Ekisodho 4:1-4
Ekisodho 4:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mosesi akapindura achiti, “Ko, kana vaIsiraeri vakaramba kubvuma zvandichareva vasinganditeereri vachiti, ‘Inhema, Tenzi haana kuzviratidza kwauri, panozoitwa sei?’ ” Tenzi akamuti, “Ko chii chaunacho muruoko icho?” Akati, “Itsvimbo.” Mwari ndokuti, “Ikande pasi.” Akaikanda pasi ikasanduka ikava nyoka Mosesi ndokubva ava kuitiza. Tenzi akati kuna Mosesi, “Tambanudza ruoko rwako uibate nokumuswe kwayo.” Mosesi akaibata ikava tsvimbo zvakare.
Ekisodho 4:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mozisi akapindura akati, “Ko, kana vakasanditenda kana kunditeerera uye vakati, ‘Jehovha haana kuzviratidza kwauri’?” Ipapo Jehovha akati kwaari, “Chiiko icho chiri muruoko rwako?” Akapindura akati, “Itsvimbo.” Jehovha akati, “Ikande pasi.” Mozisi akaikanda pasi ikava nyoka, uye akaitiza. Ipapo Jehovha akati kwaari, “Tambanudza ruoko ugoibata nokumuswe.” Saka Mozisi akatambanudza ruoko ndokubata nyoka uye ikadzokera pakare pakuva tsvimbo muruoko rwake.
Ekisodho 4:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi akapindura akati, “Asi tarirai, havanganditendi, kana kuteerera izwi rangu, nokuti vachati, ‘Jehovha haana kuzviratidza kwauri.’ ” Jehovha akati kwaari, “Chiiko icho chiri muruoko rwako?” Akati, “Itsvimbo.” Akati, “Ikandire pasi.” Akaikandira pasi, ikashanduka kuvanyoka, Mosesi akaitiza. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudza ruoko rwako, uibate parumhinda; (iye akatambanudza ruoko rwake, akaibata, ikashanduka kuvatsvimbo muruoko rwake)
Ekisodho 4:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akapindura achiti, “Ko, kana vaIsiraeri vakaramba kubvuma zvandichareva vasinganditeereri vachiti, ‘Inhema, Tenzi haana kuzviratidza kwauri, panozoitwa sei?’ ” Tenzi akamuti, “Ko chii chaunacho muruoko icho?” Akati, “Itsvimbo.” Mwari ndokuti, “Ikande pasi.” Akaikanda pasi ikasanduka ikava nyoka Mosesi ndokubva ava kuitiza. Tenzi akati kuna Mosesi, “Tambanudza ruoko rwako uibate nokumuswe kwayo.” Mosesi akaibata ikava tsvimbo zvakare.
Ekisodho 4:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi akapindura, akati: Asi tarirai, haʋaŋganditendi, kana kuterera inzwi raŋgu, nokuti ʋacati: Jehova haana‐kuɀiratidza kwauri. Jehova akati kwaari: Cinyiko ico ciri muruʋoko rwako? Akati: Itȿimbo. Akati: Ikandire pasi. Akaikandira pasi, ikashanduka nyoka, Mosesi akaitiza. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudza ruʋoko rwako, uiɓate parumhinda; (iye akatambanudza ruʋoko rwake, akaiɓata, ikashanduka tȿimbo muruʋoko rwake)