VaGaratia 4:12-20
VaGaratia 4:12-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kunditadzira. Sezvamunoziva imi, kuti nokuda kwourwere ndakatanga kuparidza vhangeri kwamuri. Kunyange zvazvo kurwara kwangu kwaiva muedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundimhura. Asi, makandigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, sokunge ndakanga ndiri Jesu Kristu chaiye. Ko, chii chakaitika kumufaro wenyu wose uya? Ndinogona kupupura kuti dai zvaibvira, mungadai makatumbura meso enyu makaapa kwandiri. Zvino ndava muvengi wenyu zvandakuudzai chokwadi here? Vanhu ivavo vanoshingaira kuti vakubatei, asi pazvinhu zvisina kunaka. Zvavanoda ndezvokukutsausai kubva kwatiri, kuitira kuti imi mugovashingairira. Zvakanaka kwazvo kushingaira, kana chinangwa chacho chakanaka, uye kuti muite izvozvo nguva dzose kwete kana ndinemi bedzi. Vana vangu vanodikanwa, vandinotamburirazve pakubereka kusvikira Kristu aumbwa mamuri, ndaida sei kuti ndive nemi zvino uye ndishandure matauriro angu, nokuti ndiri kukanganisika nokuda kwenyu.
VaGaratia 4:12-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kundiitira chinhu chimwe chisakarurama; zvino munoziva kuti ndakakuparidzirai Vhangeri pakutanga nokuda kwokurwara panyama; nechinhu icho panyama yangu, chakanga chiri muedzo kwamuri, hamuna kuchizvidza, kana kuchisema; asi makandigamuchira somutumwa waMwari, saiye Kristu Jesu. Zvino kufara kwenyu kuripiko? Nokuti ndinokupupurirai, kuti kana maigona, maitumbura meso enyu mukandipa iwo. Zvino ndava muvengi wenyu, zvandakakuudzai chokwadi here? Vanokushingairirai nomutoo usakanaka; asi vanoda kukupfigirai kunze, kuti imi muvashingairire. Zvino zvakanaka kuti pachinhu chakanaka kushingairirwe nguva dzose, zvirege kuitwa kana ndiri kwamuri bedzi. Vana vangu vaduku, vandinotamburirazve kubereka, kusvikira Kristu aumbwa mukati menyu. Ndaida kuti ndive nemi zvino, ndishandure izwi rangu; nokuti ndinokanganiswa nokuda kwenyu.
VaGaratia 4:12-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hama, ndinokukumbirisai kuti ivai sezvandiri nokuti iniwo ndakava sezvamuri. Imi hapana chamakanditadzira sezvamunongozivawo kuti pamusana pezvaindirwadza munyama'mu zvakaita kuti ndiparidze Shoko Rakanaka kwamuri pakutanga paya. Kunyange zvazvo zvandaiva chaiva chiedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundishora asi makatondigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, saKristu Jesu. Ko kufara kwenyu kuyazve kuripi? Ndinokupupurirai kuti dai zvaikwanisika mungadai makatosvukunura maziso enyu muchiapa kwandiri. Ko zvino ndava muvengi wenyu pamusana pokukutaurirai chokwadi here? Vamwe vanhu vaya vanoratidza savanokudai kwazvo. Asi chinangwa chavo chaicho hachina kunaka. Chavari kungoda kukuparadzanisai neni kuti muvadewo ivo. Chinhu chakanaka nguva dzose kuva nechido chakakura kudaro kana chinangwa chacho chakanaka kwete kana ndiinemi chete. Vanangu, ndinorwadziwazve saamai vave panguva yokuda kusununguka kusvikira Jesu aumbwa mamuri. Ndinodisa chaizvo kuti dai ndanga ndiinemi iye zvino. Ndaibva ndasandura maitiro andiri kuita, nokuti ndiri kushaya kuti ndokutaurirai ndichiti kudii.
VaGaratia 4:12-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinokumbira kwamuri, hama dzaŋgu, kuti muʋe seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna‐kundiitira cinhu cimŋe cisakarurama; ɀino munoziʋa kuti ndakakuparidzirai Evaŋgeri pakutaŋga nokuɗa kwokurwara panyama; necinhu ico panyama yaŋgu, cakaŋga ciri muidzo kwamuri, hamuna‐kuciɀidza, kana kucisema; asi makandigamucira somutumŋa waMŋari, saiye Kristu Jesu. Ɀino kufara kwenyu kuripiko? Nokuti ndinokupupurirai, kuti kana maigona, maitumbura meso enyu mukandipa iwo. Ɀino ndaʋa muʋeŋgi wenyu, ɀandakakuʋudzai ɀokwaɗi here? Ʋanokushiŋgairirai nomutoʋo usakanaka; asi ʋanoɗa kukupfigirai kunze, kuti imi muʋashiŋgairire. Ɀino ɀakanaka kuti pacinhu cakanaka kushiŋgairirwe ŋguʋa dzose, ɀirege kuitwa kana ndiri kwamuri ɓedzi. Ʋana ʋaŋgu ʋaɗuku, ʋandinotamburira ɀe kuɓereka, kuȿikira Kristu aʋumbga mukati menyu. Ndaiɗa kuti ndiʋe nemi ɀino, ndishandure inzwi raŋgu; nokuti ndinokaŋganiswa nokuɗa kwenyu.
VaGaratia 4:12-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)