Ekisodho 23:1-13
Ekisodho 23:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Usaparadzira mashoko enhema. Usabatsira munhu akaipa nokuva chapupu chakaipa. “Usatevedzera vanhu vazhinji pakuita zvakaipa. Paunopa umboo mudare redzimhosva, usaminamisa kururamisira uchienda kurutivi rworuzhinji, uye usatsaura munhu murombo uchienda kudivi rake pamhaka yake. “Kana ukaona nzombe yomuvengi wako kana mbongoro yake yarasika, ona kuti waidzosera kwaari. Kana ukaona mbongoro yomunhu anokuvenga yawira pasi nokuda kwokuremerwa, usaisiya ipapo; iva nechokwadi kuti wamubatsira pairi. “Usaramba kururamisira varombo vavanhu vokwako pamatare edzimhosva. Usava nechokuita nokupomerwa kwemhosva yenhema uye usatongera rufu munhu asina mhosva, kana munhu akatendeka, nokuti ini handizopembedzi munhu ane mhosva. “Usagamuchira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza vaya vanoona uye inomonyorora mashoko owakarurama. “Musadzvinyirira mutorwa; imi pachenyu munoziva kuti zvakaita sei kuva mutorwa, nokuti makanga muri vatorwa muIjipiti. “Makore matanhatu munofanira kudyara minda yenyu mugokohwa zvirimwa, asi pagore rechinomwe nyika ngairege kurimwa kana kushandiswa. Ipapo varombo vari pakati pavanhu venyu vangawanawo zvokudya kubva mairi, uye zvikara zvesango zvigodya zvavanenge vasiya. Muitewo zvimwe chetezvo kuminda yenyu yemizambiringa neyemiorivhi. “Muite basa renyu mazuva matanhatu, asi pazuva rechinomwe musashanda, kuitira kuti nzombe yako nembongoro yako zvizorore uye nhapwa yakaberekerwa mumba mako, nomutorwa, vazororewo. “Muchenjerere kuti muite zvose zvandakareva kwamuri. Musareva mazita avamwe vamwari; ngaarege kunzwikwa pamiromo yenyu.
Ekisodho 23:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Usapupurira mumwe nhema; usabatsirana nowakaipa pakuita chapupu chisakarurama. Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa; usapupura pamhosva pamwechete navazhinji kuti irege kururamiswa; usatsaura murombo uchimuitira tsitsi pamhaka yake. Kana ukasangana nenzombe kana mbongoro yakarasika yomuvengi wako, zvirokwazvo unofanira kuidzosera kwaari. Kana ukaona mbongoro yomuvengi wako yawira pasi nomutoro wayo, usaramba kumubatsira, zvirokwazvo umubatsire kuisunungura. Usatsautsa zvakarurama zvomurombo pamhaka yake. Unzvenge shoko renhema; usauraya munhu asina mhosva uye akarurama, nokuti handingaruramisiri akaipa. Usagamuchira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza vanoona, nokukanganisa mashoko avakarurama. Usatambudza mutorwa, nokuti munoziva mwoyo womutorwa, zvamakanga muri vatorwa munyika yeIjipiti. Dyara munda wako makore matanhatu, uchikohwa zvibereko zvawo. Asi negore rechinomwe unofanira kuuzorodza nokurega kuurima, kuti varombo vavanhu vako vadye, nemhuka dzesango dzidye zvavasiya. Saizvozvo uitewo nomunda wako wemizambiringa nomunda wako wemiorivhi. Ubate mabasa ako namazuva matanhatu, ugozorora nezuva rechinomwe; kuti nzombe yako nembongoro yako zvizorore, nomwanakomana womurandakadzi wako nomutorwa vambofema havo. Zvinhu zvose zvandakakuudzai muzviteerere; musareva zita ravamwe vamwari, ngarirege kunzwika pamiromo yenyu.
Ekisodho 23:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Usafambise makuhwa. Usarangane nomunhu ane mhosva kuti uzomupupurira zvenhema. Usaite chinhu chakaipa pamusana pokuti chiri kuitwa navanhu vazhinji, kana kungotevera ruzhinji mukupupurira zvisiri zvechokwadi padare. Tonga mhosva yomurombo nomazvo usingamupembedzi nokuda kwokuti murombo. “Kana ukaona mombe kana kuti dhongi romuvengi wako rarasika unofanira kuridzorera kwaari. Kana ukaona dhongi romuvengi wako rawira pasi rakatsitsirirwa nomutoro waro, mubatsire kurimutsa, usangosiya zvakadaro. “Usaminamise mhosva yomurombo padare uchirega kuitonga nomazvo. Siyana nokupomera vanhu mhosva dzavasina, urege kuti munhu asina mhosva, mururami aurayiwe. Ndinodaro nokuti muipi handingati haana mhosva. Usagamuchire pfumbamuromo nokuti pfumbamuromo inopofomadza vari pazvigaro zvoukuru, ichitadzisawo mururami kutaura chokwadi. “Usabate mutorwa zvakaipa. Imi munoziva wani upenyu hwomutorwa nokuti imi maivawo vatorwa kunyika yeIjipiti. “Rima zvako munda wako kwamakore matanhatu, uchikohwa mbesa dzawo. Asi pagore rechinomwe, rega usaruke usina kuurima uchiuzorodza kuitira kuti varombo vokwenyu vadye zvavo mahoko acho. Uye mhuka dzesango dzidyewo zvaunosiya. Itai zvimwechetezvo neminda yenyu yemigirepisi neyemiorivhi. “Kwamazuva matanhatu ita zvako basa rako rose, asi pazuva rechinomwe zorora kuitira kuti mombe namadhongi ako azorore, vana vavaranda vako navatorwa vambofurwawo nemhepo. Chenjererai kuita zvose zvandakuudzai, musambodoma zvenyu vamwe vamwari nezita, kunyange zvako kuvati muromo bufu.
Ekisodho 23:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Usaita makuhwa; usaɓatsirana nowakaipa pakuita capupu cisakarurama. Usateʋera ʋazhinji pakuita ɀakaipa; usapupura pamhoȿa pamŋe cete naʋazhinji kuti irege kururamiswa; usatsaura murombo ucimuitira tsitsi pamhaka yake. Kana ukasoŋgana nenzombe kana mboŋgoro yakarashika yomuʋeŋgi wako, ɀirokwaɀo unofanira kuidzosera kwaari. Kana ukaʋona mboŋgoro yomuʋeŋgi wako yawira pasi nomutoro wayo, usaramba kumuɓatsira, ɀirokwaɀo umuɓatsire kuisunuŋgura. Usatsausa ɀakarurama ɀomurombo pamhaka yake. Unɀeŋge shoko renhema; usaʋuraya munhu usinemhoȿa ʋuye wakarurama, nokuti handiŋgaruramisiri wakaipa. Usagamucira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza ʋanoʋona, nokukaŋganisa mashoko aʋakarurama. Usatambudza mutorwa, nokuti munoziʋa mŋoyo womutorwa, ɀamakaŋga muri ʋatorwa munyika yeEgipita. Dɀara munda wako makore matanhatu, ucikohwa ɀiɓereko ɀawo. Asi negore recinomŋe unofanira kuuzorodza nokurega kuurima, kuti ʋarombo ʋaʋanhu ʋako ʋadye, nemhuka dzesaŋgo dzidye ɀaʋasiya. Saiɀoɀo uite ʋo nomunda wako wemizambiriŋga nomunda wako wemiorivi. Uɓate maɓasa ako namazuʋa matanhatu, ugozorora nezuʋa recinomŋe; kuti nzombe yako nemboŋgoro yako ɀizorore, nomŋanakomana womurandakadzi wako nomutorwa ʋambofema haʋo. Ɀinhu ɀose ɀandakakuʋudzai muɀiterere; musareʋa zita raʋamŋe ʋamŋari, ŋgarirege kunzwika pamiromo yenyu.
Ekisodho 23:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)