Ezekieri 34:11-24
Ezekieri 34:11-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ini pachangu ndichazvitsvakira makwai angu ndigoafudza. Somufudzi anofudza makwai ake akapararira paanenge anawo, saizvozvo neni ndichafudza makwai angu. Ndichaarwira kubva panzvimbo dzose dzaanga akapararira pazuva ramakore nerima. Ndichaabudisa kubva kundudzi ndigoaunganidza kubva kunyika dzose, uye ndigoauyisa munyika yawo. Ndichaafudzira pamakomo aIsraeri, muhova, nomunzvimbo dzokugara dzose dzenyika. Ndichaafudzira mumafuro akanaka, uye pamusoro pamakomo aIsraeri ndipo paachafura. Acharara pasi pamafuro akanaka ikoko, uye achafura pabumhudza rakanaka ikoko kumakomo eIsraeri. Ini pachangu ndichafudza makwai angu nokuavatisa pasi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ndichatsvaka akarasika ndigodzosa akatetereka. Ndichasunga akakuvara ndigosimbisa asina simba, asi akakora neane simba ndichaaparadza. Ndichafudza boka nokururamisira. “ ‘Asi kana murimi, boka rangu, zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatonga pakati pegwai nerimwe gwai, uye pakati pamakondobwe nembudzi. Ko, hazvina kuringana kwamuri here kuti mudye pamafuro akanaka? Zvakafanira here kuti mutsike netsoka dzenyu mafuro enyu akasara? Ko, hazvina kuringana here kuti munwe mvura yakachena? Ko, zvakafanira here kuti musvibise mvura yakasara namakumbo enyu? Ko, makwai angu angafanirwa nokudya kana kunwa zvamakabvongodza netsoka dzenyu here? “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha kwavari: Tarira, ini ndimene ndichatonga pakati peakakora nemakwai akaonda. Nokuda kwokuti munosunda norutivi nepfudzi, muchitunga makwai asina simba nenyanga dzenyu kusvikira maadzingira kure, ini ndicharwira makwai angu, uye haangazopambwizve. Ndichatonga pakati pehwai neimwe hwai. Ndichaisa pamusoro pawo mufudzi mumwe chete, muranda wangu Dhavhidhi uye achaafudza; iye achaafudza agova mufudzi wawo. Ini Jehovha ndichava Mwari wavo, uye muranda wangu Dhavhidhi achava muchinda pakati pawo. Ini Jehovha ndazvitaura.
Ezekieri 34:11-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarirai, ini, ini ndimene, ndicharonda makwai angu nokuatsvaka.’ “Mufudzi sezvaanotsvaka boka rake, nezuva raari pakati pamakwai ake akapararira kwose, saizvozvo ndichatsvaka makwai angu, ndichaarwira panzvimbo dzose kwaakapararira nezuva ramakore nererima. Ndichaabudisa pakati pamarudzi avanhu, nokuaunganidza kunyika dzose, ndiasvitse kunyika yawo, ndichaafudza pamakomo aIsiraeri, pahova napanzvimbo dzose dzenyika dzakagarwa navanhu. Ndichaafudza namafuro akanaka, danga rawo richava pamakomo akakwirira aIsiraeri; achavata ipapo pasi mudanga rakanaka, achafura pamafuro engamera mumakomo aIsiraeri. “Ini ndimene ndichava mufudzi wamakwai angu, ndichaavatisa pasi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ndichatsvaka akarasika, ndichadzosa akadzingwa, ndichapombera akavhunika, ndichasimbisa anorwara; asi akakora naane simba ndichaaparadza; ndichaafudza zvakarurama. “Kana murimi boka rangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha tarirai ndinotonga pakati pamakwai namakwai, pakati pamakondobwe nenhongo. Ko munoti chinhu chiduku here zvamakafura pamafuro akanaka, zvino motsika netsoka dzenyu mafuro enyu akasara? Kana ari makwai angu, anodya zvamakatsika netsoka dzenyu, nokunwa zvamakabvongodza netsoka dzenyu. “Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha kwavari, ‘Tarirai, ini, iyeni, ndichatonga pakati pamakwai akakora namakwai akaonda.’ Zvamunosunda norutivi nefudzi, muchitunga asine simba nenyanga dzenyu, kusvikira maaparadzira kwose, naizvozvo ndichaponesa boka rangu, kuti arege kuzopambwa; ndichatonga pakati pamakwai namakwai. “Ndichaamutsira mufudzi mumwe woga, iye achaafudza, iye muranda wangu Dhavhidhi; iye uchaafudza, iye achava mufudzi wawo. Ini Jehovha ndichava Mwari wavo, nomuranda wangu Dhavhidhi achava muchinda pakati pavo; ini Jehovha ndakataura izvozvo.
Ezekieri 34:11-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi Mwari, chionai, ini iyeni pachangu ndini ndicharonda hwai dzangu ndidzitsvake. Sezvinongoita mufudzi anotsvaka hwai dzake kana dzimwe dzapararira ndizvozvo zvandichaita kutsvaka hwai dzangu. Ndichadzinunura munzvimbo madzakapararira, pamusi wamakuti nerima rakati kwirindindi. Ndichadziburitsa mukati memarudzi ndichidzikokorodza mudzinyika uye ndichadziunza munyika yadzo. Ndichadzifudzira mumakomo eIsiraeri nomuzvitubu zvemvura nomunogara vanhu mose zvamo munyika iyoyi. Ndichadzifudzira pamafuro akanaka uye napamusoro pamakomo marefu eIsiraeri pachange pari pamafuro adzo. Imomo dzicharara mumafuro akanaka, dzichifura mumafuro chaiwo manyoro mumakomo eIsiraeri. Ini ndini ndichafudza hwai dzangu, ndini ndichadzirarisa pasi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Dzinenge dzarasika ndichidzitsvaka ndichadzora dzinenge dzatetereka, dzinenge dzakuvara ndichidzisunga kasekete, dzinenge dzarukutika ndichidzisimbaradza. Asi dzakakora nedzakasimba ndichadzitarisa ndichidzifudza noruenzaniso. “Kana zviri zvenyu imi danga rangu, zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai, ini ndichatonga pakati pehwai nehwai napakati pehondohwe nezvikotora. Hazvikwane here kwamuri kuti mufure mumafuro akanaka zvamunobva matsokodzera zvenyu mafuro mamwe ose netsoka dzenyu? Hazvikwane here kwamuri kuti mumwe mvura yakachena, zvamunobva mabvongodza imwe yose namakumbo enyu? Hwai dzangu dzinofanira kudya zvamunenge matsokodzera netsoka dzenyu nhai, dzichinwa mvura yamunenge mabvongodza henyu namakumbo enyu? “Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari kwavari, chinzwai, ini iyeni ndichatonga pakati pehwai yakakora nehwai yakaonda. Imi zvamunosairira norutivi nebendekete muchibaya ndonda dzose nenyanga dzenyu kusvikira dzachiti mwarara kunze, ndichanunura danga rangu hadzizovizve nyama yamagora, ndichatonga pakati pehwai nehwai. Ndichadziisira mufudzi mumwechete. Achadzifudza, iye muranda wangu Dhavhidhi. Iyeyo ndiye achava mufudzi wadzo. Ini Tenzi ndini ndichava Mwari wavo, muranda wangu Dhavhidhi ariwo jinda pakati pavo. Ini Tenzi ndini ndazvireva.
Ezekieri 34:11-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ini, ini ndimene, ndicaronda makwai aŋgu nokuatȿaka. Mufudzi seɀaanotȿaka ɓoka rake, nezuʋa raari pakati pamakwai ake akapararira kwose, saiɀoɀo ndicatȿaka makwai aŋgu, ndicaarwira panɀimbo dzose kwaakapararira nezuʋa ramakore nererima. Ndicaaɓuɗisa pakati pamarudzi aʋanhu, nokuaʋuŋganidza kunyika dzose, ndiaȿitse kunyika yawo, ndicaafudza pamakomo aIsraeri, pahoʋa napanɀimbo dzose dzenyika dzakagarwa naʋanhu. Ndicaafudza namafuro akanaka, ɗaŋga rawo ricaʋa pamakomo akakwirira aIsraeri; acaʋata ipapo pasi muɗaŋga rakanaka, acafura pamafuro akamera kwaɀo pamakomo aIsraeri. Ini ndimene ndicaʋa mufudzi wamakwai aŋgu, ndicaaʋatisa pasi — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. Ndicatȿaka akarashika, ndicadzosa akadziŋgwa, ndicapombera akavunika, ndicasimbisa anorwara; asi akakora naanesimba ndicaaparadza; ndicaafudza ɀakarurama. Kana muri’mi ɓoka raŋgu, — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — tarirai ndinotoŋga pakati pamakwai namakwai, pakati pamakondobge nenhoŋgo. Ko munoti cinhu ciɗuku here ɀamakafura pamafuro akanaka, ɀino motsika netsoka dzenyu mafuro enyu akasara? Kana ari makwai aŋgu, anodya ɀamakatsika netsoka dzenyu, nokunwa ɀamakabvoŋgodza netsoka dzenyu. Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova kwaʋari: Tarirai, ini, iyeni, ndicatoŋga pakati pamakwai akakora namakwai akawonda. Ɀamunosunda norutiʋi nefudzi, mucituŋga asinesimba nenyaŋga dzenyu, kuȿikira maaparadzira kwose, naiɀoɀo ndicaponesa ɓoka raŋgu, kuti arege kuzopambga; ndicatoŋga pakati pamakwai namakwai. Ndicaamutsira mufudzi mumŋe woga, iye ucaafudza, iye muranda waŋgu Davidi; iye ucaafudza, iye ucaʋa mufudzi wawo. Ini Jehova ndicaʋa Mŋari waʋo, nomuranda waŋgu Davidi ucaʋa mucinda pakati paʋo; ini Jehova ndakataura iɀoɀo.
Ezekieri 34:11-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)