VaGaratia 5:7-10
VaGaratia 5:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Makanga muchimhanya nhangemutange yakanaka. Ndianiko akakudzivisai uye akakukonesai kuteerera chokwadi? Kugombedzera ikoko hakuna kubva kuna iye anokudanai. Mbiriso shoma inovirisa chikanyiwa chose chakakanyiwa. Ndinovimba muna She kuti hamuchazogamuchiri dzimwe pfungwa. Iyeye anokunyonganisai achazviripira mhaka yake, angava ani zvake.
VaGaratia 5:7-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Makanga muchimhanya zvakanaka; ndianiko akakudzivisai kuti murege kuteerera chokwadi? Hamuna kugombedzerwa naiye akakudanai. “Mbiriso shoma inovirisa mukanyiwa wose.” Ndinotenda pamusoro penyu muna Ishe, kuti hamungatongorangariri chimwe chinhu; asi uyo, anokupesanisai achafanira hake kutongwa, kunyange ari ani naani.
VaGaratia 5:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Inga maimbomhanya zvakanaka wani! Ko ndiani akakupingidzai kuteerera chokwadi. Kufurirwa ikoko hakusi kwaiye akakudaidzai. Mbiriso shomanana inofutisa mukanyiwa wose. Muna Tenzi kudai ndinovimba kuti imi hamuzovi nedzimwe pfungwa dzinosiyana nedzangu uye kuti iye ari kukushushai achawana mubayiro wake, kunyange ari ani zvake.
VaGaratia 5:7-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Makaŋga mucimhanya ɀakanaka; ndianiko wakakudziʋisai kuti murege kuterera ɀokwaɗi? Hamunakugombedzerwa naiye wakakuɗanai. Mbiriso shoma inoʋirisa ɓundu rose. Ndinotenda pamsoro penyu munaShe, kuti hamuŋgatoŋgoraŋgariri cimŋe cinhu; asi uyo, unokupesanisai ucafanira hake kutoŋgwa, kunyaŋge ari aninani.
VaGaratia 5:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)