mwari akaita nzvimbo, akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo, nemvura yakanga iri pamusoro penzvimbo; zvikaita saizvozvo. Mwari akatumidza nzvimbo, akati Denga. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva repiri. Mwari akati: Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete, kuti pasi pakaoma paonekwe; zvikaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma, akati Nyika; nemvura yakaungana akaitumidza, akati Makungwa; Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akati: Nyika ngaimerese uswa nemiriwo inobereka mbeu, nemiti inobereka michero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; zvikaita saizvozvo. Nyika ikameresa uswa, nemiriwo inobereka mbeu dzina marudzi adzo, nemiti inobereka michero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo; Mwari akaona kuti zvakanaka. Madeko akavapo namangwanani akavapo zuva retatu.
Genesisi 1:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakutanga Mwari akasika denga napasi. Pasi pakanga pasati panyatsoumbwa, pasina chinhu. Rima rakanga rakaputira zigungwa, Mweya waMwari achidzengerera pamusoro pemvura. Mwari akati, Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo. Mwari akaona kuti chiedza chakanaka. Mwari akaparadzanisa chiedza nerima. Mwari akatumidza chiedza kuti masikati, rima akariti usiku. Kwakasviba kukaedza. Iri rakava zuva rokutanga. Mwari akati, “Pakati pemvura ngapave neziendanakuenda rinokamuranisa mvura.” Mwari akabva aita ziendanakuenda riya ndokukamuranisa mvura yakanga iri pasi peziendanakuenda iroro neyaiva nechapamusoro paro, zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatumidza ziendanakuenda riya kuti denga. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechipiri. Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete kuti pasi pakaoma pabude pachena,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti nyika. Mvura iya yakanga yaungana akaitumidza kuti makungwa. Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akati, “Nyika ngaimere zvinomera zvorudzi norudzi, zvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi panyika,” zvikabva zvaita saizvozvo. Nyika yakamera zvinomera zvorudzi norudzi, nezvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi. Zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akaona kuti zvakanaka. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechitatu.
Genesisi 1:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakutaŋga Mŋari wakasika ɗeŋga nenyika. Nyika yakaŋga isina-kugadzirwa, isinecinhu; rima rakaŋga riri’po pamsoro pemvura yakadzika; Mŋeya waMŋari wakaŋga acigarira pamsoro pemvura. Mŋari akati: Ciedza ŋgaciʋe’po, ciedza cikaʋa’po. Mŋari akaʋona ciedza, kuti cakanaka; Mŋari akaparadzanisa ciedza nerima. Mŋari akatumidza ciedza, akati Masikati, nerima akaritumidza, akati Ʋusiku. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa rimŋe. Mŋari akati: Nɀimbo ŋgaiʋe’po pakati pemvura, kuti iparadzanise mvura nemvura. Mŋari akaita nɀimbo; akaparadzanisa mvura yakaŋga iri pasi penɀimbo, nemvura yakaŋga iri pamsoro penɀimbo; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akatumidza nɀimbo, akati Ƌeŋga. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa repiri. Mŋari akati: Mvura iri pasi peɗeŋga ŋgaiʋuŋgane pamŋe cete, kuti pasi pakawoma paʋonekwe; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akatumidza pasi pakawoma, akati Nyika; nemvura yakaʋuŋgana akaitumidza, akati Makuŋgwa; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Mŋari akati: Nyika ŋgaimerese ʋuswa nemiriʋo inoɓereka mbeu, nemiti inoɓereka micero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; ɀikaita saiɀoɀo. Nyika ikameresa ʋuswa, nemiriʋo inoɓereka mbeu dzinamarudzi adzo, nemiti inoɓereka micero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa retatu.
Genesisi 1:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)