VaGaratia 5:19-26
VaGaratia 5:19-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere; kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari. Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi. Avo vari vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa nyama nokuchiva kwayo uye nezvainoshuva. Sezvo tichirarama noMweya, ngatifambei noMweya. Ngatiregei kuzvikudza, tichitsamwisana kana kuchiva zvevamwe.
VaGaratia 5:19-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mabasa enyama anoonekwa, anoti: Upombwe, netsvina, nokukara nokunamata zvifananidzo, nouroyi, nokuvengana, negakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka, nokugodorana, nokuraradza, nokutamba kwakaipa, nezvinhu zvakadai; izvo zvandinokuudzai zvino, sezvandakambokuudzai kare, kuti vanoita zvakadai havangadyi nhaka youshe hwaMwari. Zvino chibereko choMweya ndirwo rudo, norufaro, rugare, mwoyo murefu, mwoyo munyoro, kunaka, kutendeka, unyoro, nokuzvidzora; hakuna murayiro unodzivisa zvinhu zvakadai. Asi avo vari vaKristu Jesu vakarovera pamuchinjikwa nyama yavo, pamwechete nokuda kwayo, nokuchiva kwayo. Kana tichirarama noMweya, ngatifambewo noMweya, tirege kuzvikudza, tichimutsana mwoyo, tichigodorana.
VaGaratia 5:19-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino mabasa enyama anooneka pachena, ndeaya anoti: upombwe nokuita zvakaora, kwouya kusazvibata nokunamata zvinhu zvisiri Mwari kwoti kuroya nokuvengana kwozoti kunetsana, nokuitirana shanje kwouyawo hasha, nokungozvifunga, kwozotiwo kupesana nokuita mapato anovengana uye kusafarira zvakanaka zvavamwe, uyezve kuraradza nokusazvibata kwezvidhakwa nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai sokukuyambirai kwandakamboita ndichiti vanoita zvakadai havawani nhaka youmambo hwamwari. Asi Mweya anobereka muchero wokuti tive norudo norufaro norugare, tive nemwoyo murefu nomutsa nemwoyo wakanaka nokutendeka uye unyoro nokuzvibata. Hakuna mutemo unorwisana nezvakadai sezvizvi. Avo vanenge vari vanhu vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa humunhu hwavo nehavi dzahwo nezvido zvahwo. Kana Mweya ari iye anoita kuti tirarame; saizvozvo ngatichitungamirirwawo naMweya. Ngatiregei kuzvikudza kana kudenhana kana kuitirana shanje.
VaGaratia 5:19-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino maɓasa enyama anoʋonekwa, anoti: Ʋupombge, netȿina, noʋutere, nokunamata ɀifananidzo, noʋuroyi, nokuʋeŋgana, negakaʋa, negoɗo, nokutsamŋa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka, nokugoɗorana, nokuɓatwa, nokutamba kwakaipa, neɀinhu ɀakaɗai; iɀo ɀandinokuʋudzai ɀino, seɀandakambokuʋudzai kare, kuti ʋanoita ɀakaɗai haʋaŋgadyi nhaka yoʋushe bgaMŋari. Ɀino ciɓereko coMŋeya ndirwo ruɗo, nomufaro, norugare, nomŋoyo murefu, nomŋoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka, noʋunyoro, nokuɀidzora: hakunomurairo unodziʋisa ɀinhu ɀakaɗai. Asi aʋo ʋari ʋaKristu Jesu ʋakaroʋera pamucinjikwa nyama, pamŋe cete nokuɗa kwayo, nokuciʋa kwayo. Kana ticirarama noMŋeya, ŋgatifambe ʋo noMŋeya, tirege kuɀikudza, ticimutsana mŋoyo, ticigoɗorana.
VaGaratia 5:19-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)