Ezira 10:1-3
Ezira 10:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ezira paakanga achinyengetera achireurura, achichema uye achizviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru huru yavarume, vakadzi navana vavaIsraeri yakaungana paari. Naivowo vakachema zvikuru kwazvo. Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wezvizvarwa zvaEramu, akati kuna Ezira, “Takatadzira Mwari wedu nokuwana vakadzi vatorwa kubva kundudzi dzakatipoteredza. Asi kunyange zvakadaro, Israeri ichine tariro. Zvino ngatiitei sungano pamberi paMwari wedu kuti tidzinge vakadzi ava vose navana vavo, maererano nezvakarayirwa naishe wangu naavo vanotya mirayiro yaMwari wedu. Ngazviitwe maererano nomurayiro.
Ezira 10:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Ezira akati achinyengetera, achizvireurura, achichema nokuzviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru-huru yavarume navakadzi navana vavaIsiraeri vakaungana kwaari; nokuti vanhu vakachema zvikuru kwazvo. Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wavanakomana vaErami, akapindura, akati kuna Ezira, “Takatadzira Mwari wedu zvatakawana vakadzi vatorwa vendudzi dzenyika iyi; kunyange zvakadaro vaIsiraeri vachine tariro pamusoro pechinhu ichi. Naizvozvo zvino ngatiite sungano naMwari wedu, tibvise vakadzi ava vose, navana vakaberekwa navo, sezvatakarairwa naShe, uye navanobvundiswa nomurayiro waMwari wedu; ngazviitwe sezvinoreva mirairo.
Ezira 10:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ezira paakanga achinamata achireurura nokuhwihwidza kuchema nokuzvirovera pasi pamberi pemba yaMwari, chita chikuru kwazvo chavarume navakadzi navana chakaungana kwaari chichibva muIsiraeri nokuti vanhu vaichema kwazvo. Shekaniya mwanakomana waJehieri wokuvanakomana vokwaEramu akataura kuna Ezira achiti, “Hatina kutendeka kuna Mwari wedu, takaroora vakadzi vechirudzi vendudzi dzomunyika ino. Kunyange zvakadaro zvazvo Isiraeri ichine chitarisiro. Naizvozvo ngatiitei chitenderano naMwari wedu tirambe vakadzi vacho navana vavo maererano nezano renyu changamire uye maererano nezano ravanhu vanodedera mutemo waMwari wedu, zviitwewo maererano nezviri mumutemo.
Ezira 10:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Ezra wakati acinyeŋgetera, aciɀireʋurura, acicema nokuɀiwisira pasi pamberi peimba yaMŋari, ʋuŋgano huru‐huru yaʋarume naʋakadzi naʋana ʋaʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana kwaari; nokuti ʋanhu ʋakacema ɀikuru kwaɀo. Ipapo Shekania mŋanakomana waJehieri, mumŋe waʋanakomana ʋaErami, akapindura, akati kunaEzra: Takatadzira Mŋari weɗu ɀatakawana ʋakadzi ʋatorwa ʋendudzi dzenyika iyi; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋaIsraeri ʋacinetariro pamsoro pecinhu ici. Naiɀoɀo ɀino ŋgatiite suŋgano naMŋari weɗu, tibvise ʋakadzi aʋa ʋose, naʋana ʋakaɓerekwa naʋo, seɀatakarairwa naShe, ʋuye naʋanobvundiswa nomurairo waMŋari weɗu; ŋgaɀiitwe seɀinoreʋa murairo.
Ezira 10:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)