VaGaratia 4:12-14
VaGaratia 4:12-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kunditadzira. Sezvamunoziva imi, kuti nokuda kwourwere ndakatanga kuparidza vhangeri kwamuri. Kunyange zvazvo kurwara kwangu kwaiva muedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundimhura. Asi, makandigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, sokunge ndakanga ndiri Jesu Kristu chaiye.
VaGaratia 4:12-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kundiitira chinhu chimwe chisakarurama; zvino munoziva kuti ndakakuparidzirai Vhangeri pakutanga nokuda kwokurwara panyama; nechinhu icho panyama yangu, chakanga chiri muedzo kwamuri, hamuna kuchizvidza, kana kuchisema; asi makandigamuchira somutumwa waMwari, saiye Kristu Jesu.
VaGaratia 4:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hama, ndinokukumbirisai kuti ivai sezvandiri nokuti iniwo ndakava sezvamuri. Imi hapana chamakanditadzira sezvamunongozivawo kuti pamusana pezvaindirwadza munyama'mu zvakaita kuti ndiparidze Shoko Rakanaka kwamuri pakutanga paya. Kunyange zvazvo zvandaiva chaiva chiedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundishora asi makatondigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, saKristu Jesu.
VaGaratia 4:12-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinokumbira kwamuri, hama dzaŋgu, kuti muʋe seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna‐kundiitira cinhu cimŋe cisakarurama; ɀino munoziʋa kuti ndakakuparidzirai Evaŋgeri pakutaŋga nokuɗa kwokurwara panyama; necinhu ico panyama yaŋgu, cakaŋga ciri muidzo kwamuri, hamuna‐kuciɀidza, kana kucisema; asi makandigamucira somutumŋa waMŋari, saiye Kristu Jesu.
VaGaratia 4:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)