VaGaratia 4:8-11
VaGaratia 4:8-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kare, pamakanga musingazivi Mwari, makanga muri nhapwa kuna avo vakanga vasiri vamwari chaivo. Asi zvino zvamava kuziva Mwari, kana kuti munozivikanwa naMwari, seiko mava kudzokera kune zvokuvamba zvisina simba uye zvinonzwisa urombo? Munodazve kuitwa nhapwa nazvo here? Muri kucherechedza mazuva akasarudzika uye mwedzi nemwaka namakore! Ndinokutyirai kuti zvichida ndakatambisa simba rangu pamusoro penyu.
VaGaratia 4:8-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi nenguva iyo, zvamakanga musingazivi Mwari, maiva varanda vavamwari vasati vari vezvokwadi; asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozikanwa naMwari, modzokerazve seiko kunezvokuvamba zvisina simba, zvourombo, muchidazve kutanga kuva varanda vazvo? Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore. Ndinotya pamusoro penyu, kuti zvimwe ndakabata basa kwamuri pasina.
VaGaratia 4:8-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kare pamakanga musingazivi Mwari maiva varanda vezvinhu zvisiri Mwari. Asi zvino, pamavakuzivana naMwari, kana kuti pamavakuzivikanwa naMwari, mungapindukire seizve kumweya yezvinhu zvisina simba uye isina chayo yamavakuda kuva varanda vayozve. Munochengeta mazuva makuru, nemwedzi nemwaka namakore. Inga ndinokaronge ndakashandira pasina.
VaGaratia 4:8-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi neŋguʋa iyo, ɀamakaŋga musiŋgaziʋi Mŋari, maiʋa ʋaranda ʋaʋamŋari ʋasati ʋari ʋeɀokwaɗi; asi ɀino, ɀamunoziʋa Mŋari, ɀikuru ɀamunozikanwa naMŋari, modzokera ɀe seiko kuneɀokuʋamba ɀisinesimba, ɀoʋurombo, muciɗa ɀe kutaŋga kuʋa ʋaranda ʋaɀo? Munoceŋgeta misi nemŋedzi, neŋguʋa namakore. Ndinotya pamsoro penyu, kuti ɀimŋe ndakaɓate‐ɓasa kwamuri pasina.
VaGaratia 4:8-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)