VaGaratia 4:21-31
VaGaratia 4:21-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurayiro, hamuzivi here zvinoreva murayiro? Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama akanga ana vanakomana vaviri, mumwe nomukadzi woutapwa uye mumwe nomukadzi akasununguka. Mwanakomana wake womukadzi mutapwa akaberekwa nenzira yenyama; asi mwanakomana wake womukadzi akasununguka akaberekwa nokuda kwechipikirwa. Zvinhu izvi zvinofananidzira, nokuti vakadzi ava vanomirira sungano mbiri. Imwe sungano inobva paGomo reSinai uye inobereka vana vanofanira kuva nhapwa: Ndiye Hagari. Zvino Hagari anomirira Gomo reSinai muArabhia uye rakaenzana neguta reJerusarema razvino, nokuti riri pautapwa navana varo. Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye ndivo mai vedu. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Fara iwe mukadzi asingabereki, asingabereki vana; pembera udanidzire, iwe usingarwadziwi nokubereka; nokuti vana vomukadzi akasiyiwa vazhinji kupfuura vouyo ano murume.” Zvino imi hama, muri vana vechipikirwa saIsaka. Panguva iyoyo mwanakomana akazvarwa nenzira yenyama akatambudza mwanakomana akaberekwa nesimba roMweya. Zvakadaro nanhasi. Asi Rugwaro runoti kudiniko? “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi haangatongogovani nhaka nomwanakomana womukadzi akasununguka.” Naizvozvo, hama, isu hatizi vana vomurandakadzi, asi vomukadzi akasununguka.
VaGaratia 4:21-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurayiro, hamuteereri murayiro here? Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahamu akanga ana vanakomana vaviri, mumwe womurandakadzi, mumwe womukadzi akasununguka. Zvino womurandakadzi akaberekwa nenzira yenyama; asi womukadzi akasununguka akaberekwa sezvaakapikirwa. Zvinhu izvi zvinofananidzira; nokuti vakadzi ava vaviri isungano mbiri; imwe inobva pagomo reSina, inobereka vana vouranda ndiye Agari; zvino Agari ndiro gomo reSina muArabhia, rakaenzana neJerusaremu razvino; nokuti uri muuranda iye navana vake. Zvino Jerusaremu riri kumusoro rakasununguka, ndivo mai vedu; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Fara, iwe usingabereki, usingazvari, Pururudza, udanidzire, iwe usingatamburi nokubereka, Nokuti vana vomusiyiwa vazhinji kunowaiye ano murume.” Zvino imi, hama dzangu, muri vana vokupikirwa saIsaka. Asi sapanguva iyo, uyo wakaberekwa nenzira yenyama wakatambudza akaberekwa nenzira yoMweya, zvakadarowo nazvino. Asi Rugwaro runotiiko? “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake; nokuti mwanakomana womurandakadzi haangadyi nhaka pamwechete nomwanakomana wowakasununguka.” Saka, hama dzangu, hatizi vana vomurandakadzi, asi vowakasununguka.
VaGaratia 4:21-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomutemo, hamunzwi here zvinorehwa nomutemo nokuti zvakanyorwa kuti Abhurahamu akanga aina vanakomana vaviri. Mumwe akamubereka nomuranda, mumwe akamubereka nomudzimai asiri muranda. Mwana womuranda akaberekwa sezvinongoitwawo chero munhu. Mwana womusununguki akaberekwa nokuda kwechitsidzo. Zvino iri raiva dimikira. Vakadzi vaviri ava vanomirira zvitenderano zviviri. Chimwe chitenderano ndechokugomo reSinai chinobereka vana vouranda, ndiye Hagari. Zvino Hagari ndiro gomo reSinai kuArabhia. Rinomirira guta reJerusaremu riripo nhasi uno nokuti riri muuranda pamwechete navana varo. Asi guta reJerusaremu rokumusoro riri murusununguko uye ndiro amai vedu, nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Fara zvako iwe mukadzi asina mbereko asingabereki, pururudza uchidaidzira kwazvo iwe usina kumbonzwa kurwadza kwemimba nokuti mukadzi akarambwa ana vana kupinda anomurume.” Zvino, hama dzangu, isu, saIsaki tiri vana vechitsidzo. Sapanguva iyoyo, uya akaberekwa maererano nenyama akatambudza uyo akaberekwa maererano naMweya. Ndizvozvo nanhasi. Ko Magwaro Matsvene anoti kudiiko? Anoti dzinga mukadzi muranda nemwana wake nokuti mwana womuranda haafaniri kudya nhaka nomwana womukadzi wakasununguka. Saizvozvo, hama dzangu, hatisi vana vomukadzi muranda asi vomukadzi wakasununguka.
VaGaratia 4:21-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiʋudzei, imi munoɗa kuʋa pasi pomurairo, hamutereri murairo here? Nokuti kwakanyorwa kuti Abrahama wakaŋga anaʋanakomana ʋaʋiri, mumŋe womurandakadzi, mumŋe womukadzi wakasunuŋguka. Ɀino womurandakadzi wakaɓerekwa nenzira yenyama; asi womukadzi wakasunuŋguka wakaɓerekwa seɀaakapikirwa. Ɀinhu iɀi ɀinofananidzira; nokuti ʋakadzi aʋa ʋaʋiri isuŋgano mbiri; imŋe inobva pagomo reSina, inoɓereka ʋana ʋoʋuranda — ndiye Agari; ɀino Agari ndiro gomo reSina muArabia, rakaenzana neJerusarema raɀino; nokuti uri paʋuranda iye naʋana ʋake. Ɀino Jerusarema riri kumsoro rakasunuŋguka, ndiʋo mai ʋeɗu; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Fara, iwe usiŋgaɓereki, usiŋgaɀari, Pururudza, uɗanidzire, iwe usiŋgatamburi nokuɓereka, Nokuti ʋana ʋomusiyiwa ʋazhinji kunowaiye unomurume. Ɀino imi, hama dzaŋgu, muri ʋana ʋokupikirwa saIsaka. Asi sapaŋguʋa iyo, uyo wakaɓerekwa nenzira yenyama wakatambudza wakaɓerekwa nenzira yoMŋeya, ɀakaɗaro ʋo naɀino. Asi Rugwaro runotiyiko? Dziŋga murandakadzi nomŋanakomana wake; nokuti mŋanakomana womurandakadzi haaŋgadyi nhaka pamŋe cete nomŋanakomana wowakasunuŋguka. Saka, hama dzaŋgu, hatizi ʋana ʋomurandakadzi, asi ʋowakasunuŋguka.
VaGaratia 4:21-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)