Ezira 9:8
Ezira 9:8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Asi zvino, kwenguva duku duku, Jehovha Mwari wedu atiitira nyasha nokutisiyira vakasara uye nokutipa nzvimbo yakasimba muimba yake tsvene, naizvozvo Mwari wedu anopa chiedza kumeso edu uye norusununguko ruduku muuranda hwedu.
Ezira 9:8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino takanzwirwa tsitsi naJehovha Mwari wedu nguva duku-duku, akatisiyira vamwe vakapukunyuka, nokutipa mbambo panzvimbo yake tsvene, kuti Mwari wedu avhenekere meso edu, nokutiponesa paduku pauranda hwedu.
Ezira 9:8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi zvino tanga tambonzi itirwei mwoyo wakanaka kwechinguva nemi Tenzi, Mwari wedu mukatisiyirawo chitsama chevanhu vakasara nokutipawo hoko yepokugara pakachengeteka munzvimbo yenyu inoera kuitira kuti imi Mwari wedu mutivhenekere meso edu nokutimutsirudza muutapwa hwedu
Ezira 9:8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino takanzwirwa tsitsi naJehova Mŋari weɗu ŋguʋa ɗuku‐ɗuku, akatisiyira ʋamŋe ʋakapukunyuka, nokutipa mbambo panɀimbo yake tȿene, kuti Mŋari weɗu avenekere meso eɗu, nokutiponesa paɗuku paʋuranda bgeɗu.
Ezira 9:8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)