Ezekieri 4:4-5
Ezekieri 4:4-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ipapo iwe ugovata norutivi rwako rworuboshwe ugoisa chivi cheimba yaIsraeri pamusoro pako. Iwe unofanira kutakura chivi chavo kwamazuva aunovata norutivi rwako. Ndakakutarira mazuva mamwe chetewo zvakaenzana namakore echivi chavo. Saka uchatakura chivi cheimba yaIsraeri kwamazuva mazana matatu namakumi mapfumbamwe.
Ezekieri 4:4-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Uyezve, uvate pasi parutivi rwako rworuboshwe, uise pamusoro parwo zvakaipa zveimba yaIsiraeri; mazuva aunovata parutivi urwo ndiyo nguva yauchatakura zvakaipa zvavo. Nokuti ndakatara makore ezvakaipa zvawo aenzane namazuva ako, mazuva ana mazana matatu namakumi mapfumbamwe; saizvozvo uchatakura zvakaipa zveimba yaIsiraeri.
Ezekieri 4:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Pedzezvo worara nokuruboshwe kwako iniwo ndichaisa uipi hweIsiraeri pauri, mazuva ose aunenge wakarara naikoko unenge wakatotakura chirango chavo. Ndiri kukutemera chirango cheIsiraeri chamazuva mazana matatu namazuva makumi mapfumbamwe, zuva roga roga richimirira gorewo rokurangwa kwavo.
Ezekieri 4:4-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋuye ɀe, uʋate pasi parutiʋi rwako rworuɓoshwe, uise pamsoro parwo ɀakaipa ɀeimba yaIsraeri; mazuʋa aunoʋata parutivi urwo ndiyo ŋguʋa yaucatakura ɀakaipa ɀaʋo. Nokuti ndakatara makore eɀakaipa ɀaʋo aenzane namazuʋa ako, mazuʋa anamazana matatu namakumi mapfumbamŋe; saiɀoɀo ucatakura ɀakaipa ɀeimba yaIsraeri.
Ezekieri 4:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)