Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 34:1-10

Ekisodho 34:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jehovha akati kuna Mozisi, “Veza matombo maviri amahwendefa akaita seokutanga, uye ndichanyora paari mashoko akanga ari pamahwendefa okutanga, awakaputsa. Ugadzirire mangwanani, uye ipapo ugouya pamusoro peGomo reSinai. Uzviise kwandiri iwe ipapo pamusoro pegomo. Hapana munhu anofanira kuuya newe kana kuonekwa papi zvapo pamusoro peGomo; kunyange makwai kana mombe zvinopfuura pamberi pegomo.” Saka Mozisi akaveza mahwendefa maviri amabwe akaita seokutanga uye akakwira pamusoro pegomo reSinai mangwanani-ngwanani, sezvaakanga arayirwa naJehovha; uye akatakura mahwendefa maviri amabwe mumaoko ake. Ipapo Jehovha akaburuka kwaari ari mugore akamira naye ipapo uye akazivisa zita rake, Jehovha. Uye akapfuura napamberi paMozisi, achizivisa achiti, “Jehovha, Jehovha, Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo uye akatendeka, anoitira rudo kuzviuru zvamazana, uye achikanganwira zvakaipa, kumukira nechivi. Asi haaregi ane mhosva asingarangwi; anoranga vana navana vavo nokuda kwechivi chamadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina.” Mozisi akakotamira pasi akanamata. Akati, “Haiwa Jehovha, kana ndawana nyasha pamberi penyu, ipapo Jehovha ngaaende nesu. Kunyange vanhu ava vane mitsipa mikukutu, regererai henyu kuipa kwedu nechivi chedu, uye mutitore senhaka yenyu.” Ipapo akati, “Ndava kuita sungano newe. Ndichaita zvishamiso pamberi pavanhu vako zvisina kumboitwa kare mundudzi dzipi zvadzo munyika yose. Vanhu vaunogara pakati pavo vachaona kuti basa randichakuitira ini, Jehovha rinotyisa sei.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 34

Ekisodho 34:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Zvivezere mahwendefa maviri amabwe akafanana nookutanga, kuti ndinyore pamahwendefa mashoko aya akanga ari pamahwendefa okutanga awaputsa. Gara wazvigadzira mangwanani, ukwire mugomo reSinai mangwanani, umire pamberi pangu pamusoro pegomo. Asi mumwe munhu ngaarege kukwira newe, uye ngakurege kuonekwa munhu pagomo rose, namakwai nemombe ngazvirege kufura pamberi pegomo iri.” Ipapo Mosesi akaveza mahwendefa maviri akafanana nookutanga, akamuka mangwanani, akakwira mugomo reSinai, sezvaakanga arairwa naJehovha, akabata mahwendefa maviri muruoko rwake. Jehovha akaburuka ari mugomo, akamirapo naye, akadana zita raJehovha. Jehovha akapfuura pamberi pake, akadanidzira, achiti, “Jehovha, Jehovha, Mwari azere nyasha nengoni, anononoka kutsamwa, ane tsitsi huru nezvokwadi, anochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, anovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi asingapembedzi munhu ane mhosva, anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, navana vavana vavo kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.” Ipapo Mosesi akakurumidza kukotamisa musoro wake pasi, akapfugama. Akati, “Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ngaafambe pakati pedu, nokuti vanhu ava vane mitsipa mikukutu; tikanganwirei henyu zvakaipa zvedu nezvivi zvedu, mutigamuchirei, tive nhaka yenyu.” Jehovha akati, “Tarira, ndinoita sungano newe; ndichaita pamberi pavanhu vako zvinoshamisa, zvisina kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti vanhu vose vauri pakati pavo vaone basa raJehovha, nokuti ndinoita chinhu chinotyisa newe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 34

Ekisodho 34:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Veza mafendefa maviri akafanana nookutanga aye, ndinyore paari mazwi akanga ari pamafendefa okutanga aye awakaputsa. Gadzirira mangwanani, ukwire mangwanani iwayo mugomo reSinai, uuye pandiri pamusoro pegomo ipapo. Usakwiremo nomumwe. Hapana munhu anofanira kuonekwa ari mugomo imomo mose. Musarege mombe kana zvimwe zvipfuwo zvichifura mujinga megomo iroro.” Zvino Mosesi akaveza mafendefa maviri akafanana nookutanga aye. Akafumomuka akakwira mugomo reSinai sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi, akatakurawo mafendefa maviri aye mumaoko. Tenzi akaburuka ari mugore ndokusvikomira naye. Pakarepo Tenzi akadoma zita rake rokuti, “Yahweh.” Tenzi akazopfuura napaiva naMosesi akadetemba zita rake achiti: “Yahweh, Yahweh Mwari ane tsitsi, ane mwoyo wakanaka, ane mwoyo murefu, azere nomwoyochena wakawanda wakavimbika, azere kutendeseka. Anoitira zviuru nezviuru zvavanhu mwoyochena anoregerera zvitadzo, achiregererawo kukanganisa nouipi, asi haamborega zvake munhu anokodzera kurangwa asina kurangwa. Anoranga vana navana vavo, achivarangira zvakaipa zvamadzibaba avo, achitevedza zvizvarwa zvavo, kunyange kusvikira kune chechitatu nechechina.” Ipapo Mosesi akakurumidza kugwadama pasi akanamata. Akati, “Tenzi kana muchifadzwa neni, ndinokumbira kuti imi Tenzi tiende muri pakati pedu kunyange zvazvo vari tsvuuramuromo dzavanhu, tiregerereiwo zvitadzo zvedu, nouipi hwedu mutigamuchire senhaka yenyu.” Mwari akati, “Chinzwa ndava kuita chitenderano nemi. Ndichaita zvishamiso vanhu vako vachiona, zvishamiso zvisina kumboitwa pasi pose kunyange pakati pendudzi dzipi nedzipi zvadzo. Vanhu vose vamuchange mugere pakati pavo vachaona basa rangu ini Tenzi nokuti zvandichaita newe zvinhu zvinotyisa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 34

Ekisodho 34:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ɀiʋezere mahwendefa maʋiri amabge akafanana nookutaŋga, kuti ndinyore pamabwendefa mashoko aya akaŋga ari pamahwendefa okutaŋga awaputsa. Gara waɀigadzira maŋgwanani, ukwire mugomo reSinai maŋgwanani, umire pamberi paŋgu pamsoro pegomo. Asi mumŋe munhu ŋgaarege kukwira newe, ʋuye ŋgakurege kuʋonekwa munhu pagomo rose, namakwai neŋombe ŋgaɀirege kufura pamberi pegomo iri. Ipapo Mosesi akaʋeza mahwendefa maʋiri akafanana nookutaŋga, akamuka maŋgwanani, akakwira mugomo reSinai, seɀaakaŋga arairwa naJehova, akaɓata mahwendefa maʋiri muruʋoko rwake. Jehova akaɓuruka ari mugomo, akamira’po naye, akaɗana zita raJehova. Jehova akapfuʋura pamberi pake, akaɗanidzira, aciti: Jehova, Jehova, Mŋari uzere nyasha neŋgoni, unononoka kutsamŋa, unetsitsi huru neɀokwaɗi. unoceŋgetera ʋaneɀuru ɀamazana nyasha dzake, unoʋakaŋganwira ɀakaipa ɀaʋo nokuɗarika kwaʋo neɀiʋi ɀaʋo, asi usiŋgapembedzi munhu unemhoȿa, unoroʋa ʋana nokuɗa kweɀakaipa ɀamadziɓaɓa aʋo, naʋana ʋaʋana ʋaʋo kuȿikira kurudzi rwecitatu norwecinna. Ipapo Mosesi akakurumidza kukotamisa musoro wake pasi, akafugama. Akati: Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ŋgaafambe pakati peɗu, nokuti ʋanhu aʋa ʋanemitsipa mikukutu; tikaŋganwirei henyu ɀakaipa ɀeɗu neɀiʋi ɀeɗu, mutigamucirei, tiʋe nhaka yenyu. Jehoʋa akati: Tarira, ndinoita suŋgano newe; ndicaita pamberi paʋanhu ʋako ɀinoshamisa, ɀisina‐kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti ʋanhu ʋose ʋauri pakati paʋo ʋaʋone ɓasa raJehova, nokuti ndinoita cinhu cinotyisa newe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 34

Ekisodho 34:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)