Ezekieri 34:25-31
Ezekieri 34:25-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“ ‘Ndichaita sungano yorugare navo uye ndichadzinga zvikara panyika kuti vagogara mugwenga vagovata zvakanaka musango. Ndichaaropafadza nenzvimbo dzakapoteredza chikomo changu. Ndichanayisa mvura nenguva yayo; pachava nemibvumbi yamaropafadzo. Miti yesango ichabereka michero yayo uye ivhu richabereka zvibereko zvaro; vanhu vachagara zvakanaka panyika yavo. Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichavhuna mazariro amajoko avo ndigovanunura kubva mumaoko aavo vanovaita nhapwa. Havachazopambwizve nendudzi, uye zvikara zvesango hazvingavadyizve. Vachagara zvakanaka, uye hakuna angavatyisa. Ndichavapa nyika ine mukurumbira nokuda kwezvibereko zvayo, uye havangazovi nedambudziko renzara munyika kana kuva chinhu chinosekwa nendudzi. Ipapo vachaziva kuti ini, Jehovha Mwari wavo, ndinavo uye kuti ivo, imba yaIsraeri, ndivo vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Imi makwai angu, makwai amafuro angu, muri vanhu, uye ini ndiri Mwari wenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Ezekieri 34:25-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichaita navo sungano yorugare, ndichapedza zvikara panyika yavo, vachagara zvakanaka murenje, nokuvata mumatondo. Ndichavaita ropafadzo ivo nenzvimbo dzakapoteredza chikomo changu; ndichapfunhisa mvura nenguva yayo, mashoko anoropafadza achavapo. Miti iri kusango ichabereka zvibereko zvayo, nenyika ichabereka zvayo, vachagara zvakanaka panyika yavo; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandinovhuna matanda ejoko ravo, nokuvarwira pamaoko avaivabatisa. Havangazovi chinhu chinopambwa namarudzi avanhu, nezvikara zvenyika hazvingavaparadzi; asi vachagara zvakanaka, hakuna angavatyisa. Ndichavameresera miti inorumbidzwa, havangazofa nenzara munyika yavo, kana kuzoshorwa namarudzi avanhu. “Zvino vachaziva kuti ini Jehovha Mwari wavo ndinavo, uye kuti ivo, iyo imba yaIsiraeri, ndivo vanhu vangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Asi imi, makwai angu, makwai anofudzwa neni, muri vanhu, neni ndiri Mwari wenyu,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ezekieri 34:25-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndichaitirana navo chitenderano chorugare ndigobvisa munyika zvikara zvesango kuitira kuti dzigozogara hadzo murenje pasina chinodziwana dzichirara zvadzo mumasango. “Ndichaita kuti idzo nenharaunda yapachikomo changu zvive chikomborero. Ndichatumira mvura inonaya nomwaka wayo. Mvura yacho inonaya ichava chikomborero. Izvozvo miti yomusango ichabereka michero yayo, nyika ichaberekawo michero yayo, vachagara pasina chinovawana. Vachaziva zvavo kuti ndini Tenzi pandichatyora zvikei zvejoko ravo ndichivanunura mumaoko mavanhu vanovaita varanda. Havachazovizve nyama yemagora kumarudzi avanhu kana kuparadzwa nemhuka dzomunyikamo. Vachagara havo pasina chinovawana pasinawo chinovatyisa. Ndichavaita kuti vave nenzvimbo yokurima ine mukurumbira zvokuti havazombopararizve neshangwa yenzara munyika imomo kana kuzonyarazve nokusveeredzwa namarudzi. Ndipo pavachaziva kuti ini Tenzi, Mwari wavo ndinavo uye kuti ivo vemba yaIsiraeri, vanhu vangu. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Imimi ndimi hwai dzangu, hwai dzomumafuro angu. Iniwo ndini Mwari wenyu” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Ezekieri 34:25-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicaita naʋo suŋgano yorugare, ndicapedza ɀikara panyika yaʋo, ʋacagara ɀakanaka murenje, nokuʋata mumatondo. Ndicaʋaita ropafadzo iʋo nenɀimbo dzakapoteredza cikomo caŋgu; ndicapfunhisa mvura neŋguʋa yayo, mishoko inoropafadza icaʋa’po. Miti iri kusaŋgo icaɓereka ɀiɓereko ɀayo, nenyika icaɓereka ɀayo, ʋacagara ɀakanaka panyika yaʋo; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, neŋguʋa yandinovuna matanda ejoko raʋo, nokuʋarwira pamaʋoko aʋaiʋaɓatisa. Haʋaŋgazoʋi cinhu cinopambga namarudzi aʋanhu, neɀikara ɀenyika haɀiŋgaʋaparadzi; asi ʋacagara ɀakanaka, hakuna‐uŋgaʋatyisa. Ndicaʋamedzera miti inorumbidzwa, haʋaŋgazopedzwi nenzara panyika yaʋo, kana kuzoshoʋorwa namarudzi aʋanhu. Ɀino ʋacaziʋa kuti ini Jehova Mŋari waʋo ndinaʋo, ʋuye kuti iʋo, iyo imba yaIsraeri, ndiʋo ʋanhu ʋaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. Asi imi, makwai aŋgu, makwai anofudzwa neni, muri ʋanhu, neni ndiri Mŋari wenyu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Ezekieri 34:25-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)