Ekisodho 34:1-5
Ekisodho 34:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Veza matombo maviri amahwendefa akaita seokutanga, uye ndichanyora paari mashoko akanga ari pamahwendefa okutanga, awakaputsa. Ugadzirire mangwanani, uye ipapo ugouya pamusoro peGomo reSinai. Uzviise kwandiri iwe ipapo pamusoro pegomo. Hapana munhu anofanira kuuya newe kana kuonekwa papi zvapo pamusoro peGomo; kunyange makwai kana mombe zvinopfuura pamberi pegomo.” Saka Mozisi akaveza mahwendefa maviri amabwe akaita seokutanga uye akakwira pamusoro pegomo reSinai mangwanani-ngwanani, sezvaakanga arayirwa naJehovha; uye akatakura mahwendefa maviri amabwe mumaoko ake. Ipapo Jehovha akaburuka kwaari ari mugore akamira naye ipapo uye akazivisa zita rake, Jehovha.
Ekisodho 34:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Zvivezere mahwendefa maviri amabwe akafanana nookutanga, kuti ndinyore pamahwendefa mashoko aya akanga ari pamahwendefa okutanga awaputsa. Gara wazvigadzira mangwanani, ukwire mugomo reSinai mangwanani, umire pamberi pangu pamusoro pegomo. Asi mumwe munhu ngaarege kukwira newe, uye ngakurege kuonekwa munhu pagomo rose, namakwai nemombe ngazvirege kufura pamberi pegomo iri.” Ipapo Mosesi akaveza mahwendefa maviri akafanana nookutanga, akamuka mangwanani, akakwira mugomo reSinai, sezvaakanga arairwa naJehovha, akabata mahwendefa maviri muruoko rwake. Jehovha akaburuka ari mugomo, akamirapo naye, akadana zita raJehovha.
Ekisodho 34:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Veza mafendefa maviri akafanana nookutanga aye, ndinyore paari mazwi akanga ari pamafendefa okutanga aye awakaputsa. Gadzirira mangwanani, ukwire mangwanani iwayo mugomo reSinai, uuye pandiri pamusoro pegomo ipapo. Usakwiremo nomumwe. Hapana munhu anofanira kuonekwa ari mugomo imomo mose. Musarege mombe kana zvimwe zvipfuwo zvichifura mujinga megomo iroro.” Zvino Mosesi akaveza mafendefa maviri akafanana nookutanga aye. Akafumomuka akakwira mugomo reSinai sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi, akatakurawo mafendefa maviri aye mumaoko. Tenzi akaburuka ari mugore ndokusvikomira naye. Pakarepo Tenzi akadoma zita rake rokuti, “Yahweh.”
Ekisodho 34:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ɀiʋezere mahwendefa maʋiri amabge akafanana nookutaŋga, kuti ndinyore pamabwendefa mashoko aya akaŋga ari pamahwendefa okutaŋga awaputsa. Gara waɀigadzira maŋgwanani, ukwire mugomo reSinai maŋgwanani, umire pamberi paŋgu pamsoro pegomo. Asi mumŋe munhu ŋgaarege kukwira newe, ʋuye ŋgakurege kuʋonekwa munhu pagomo rose, namakwai neŋombe ŋgaɀirege kufura pamberi pegomo iri. Ipapo Mosesi akaʋeza mahwendefa maʋiri akafanana nookutaŋga, akamuka maŋgwanani, akakwira mugomo reSinai, seɀaakaŋga arairwa naJehova, akaɓata mahwendefa maʋiri muruʋoko rwake. Jehova akaɓuruka ari mugomo, akamira’po naye, akaɗana zita raJehova.
Ekisodho 34:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)