Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 1:4-28

Ezekieri 1:4-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ndakatarira, ndikaona dutu remhepo richibva nechokumusoro, gore guru rine mheni yaipenya uye rakakomberedzwa nechiedza chaibwinya. Pakati pomoto paitarisika sedare rinopfuta, uye mumoto makanga mune zvakanga zvakaita sezvisikwa zvipenyu zvina. Pakuonekwa kwazvo, chimiro chazvo chakanga chiri chomunhu, asi chimwe nechimwe chazvo chakanga chine zviso zvina namapapiro mana. Makumbo azvo akanga akarurama; tsoka dzazvo dzakanga dzakaita sedzemhuru uye dzichipenya sendarira yakabwinyiswa. Zvakanga zvina maoko omunhu pasi pamapapiro azvo pamativi azvo mana. Zvose zviri zvina zvaiva nezviso namapapiro, uye mapapiro azvo aigunzvana. Chimwe nechimwe chazvo chaienda mberi chakarurama; zvakanga zvisingacheuki pakufamba kwazvo. Zviso zvazvo zvairatidzika sezvizvi: chimwe nechimwe pauna hwazvo chaiva nechiso chomunhu, uye kurudyi, chimwe nechimwe chaiva nechiso cheshumba, uye kuruboshwe, chiso chenzombe; chimwe nechimwe chaiva nechiso chegondo. Ndizvo zvakanga zvakaita zviso zvazvo. Mapapiro azvo akanga akatambanudzirwa kumusoro; chimwe nechimwe chakanga china mapapiro maviri rimwe richigunzva bapiro rechimwe chisikwa kumativi ose, uye mapapiro maviri akafukidza muviri wacho. Chimwe nechimwe chainanga mberi chakarurama. Kwose kwaienda mweya, ndiko kwazvaienda, zvisingacheuki pakufamba kwazvo. Kuonekwa kwezvisikwa zvipenyu izvi kwakanga kwakaita samazimbe omoto anopfuta, kana somwenje. Moto waienda mberi uchidzoka pakati pezvisikwa; wakanga uchipenya, uye mheni yaipenya mauri. Zvisikwa zvaimhanya zvichienda mberi zvichidzoka semheni inopenya. Ndakati ndichitarira kuzvisikwa zvipenyu, ndakaona vhiri riri pasi porutivi rwechisikwa chimwe nechimwe nezviso zvacho zvina. Uku ndiko kwaiva kuratidzika namagadzirirwo amavhiri acho: Akanga achivaima sebwe rekristaro, uye zvose zviri zvina zvakanga zvakafanana pakuonekwa kwazvo. Pakuonekwa kwawo napamagadzirirwo awo akanga akaita sevhiri rimwe riri mukati merimwe vhiri. Pakufamba kwazvo, zvaigona kuenda neimwe yenzira ina dzakanga dzakatariswa nezvisikwa zvina; mavhiri akanga asingatsauki zvisikwa pazvaifamba. Marimu acho akanga akakwirira uye aishamisa, uye marimu ose ari mana akanga azere nameso kwose kwose. Zvisikwa zvipenyu zvaiti kana zvofamba, mavhiri aiva parutivi ofambawo; uye kana zvisikwa zvipenyu zvikasimuka kubva pasi, mavhiri aisimukawo. Kwose kwaienda mweya, zvaiendawo, uye mavhiri aisimuka pamwe chete nazvo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri mumavhiri. Zvisikwa pazvaifamba, iwo aifambawo; paimira zvisikwa, naiwo aimirawo; uye paingosimuka zvisikwa kubva pasi, mavhiri aisimukawo pamwe chete nazvo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri mumavhiri. Kumusoro kwemisoro yezvisikwa zvipenyu kwakanga kwakawaridzwa chinhu chakanga chakaita sedenga, chaivaima sechando uye chaishamisa. Pasi pedenga mapapiro azvo akanga akatambanudzwa, bapiro rechimwe chisikwa richinosangana nebapiro rechimwe chisikwa, uye chimwe nechimwe chaiva namapapiro maviri akanga akafukidza muviri wacho. Zvisikwa zvaiti zvofamba, ndainzwa kuunga kwamapapiro azvo, zvichitinhira semvura zhinji, senzwi roWamasimba Ose, sebope ravarwi. Zvaiti zvikamira zvaideredza mapapiro azvo. Ipapo inzwi rakasvika richibva kumusoro kwedenga rakanga riri pamusoro pazvo, pazvakanga zvakamira zvakaderedza mapapiro azvo. Kumusoro kwedenga rakanga riri pamusoro pemisoro yazvo, kwakanga kune chinhu chairatidzika sechigaro choushe chakanga chakaita sebwe resafuri uye pamusoro-soro pechigaro choushe pakanga pano mufananidzo wakanga wakaita sewomunhu. Ndakaona kuti pane zvairatidzika sechiuno chake zvichikwira kumusoro, akanga akaita sedare romoto unopenya, sokunge akazara nomoto, uye kubva ipapo zvichienda pasi, airatidzika somoto; uye chiedza chaipenya kwazvo chakanga chakamukomberedza. Sezvakaita muraravungu uri mumakore pazuva rokunaya kwemvura, izvozvo, ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya kwakanga kwakamukomberedza. Izvi ndizvo zvakanga zvakaita kuonekwa kwokubwinya kwaJehovha. Pandakazviona izvozvo, ndakawira pasi nechiso changu, ndikanzwa inzwi romumwe akanga achitaura.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 1

Ezekieri 1:4-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ndikatarira, ndikaona dutu remhepo richibva kurutivi rwokumusoro, riri gore guru rinomoto wairamba uchipenya, rakakomberedzwa nokubwinya, nomukati maro, imo mukati momoto, mune chinhu chaipenya sedare. Zvino mukati mazvo mukabuda zvakanga zvakaita sezvipenyu zvina. Zvakanga zvakadai: Zvakanga zvakafanana nomunhu; chimwe nechimwe chaiva nezviso zvina, nechimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro mana. Makumbo azvo akanga akarurama, pasi petsoka dzadzo pakanga pakaita sapasi petsoka dzemhuru; dzaipenya sendarira yakabwinyiswa. Zvakanga zvina maoko omunhu pasi pamapapiro azvo kumativi azvo mana; zvose zviri zvina zvakanga zvakadai pazviso zvazvo namapapiro azvo: Mapapiro azvo akanga akabatana; hazvina kutsauka pakufamba kwazvo, asi chimwe nechimwe chairuramira mberi pakufamba kwacho. Kana zviri zviso zvazvo pakuonekwa kwazvo, zvaiva nechiso chomunhu; zvose zviri zvina zvaiva nechiso cheshumba kurutivi rworudyi; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chenzombe kurutivi rworuboshwe; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chegondowo. Zviso zvazvo namapapiro azvo zvakanga zvakaparadzana kumusoro; mapapiro maviri echimwe nechimwe akanga akabatana, asi maviri akanga akafukidza muviri wazvo. Chimwe nechimwe chairuramira mberi pakufamba kwacho; kwaida kufamba mweya, ndiko kwazvaifamba; hazvina kutsauka pakufamba kwazvo. Kana zviri zvipenyu pakuonekwa kwazvo, zvakanga zvakafanana namazimbe omoto anopfuta, zvakafanana namazhenje; moto wairamba uchifamba pakati pezvipenyu; moto waipenya, nomukati momoto maibuda mheni. Zvipenyu zvaimhanya zvichidzoka, zvakafanana nokupenya kwemheni. Zvino ndakati ndichitarira zvipenyu izvo, ndikaona gumbo rimwe rengoro riri pasi kurutivi rwezvipenyu izvo, kurutivi rumwe norumwe rwezviso zvacho. Makumbo awo pakuonekwa kwawo nomuitirwo wawo zvakanga zvakafanana nebheriri; ose ari mana akanga akafanana; pakuonekwa kwawo napamuitirwo wawo zvakanga zvakaita segumbo rimwe riri mukati merimwe gumbo. Pakufamba kwawo akafamba kumativi awo mana; haana kutsauka pakufamba kwawo. Kana ari makango awo, akanga akakwirira uye achityisa; makango awo mana akanga azere nameso kwose-kwose. Zvino kana zvipenyu zvofamba, makumbo ofambawo parutivi rwazvo, kana zvipenyu zvokwidzwa zvichibva pasi, naiwo makumbo okwidzwawo. Pose-pose kwaida kufamba mweya, ndiko kwazvaifamba, makumbo ndokukwidzwa pamwechete nazvo, nokuti mweya wechipenyu wakanga uri mumakumbo. Kana izvo zvofamba, iwo ofamba; kana izvo zvomira zvichibva pasi, makumbo okwidzwa pamwechete nazvo; nokuti mweya wechipenyu wakanga uri mumakumbo. Kumusoro kwemisoro yezvipenyu kwakanga kune chinhu chakafanana nedenga, rakanga rakaita sekiristaro inotyisa, rakatatamurwa pamusoro pemisoro yazvo. Pasi pedenga mapapiro azvo akanga akarurama, rimwe rakabatana nerimwe; chimwe nechimwe chazvo chakanga china mapapiro maviri aifukidza muviri wacho kurutivi rwowuno, nechimwe nechimwe chaiva namapapiro maviri aifukidza kurutivi rweseri. Zvino kana zvofamba, ndainzwa kuunga kwamapapiro azvo zvichiita sokuunga kwemvura zhinji, sezwi reane simba rose, somubvumo webope wakaita sokutinhira kwehondo; kana zvomira, zvaipeta mapapiro azvo. Kwakanga kunenzwi kumusoro kwedenga raiva pamusoro pemisoro yazvo; kana zvomira, zvaideredza mapapiro azvo. Kumusoro kwedenga rakanga riri pamusoro pemisoro yazvo, kwakanga kune chinhu chakafanana nechigaro chohushe, chaiita sebwe resafiri; pachinhu chakafanana nechigaro chohushe kwakanga kuno mufananidzo womunhu agere pamusoro pacho. Zvino ndakaona zvakaita sedare rinopenya, zvakafanana nomoto mukati mazvo kumativi ose, zvakabva pakaita sechiuno chake zvichikwira kumusoro; zvino kubva ipapo pakaita sechiuno chake zvichienda pasi ndakaona chakaita somoto; iye akanga akakomberedzwa nokubwinya kumativi ose. Sezvakaita murarawungu uri mugore nezuva remvura, ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya pakuonekwa kwahwo kumativi ose. Ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya kwaJehovha. Zvino ndakati ndichizviona, ndikawira pasi nechiso changu, ndikanzwa izwi romumwe akanga achitaura.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 1

Ezekieri 1:4-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndakatarisa, onei hero dutu remhepo richibva kuchamhembe uye negore guru nomoto wainjenjema nechiedza chaipenya kwazvo kuritenderedza. Moto wairamba uchingovavaya, izvozvo mukati memoto makaita sendarira. Zvino mukati macho makabuda zvimwe zvinhu zvina zvakaita sezvisikwa zvipenyu. Chimiro chazvo chakanga chakadai seizvi, zvakanga zvakaita savanhu. Asi chimwe nechimwe chazvo chaiva nezviso zvina uye chimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro mana. Makumbo azvo aiva akati twasu uye tsoka dzamakumbo azvo dzakanga dzakaita samazondo emhuru dzichipenya sendarira yakakwenenzverwa. Pasi pamapapiro azvo, kumativi mana azvo, zvaiva namaoko omunhu. Pahuna hwazvo, uso hwazvo namapapiro azvo zvakanga zvakamira zvakadai sezvizvi: mapapiro azvo akanga akagumana chimwe nechimwe chazvo chaingofamba chakananga pachakananga chichienda chisingatsauki. Uso hwazvo hwaitarisika sezvizvi: chimwe nechimwe pahuna hwazvo, chaiva nouso hwomunhu. Pahuna hwazvo ihwohu zvaiva nouso hweshumba nechokurudyi kwazvo, zviri zvina kudaro zvaiva nouso hwemombe kuruboshwe uye pahuna hwazvo kudaro zviine uso hwegondo. Ndizvo zvakanga zvakaita uso hwazvo. Mapapiro azvo akanga akatambanudzirwa mudenga, chimwe, nechimwe, chezvisikwa izvozvo chaiva namapapiro maviri zvakagumana mapapiro izvozvo namamwe maviri zvakafukidza muviri wazvo. Zvino chimwe nechimwe chaifamba chakananga pachakananga zvichienda kwose kwose kwainge kuchienda mweya, zvaienda zvisingatsauki. Zvinhu izvozvo zvanga zvakaita samazimbe ari kubhebha nomoto, semazhenje omoto, kana kuti semwenje unovheya-vheya pakati pezvinhu zvipenyu zviya. Moto wacho wakanga uchipenya, mheni yaivaima mauri. Zvinhu zvipenyu zviya zvaimhanya-mhanyawo sokupenya kwemheni. Zvino ndakati ndatarisa zvisikwa zvipenyu zviya ndikaona chimwe chezvipenyu izvozvo paine vhiri rimwechete. Mamiriro akanga akaita mavhiri iwaya namagadzirirwo awo ndeaya: Kutarisika kwawo kwakanga kwakaita sokupenya kweibwe rinokosha rebheriri. Ari mana kudaro akanga akafanana. Magadzirirwo awo aiva akaita sevhiri mukati merimwe vhiri. Paainge ofamba, aifamba akananga chero kune rimwe divi ramativi mana awo, achienda zvisingatendeuki. Mavhiri mana iwaya aiva namarhimu nezvipokisi. Marhimu awo akanga akazara namaziso kutenderera. Zvisikwa zvipenyu zviya pazvaifamba mavhiri aifambawo ari pamativi pazvo. Paisumukawo zvinhu zvipenyu izvozvo mudenga zvichibva pasi mavhiri acho aisumukawo mudenga. Kwose zvako kwainge kuchienda mweya izvo zvaiendawo, mavhiri acho aibva angosumukawo pamwechete nazvo nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu izvozvo wakanga uri mumavhiri. Hwaingova hwese, zvichiti kwazvaenda, iwo oendawo, zvikamira iwo omirawo, pazvaisumuka mudenga kubva pasi, iwo mavhiri aisumukawo nazvo nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu izvozvo waiva mumavhiri acho. Pamusoro pezvisikwa zvipenyu izvozvo paiva nechimwe chakaita seziendanakuenda romudenga, chakati ngwe-e kuchena sekirisitaru yakati chinga chinga pamusoro pazvo. Izvozvo pasi pedenga racho mapapiro azvo akanga akatambanudzwa zvakatwasuka akatarisana uye chimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro maviri akafukidza muviri wacho. Zvisikwa zvipenyu izvi zvaiti zvikafamba, ini ndonzwa kubhabhama kwamapapiro azvo soruzha rwemvura zhinji, sokudhiriridza kwaiye Aripagomo, murikitira zvawo wemhomho unenge zhwerendende regurusvusvu rehondo. Zvaiti zvikati mbikiti kumira, mapapiro zvoati pasi regedzerei. Paibva pabva izwi raibva muziendanakuenda romudenga pamusoro pazvo, izvo zvakati mbikiti kumira kudaro, mapapiro zvakati pasi regedzerei saizvozvo. Nechapamusorowo muziendanakuenda pakaonekwa chimwe chainge chigaro choumambo ibwe rinokosha resafaya rakaita sechigaro choushe pakanga pakagarwa nechimwe chinhu chine chimiro chinenge chomunhu. Kubvira mainge muchiuno chake zvichikwira ndakaona chinenge ndarira yainjenjemera somoto wakachitenderedza. Kubvawo mainge muchiuno macho zvichidzika ndakaona chainge moto. Uye kwakanga kwangoti ngwe-e kuchena kumutenderedza. Sezvakangoita muraraungu mumakore pamusi wemvura ndokuonekwa kwaita chiedza kutenderera. Ikoku ndokutarisika kwaiita kupenya kokuvapo kwaTenzi. Zvino ini pandakakuona ndakati pasi zvambarara ndikabva ndanzwa izwi romumwe aitaura.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 1

Ezekieri 1:4-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ndikatarira, ndikaʋona ɗutu remhepo ricibva kurutiʋi rwokumsoro, riri gore guru rinomŋoto wairamba ucipenya, rakakomberedzwa nokubginya, nomukati maro, imo mukati momŋoto, munecinhu caipenya seɗare. Ɀino mukati maɀo mukaɓuɗa ɀakaŋga ɀakaita seɀipenyu ɀinna. Ɀakaŋga ɀakaɗai: Ɀakaŋga ɀakafanana nomunhu; cimŋe necimŋe caiʋa neɀiso ɀinna, necimŋe necimŋe caɀo caiʋa namapapiro manna. Makumbo aɀo akaŋga akarurama, pasi petsoka dzaɀo pakaŋga pakaita sapasi petsoka dzemhuru; dzaipenya sendarira yakabginyiswa. Ɀakaŋga ɀinamaʋoko omunhu pasi pamapapiro aɀo kumatiʋi aɀo manna; ɀose ɀiri ɀinna ɀakaŋga ɀakaɗai paɀiso ɀaɀo namapapiro aɀo: Mapapiro aɀo akaŋga akaɓatana; haɀina‐kutsauka pakufamba kwaɀo, asi cimŋe necimŋe cairuramira mberi pakufamba kwaco. Kana ɀiri ɀiso ɀaɀo pakuʋonekwa kwaɀo, ɀaiʋa neciso comunhu; ɀose ɀiri ɀinna ɀaiʋa neciso ceshumba kurutiʋi rworudyi; ɀose ɀiri ɀinna ɀaiʋa neciso cenzombe kurutiʋi rworuɓoshwe; ɀose ɀiri ɀinna ɀaiʋa neciso cegondo ʋo. Ɀiso ɀaɀo namapapiro aɀo ɀakaŋga ɀakaparadzana kumsoro; mapapiro maʋiri ecimŋe necimŋe akaŋga akaɓatana, asi maʋiri akaŋga akafukidza muʋiri waɀo. Cimŋe necimŋe cairuramira mberi pakufamba kwaco; kwaiɗa kufamba mŋeya, ndiko kwaɀaifamba; haɀina‐kutsauka pakufamba kwaɀo. Kana ɀiri ɀipenyu pakuʋonekwa kwaɀo, ɀakaŋga ɀakafanana namazimbe omŋoto anopfuta, ɀakafanana namazhenje; mŋoto wairamba ucifamba pakati peɀipenyu; mŋoto waipenya, nomukati momŋoto maiɓuɗa mheni. Ɀipenyu ɀaimhanya ɀicidzoka, ɀakafanana nokupenya kwemheni. Ɀino ndakati ndicitarira ɀipenyu iɀo, ndikaʋona gumbo rimŋe reŋgoro riri pasi kurutiʋi rweɀipenyu iɀo, kurutiʋi rumŋe norumŋe rweɀiso ɀaco. Makumbo awo pakuʋonekwa kwawo nomuitirwe wawo ɀakaŋga ɀakafanana neberiri; ose ari manna akaŋga akafanana; pakuʋonekwa kwawo napamuitirwe wawo ɀakaŋga ɀakaita segumbo rimŋe mukati merimŋe gumbo. Pakufamba kwawo akafamba kumatiʋi awo manna; haana‐kutsauka pakufamba kwawo. Kana ari makaŋgo awo, akaŋga akakwirira ʋuye akatyisa; makaŋgo awo iwo manna akaŋga azere nameso kwose‐kwose. Ɀino kana ɀipenyu ɀofamba, makumbo ofamba ʋo parutiʋi rwaɀo, kana ɀipenyu ɀokwidzwa ɀicibva pasi, naiwo makumbo okwidzwa ʋo. Pose‐pose kwaiɗa kufamba mŋeya, ndiko kwaɀaifamba, iko kwaiɗa kufamba mŋeya; makumbo ndokukwidzwa pamŋe cete naɀo, nokuti mŋeya wecipenyu wakaŋga uri mumakumbo. Kana iɀo ɀofamba, iwo ofamba; kana iɀo ɀomira, iwo omira, kana iɀo ɀokwidzwa ɀicibva pasi, makumbo okwidzwa pamŋe cete naɀo; nokuti mŋeya wecipenyu wakaŋga uri mumakumbo. Kumsoro kwemisoro yeɀipenyu kwakaŋga kunecinhu cakafanana neɗeŋga, rakaŋga rakaita sekristaro inotyisa, rakatatamurwa pamsoro pemisoro yaɀo. Pasi peɗeŋga mapapiro aɀo akaŋga akarurama, rimŋe rakaɓatana nerimŋe; cimŋe necimŋe caɀo cakaŋga cinamaʋiri aifukidza muʋiri waco kurutiʋi rwoʋuno, necimŋe necimŋe caiʋa namaʋiri aifukidza kurutiʋi rweseri. Ɀino kana ɀofamba, ndainzwa kuwuŋga kwamapapiro aɀo ɀiciita sokuwuŋga kwemvura zhinji, senzwi roUnesimba rose, somubvumo weɓope wakaita sokutinhira kwehondo; kana ɀomira, ɀaiɗeredza mapapiro aɀo. Kwakaŋga kunenzwi kumsoro kweɗeŋga raiʋa pamsoro pemisoro yaɀo; kana ɀomira, ɀaiɗeredza mapapiro aɀo. Kumsoro kweɗeŋga rakaŋga riri pamsoro pemisoro yaɀo, kwakaŋga kunecinhu cakafanana necigaro coʋushe, cakaita sebge resafiri; pacinhu cakafanana necigaro coʋushe kwakaŋga kunomufananidzo womunhu ugere pamsoro paco. Ɀino ndakaʋona ɀakaita seɗare rinopenya, ɀakafanana nomŋoto mukati maɀo kumatiʋi ose, ɀakabva pakaita seciʋuno cake ɀicikwira kumsoro; ɀino kubva ipapo pakaita seciʋuno cake ɀicienda pasi ndakaʋona cakaita somŋoto; iye wakaŋga akakomberedzwa nokubginya kumatiʋi ose. Seɀakaita muraraʋuŋgu uri mugore nezuʋa remvura, ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita kubginya pakuʋonekwa kwabgo kumatiʋi ose. Ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita kubginya kwaJehova. Ɀino ndakati ndiciɀiʋona, ndikawira pasi neciso caŋgu, ndikanzwa inzwi romumŋe wakaŋga acitaura.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 1

Ezekieri 1:4-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)