Ekisodho 34:5-9
Ekisodho 34:5-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akaburuka kwaari ari mugore akamira naye ipapo uye akazivisa zita rake, Jehovha. Uye akapfuura napamberi paMozisi, achizivisa achiti, “Jehovha, Jehovha, Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo uye akatendeka, anoitira rudo kuzviuru zvamazana, uye achikanganwira zvakaipa, kumukira nechivi. Asi haaregi ane mhosva asingarangwi; anoranga vana navana vavo nokuda kwechivi chamadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina.” Mozisi akakotamira pasi akanamata. Akati, “Haiwa Jehovha, kana ndawana nyasha pamberi penyu, ipapo Jehovha ngaaende nesu. Kunyange vanhu ava vane mitsipa mikukutu, regererai henyu kuipa kwedu nechivi chedu, uye mutitore senhaka yenyu.”
Ekisodho 34:5-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha akaburuka ari mugomo, akamirapo naye, akadana zita raJehovha. Jehovha akapfuura pamberi pake, akadanidzira, achiti, “Jehovha, Jehovha, Mwari azere nyasha nengoni, anononoka kutsamwa, ane tsitsi huru nezvokwadi, anochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, anovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi asingapembedzi munhu ane mhosva, anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, navana vavana vavo kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.” Ipapo Mosesi akakurumidza kukotamisa musoro wake pasi, akapfugama. Akati, “Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ngaafambe pakati pedu, nokuti vanhu ava vane mitsipa mikukutu; tikanganwirei henyu zvakaipa zvedu nezvivi zvedu, mutigamuchirei, tive nhaka yenyu.”
Ekisodho 34:5-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akaburuka ari mugore ndokusvikomira naye. Pakarepo Tenzi akadoma zita rake rokuti, “Yahweh.” Tenzi akazopfuura napaiva naMosesi akadetemba zita rake achiti: “Yahweh, Yahweh Mwari ane tsitsi, ane mwoyo wakanaka, ane mwoyo murefu, azere nomwoyochena wakawanda wakavimbika, azere kutendeseka. Anoitira zviuru nezviuru zvavanhu mwoyochena anoregerera zvitadzo, achiregererawo kukanganisa nouipi, asi haamborega zvake munhu anokodzera kurangwa asina kurangwa. Anoranga vana navana vavo, achivarangira zvakaipa zvamadzibaba avo, achitevedza zvizvarwa zvavo, kunyange kusvikira kune chechitatu nechechina.” Ipapo Mosesi akakurumidza kugwadama pasi akanamata. Akati, “Tenzi kana muchifadzwa neni, ndinokumbira kuti imi Tenzi tiende muri pakati pedu kunyange zvazvo vari tsvuuramuromo dzavanhu, tiregerereiwo zvitadzo zvedu, nouipi hwedu mutigamuchire senhaka yenyu.”
Ekisodho 34:5-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova akaɓuruka ari mugomo, akamira’po naye, akaɗana zita raJehova. Jehova akapfuʋura pamberi pake, akaɗanidzira, aciti: Jehova, Jehova, Mŋari uzere nyasha neŋgoni, unononoka kutsamŋa, unetsitsi huru neɀokwaɗi. unoceŋgetera ʋaneɀuru ɀamazana nyasha dzake, unoʋakaŋganwira ɀakaipa ɀaʋo nokuɗarika kwaʋo neɀiʋi ɀaʋo, asi usiŋgapembedzi munhu unemhoȿa, unoroʋa ʋana nokuɗa kweɀakaipa ɀamadziɓaɓa aʋo, naʋana ʋaʋana ʋaʋo kuȿikira kurudzi rwecitatu norwecinna. Ipapo Mosesi akakurumidza kukotamisa musoro wake pasi, akafugama. Akati: Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ŋgaafambe pakati peɗu, nokuti ʋanhu aʋa ʋanemitsipa mikukutu; tikaŋganwirei henyu ɀakaipa ɀeɗu neɀiʋi ɀeɗu, mutigamucirei, tiʋe nhaka yenyu.
Ekisodho 34:5-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)