Ekisodho 4:10-15
Ekisodho 4:10-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mosesi akati kuna Tenzi, “Tenzi wangu, ini handigoni kunyatsotaura. Hazvisi zvanhasi chete, ndakangobvira kare ndakadai, kanawo pamanga muchitaura neni ndizvo ndizvo. Ini ndinondandama nokutaura ndichikakama.” Tenzi akati kwaari, “Ko ndianiko akasika muromo womunhu? Ko ndiani anoita kuti munhu ave mbeveve kana matsi? Ndiani anopa munhu maziso, kana kumupofomadza? Handiti ndini iyeni Tenzi here? Saka zvino chienda. Ini ndichakubatsira pakutaura kwako. Ndichakurayiridza zvokutaura.” Asi Mosesi akati, “Ndapota zvangu Tenzi wangu, tumai zvenyu mumwe munhu!” Ipapo Tenzi akashatirirwa Mosesi akati, “Inga mukoma wako Aroni, muRevhi, ariko wani! Ndinoziva kuti iye anogona kutaura zvakanaka. Chiteerera unzwe, izvozvi ari kutouya kuzokuchingura, paachakuona achafara zvikuru. Iwe unofanira kumuudza zvokundotaura. Paunenge uchitaura iwe, napaanenge achitaurawo iye, ndichakubatsirai ndichikurayiridzai zvokuita.
Ekisodho 4:10-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mozisi akati kuna Jehovha, “Haiwa Jehovha, handina kumbogona kutaura, kunyange nakare, kana kubva pamataura nomuranda wenyu. Ndinokakama pakutaura uye rurimi rwangu runononoka.” Jehovha akati kwaari, “Ndianiko akapa munhu muromo? Ndianiko anomuita matsi kana mbeveve? Ndiani anomusvinudza kana kumuita bofu? Handisini here, Jehovha? Zvino chienda, ini ndichakubatsira kutaura uye ndichakudzidzisa zvokutaura.” Asi Mozisi akati, “Haiwa Jehovha, ndapota hangu, tumai henyu mumwe kuti aite izvozvo.” Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro paMozisi uye akati, “Ko, mukoma wako, Aroni muRevhi? Ndinoziva kuti anogona kutaura zvakanaka. Ari munzira kuzokuchingamidza izvozvi, uye mwoyo wake uchafara paachakuona. Uchataura naye ugoisa mashoko mumuromo make; ndichakubatsirai mose uye ndichakudzidzisai zvokuita.
Ekisodho 4:10-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi akati kuna Jehovha, “Haiwa, Jehovha, handizi munhu anogona kutaura zvakanaka, kunyange zuro, kana zuro riya, kana kubva panguva yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu anomuromo usingagoni norurimi rusingagoni.” Jehovha akati kwaari, “Ndianiko akaita muromo womunhu, ndianiko anoita mbeveve kana matsi, kana anoona, kana bofu? Ko handizi Jehovha here? Naizvozvo zvino chienda, ini ndichava muromo wako, ndikudzidzise zvaunofanira kutaura.” Iye akati, “Haiwa, Ishe, tumai henyu wamunoda kutuma naye.” Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Mosesi, akati, “Ko Aroni, mukoma wako, muRevhi, haapo here? Ndinoziva kuti iye anogona kutaura kwazvo. Zvino tarira, wotobuda kusangana newe; kana achikuona achafara mumwoyo make. Utaure naye, ugoisa mashoko mumuromo make; ini ndichava nomuromo wako, uye nomuromo wake, ndikudzidzisei zvamunofanira kuita.
Ekisodho 4:10-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akati kuna Tenzi, “Tenzi wangu, ini handigoni kunyatsotaura. Hazvisi zvanhasi chete, ndakangobvira kare ndakadai, kanawo pamanga muchitaura neni ndizvo ndizvo. Ini ndinondandama nokutaura ndichikakama.” Tenzi akati kwaari, “Ko ndianiko akasika muromo womunhu? Ko ndiani anoita kuti munhu ave mbeveve kana matsi? Ndiani anopa munhu maziso, kana kumupofomadza? Handiti ndini iyeni Tenzi here? Saka zvino chienda. Ini ndichakubatsira pakutaura kwako. Ndichakurayiridza zvokutaura.” Asi Mosesi akati, “Ndapota zvangu Tenzi wangu, tumai zvenyu mumwe munhu!” Ipapo Tenzi akashatirirwa Mosesi akati, “Inga mukoma wako Aroni, muRevhi, ariko wani! Ndinoziva kuti iye anogona kutaura zvakanaka. Chiteerera unzwe, izvozvi ari kutouya kuzokuchingura, paachakuona achafara zvikuru. Iwe unofanira kumuudza zvokundotaura. Paunenge uchitaura iwe, napaanenge achitaurawo iye, ndichakubatsirai ndichikurayiridzai zvokuita.
Ekisodho 4:10-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi akati kunaJehova: Haiwa, Jehova, handizi munhu unogona kutaura ɀakanaka, kunyaŋge zuro, kana zuroriya, kana kubva paŋguʋa yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu unomuromo usiŋgagoni norurimi rusiŋgagoni. Jehova akati kwaari: Ndianiko wakaita muromo womunhu, ndianiko unoita mbeʋeʋe kana matsi, kana unoʋona, kana ɓofu? Ko handizini Jehova here? Naiɀoɀo ɀino cienda, ini ndicaʋa muromo wako, ndikudzidzise ɀaunofanira kutaura. Iye akati: Haiwa, Ishe, tumai henyu wamunoɗa kutuma naye. Ɀino kutsamŋa kwaJehova kwakamukira Mosesi, akati: Ko Aroni, mukoma wako, muRevi, haazi’po here? Ndinoziʋa kuti iye unogona kutaura kwaɀo. Ɀino tarira, wotoɓuɗa kusoŋgana newe; kana acikuʋona ucafara mumŋoyo make. Utaure naye, ugoisa mashoko mumuromo make; ini ndicaʋa nomuromo wako, ʋuye nomuromo wake, ndikudzidzisei ɀamunofanira kuita.