Ekisodho 2:23-25
Ekisodho 2:23-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino makore mazhinji akati apfuura, mambo weIjipiti akafa. VaIsraeri vakagomera muutapwa hwavo uye vakachema, kuchemera rubatsiro rwavo nokuda kwoutapwa hwavo kukakwira kuna Mwari. Mwari akanzwa kugomera kwavo uye akarangarira sungano yake naAbhurahama, naIsaka uye naJakobho. Saka Mwari akatarisa pamusoro pavaIsraeri akava nehanya navo.
Ekisodho 2:23-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, mambo weIjipiti akafa, vana vaIsiraeri vakagomera nokuda kwouranda hwavo, vakadanidzira, kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nokuda kwouranda. Mwari akanzwa kugomba kwavo, Mwari akarangarira sungano yake naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho. Mwari akaona vana vaIsiraeri, Mwari akavarangarira.
Ekisodho 2:23-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokufamba kwamazuva mambo weIjipiti akafa. VaIsiraeri vakaramba vachidandaura nenhamo youranda. Vakachema vachida kununurwa. Kuchema kwavo nhamo youranda kwakasvika kudenga kuna Mwari. Mwari akanzwa kudandaura kwavo nenhamo ndokurangarira chitenderano chaakaita naAbhurahamu naIsaki naJakobho. Mwari akatarisa vaIsiraeri akaita hanya navo.
Ekisodho 2:23-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mazuʋa mazhinji akati apfuʋura, mambo weEgipita akafa; ʋana ʋaIsraeri ʋakagomera nokuɗa kwoʋuranda bgaʋo, ʋakaɗanidzira, kuɗanidzira kwaʋo kukaȿika kunaMŋari nokuɗa kwoʋuranda. Mŋari akanzwa kugomba kwaʋo, Mŋari akaraŋgarira suŋgano yake naAbrahama, naIsaka, naJakobo. Mŋari akaʋona ʋana ʋaIsraeri, Mŋari akaʋaraŋgarira.
Ekisodho 2:23-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)