VaGaratia 5:2-6
VaGaratia 5:2-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Batai mashoko angu! Ini, Pauro, ndinokuudzai kuti kana muchidzingiswa, Kristu haachakosheswi kwamuri napaduku. Uyezve, ndinotaura kumunhu wose anoda kudzingiswa kuti anofanira kuteerera murayiro wose. Imi munoedza kururamisirwa nomurayiro makaparadzaniswa naKristu; makabva panyasha. Asi nokutenda tinoshinga kwazvo kumirira kururama, kunova ndiko kwatine tariro nako kubudikidza noMweya. Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvina maturo. Chinhu chinokosha chete ndiko kutenda kunozviratidza kubudikidza norudo.
VaGaratia 5:2-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tarirai, ini Pauro, ndinoti kwamuri, kana muchidzingiswa, Kristu haangakubatsiriyi chinhu. Ndinopupurira mumwe nomumwe anodzingiswa, kuti iye ane ngava rokuti achengete murayiro wose. Makaparadzaniswa naKristu, iyemi munoda kururamiswa nomurayiro; mabudiswa panyasha. Nokuti isu noMweya tinomirira nokutenda tariro yokururamiswa. Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvibatsiri chinhu; asi kutenda kunobata norudo.
VaGaratia 5:2-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chinzwai, ini Pauro ndinoti kwamuri, kana mukadzingiswa Kristu anenge asisina chimuko kwamuri. Ndinonyatsokutaurirai pachena zvakare kuti munhu anobvuma kudzingiswa anofanira kuchengeta zvisungo zvose zvomutemo. Imi munoda kururamiswa nezvisungo zvomutemo makatochekana ukama naKristu, nyasha dzakatokupesai. Nokuna Mweya Mutsvene uye nechitendero, isu tinotarisira kururamiswa kwatiri kumirira. Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna basa asi chitendero chine rudo.
VaGaratia 5:2-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai, ini Pauro, ndinoti kwamuri, kuti kana mucidziŋgiswa, Kristu haaŋgakuɓatsiriyi cinhu. Ndinopupurira mumŋe nomumŋe unodziŋgiswa, kuti iye uneŋgaʋa rokuti aite murairo wose. Makaparadzaniswa naKristu, iyemi munoɗa kururamiswa nomurairo; maɓuɗiswa panyasha. Nokuti isu noMŋeya tinomirira nokutenda tariro yokururamiswa. Nokuti munaKristu Jesu kudziŋgiswa kana kusadziŋgiswa haɀiɓatsiri cinhu; asi kutenda kunoɓata noruɗo.
VaGaratia 5:2-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)