Ezira 6:14
Ezira 6:14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakuru vavaJudha vakavaka, vakapfuurira mberi zvakanaka, vachisimbiswa nokuporofita kwaHagai, muporofita, naZekariya mwanakomana waIdho. Vakavaka, vakaipedza, sezvakarairwa naMwari waIsiraeri, uye nechirevo chaKoreshi, naDhariusi, naAritashasita mambo wePerisia.
Ezira 6:14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokudaro vakuru vavaJudha vakaenderera mberi nokuvaka uye vakabudirira vachiparidzirwa naHagai muprofita naZekaria mwanakomana waIdho. Vakavaka temberi vakaipedza sokurayirwa kwavakanga vaitwa naMwari weIsraeri nechirevo chaSirasi, Dhariasi naAtazekisesi madzimambo ePezhia.
Ezira 6:14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvozvo vakuru vakuru vevaJudha vainge vachivaka zvavo zvichibudirira nokuporofita kwomuporofita Hagai naZekariya mwanakomana waIdho. Vakapedza kuvaka imba yavo sezvakanga zvanzi zviitwe naMwari weIsiraeri uye maererano nechirevo chaSairosi naDhariusi naAtakizesesi mambo wePezhiya.
Ezira 6:14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakuru ʋaʋaJuda ʋakaʋaka, ʋakapfuʋurira mberi ɀakanaka, ʋacisimbiswa nokuprofita kwaHagai muprofita naZekaria mŋanakomana waIdo. Ʋakaʋaka, ʋakaipedza, seɀakarairwa naMŋari waIsraeri, ʋuye necireʋo caKoreshi, naDariusi, naArtashasta mambo wePersia.
Ezira 6:14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)