Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 2:1-22

Ekisodho 2:1-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino mumwe murume weimba yaRevhi akawana mukadzi, uye mukadzi uyu akava nemimba akabereka mwanakomana. Paakaona kuti akanga ari mwana akanaka, akamuvanza kwemwedzi mitatu. Asi akati asisagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe akainama netara nenamo. Ipapo akaisa mwana imomo ndokuiisa pakati petsanga dzaiva mumahombekombe aNairi. Hanzvadzi yake yakamira iri chinhambwe kuti ione kuti chii chaizoitika kwaari. Ipapo mwanasikana waFaro akaburuka akaenda kurwizi Nairi kuti andoshamba, uye varandakadzi vake vakanga vachifamba vachitevedza mahombekombe. Akaona tswanda pakati petsanga ndokubva atuma murandakadzi wake kuti andoitora. Akaizarura akaona mwana. Akanga achichema, uye akamunzwira tsitsi. Akati, “Uyu ndomumwe wavana vavaHebheru.” Ipapo hanzvadzi yake yakakumbira mwanasikana waFaro ikati, “Ndingaenda here ndikandokutorerai mumwe wavakadzi vechiHebheru kuti azokurererai mwana?” Uye mwanasikana waFaro akapindura akati, “Hongu.” Uye musikana akaenda akandotora mai vomwana. Mwanasikana waFaro akati kwavari, “Tora mwana uyu unondirererawo, uye ini ndichakupa muripo wako.” Saka mukadzi akatora mwana akamurera. Mwana akati akura, akamutora akaenda naye kumwanasikana waFaro akava mwanakomana wake. Akamutumidza zita rokuti Mozisi, achiti, “Ndakamutora mumvura.” Rimwe zuva Mozisi akura, akaenda kwakanga kuna vanhu vokwake uye akavatarira vari pabasa ravo rakaoma. Akaona muIjipita achirova muHebheru, mumwe wavanhu vokwake. Akaringa-ringa ndokuona kusina munhu achibva auraya muIjipita, ndokumuviga mujecha. Zuva rakatevera, akabuda akaona vaHebheru vaviri vachirwa. Akabvunza uya akanga akanganisa akati, “Seiko uchirova mumwe wako muHebheru?” Murume uya akati, “Ndianiko akakuita mubati nomutongi pamusoro pedu? Uri kuda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipita nhai?” Ipapo Mozisi akatya akafunga akati, “Zvandakaita zvinofanira kuva zvava kuzivikanwa.” Faro akati anzwa izvi, akaedza kuuraya Mozisi, asi Mozisi akatiza Faro akaenda kundogara kuMidhiani, uye akagara patsime. Zvino muprista weMidhiani akanga ana vanasikana vanomwe uye vakauya kuzochera mvura yokuti vazadze midziyo yainwira zvipfuwo zvababa vavo. Vamwe vafudzi vakasvika vakavadzinga, asi Mozisi akasimuka akavanunura uye akanwisa zvipfuwo zvavo. Vasikana pavakadzokera kuna Reueri baba vavo, akavabvunza akati, “Makurumidza seiko kudzoka nhasi?” Vakapindura vakati, “Tanunurwa nomuIjipita kubva kuvafudzi. Abva aticherera mvura uye akanwisa zvipfuwo.” Akabvunza vanasikana vake akati, “Aripiko? Mamusiyirei? Mudanei, auye azodya.” Mozisi akabvuma kugara nomurume uyu, uyo akazopa mwanasikana wake Zipora kuna Mozisi kuti ave mukadzi wake. Zipora akabereka mwanakomana, uye Mozisi akamutumidza zita rokuti Gerishomi, achiti, “Ndava mueni munyika yavatorwa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 2

Ekisodho 2:1-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino mumwe murume weimba yavaRevhi akawana mukunda wavaRevhi. Mukadzi akava nemimba, akabereka mwanakomana; zvino akati achiona kuti mwana akanaka, akamuvanza mwedzi mitatu. Akati asisagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe, akainamira nebhitumini nenamo, akaisa mwana mukati mayo, akaigadzika pakati petsanga pamhenderekedzo dzorwizi. Hanzvadzi yake ikandomira kure zvishoma, kuti azive zvichaitwa naye. Zvino mukunda waFarao akaburuka kundoshamba murwizi, vasikana vake vakafamba-famba pamhenderekedzo dzorwizi; iye akaona tswanda pakati petsanga, ndokutuma musikana wake kundoitora. Akaizarura, akona mwana, mwana wechikomana, onei anochema. Akamunzwira ngoni, akati, “Ndomumwe wavana vavaHebheru.” Ipapo hanzvadzi yake yakati kumukunda waFarao, “Ko handingaendi ndikakudanirai mumwisi kuvakadzi vavaHebheru, kuti akumwisirei mwana here?” Mukunda waFarao akati kwaari, “Enda.” Musikana akaenda, akandodana mai vomwana. Mukunda waFarao akati kwavari, “Tora mwana uyu, undimwisire ndigokupa mubayiro wako.” Mukadzi akatora mwana, akandomuyamwisa. Mwana akakura, akandomuisa kumukunda waFarao, akava mwanakomana wake, akamutumidza zita rinonzi Mosesi, akati, “Nokuti ndamunyukura mumvura.” Zvino namazuva iwayo Mosesi akura, akaenda kundoona hama dzake, akandotarira mirimo yavo; akaona muIjipiti achirova muHebheru, mumwe wehama dzake. Akaringa-ringa, zvino achiona kuti hapana munhu aripo, akauraya muIjipiti, akamuviga mujecha. Akabudazve nezuva rechipiri, akaona varume vaviri vaHebheru vachirwa; akati kuna iye waiva nemhosva, “Unorovereiko munhu wokwako?” Iye akati, “Ndianiko akakuita ishe nomutongi wedu? Unoda kundiuraya ini sezvawakauraya uya muIjipiti kani?” Mosesi akatya, akati, “Zvirokwazvo, chinhu ichi chazikanwa.” Zvino Farao akati anzwa chinhu icho, akatsvaka kuuraya Mosesi. Asi Mosesi akatiza pamberi paFarao, akandogara kunyika yeMidhiani, akagara pasi patsime. Zvino mupristi weMidhiani akanga ana vakunda vanomwe; ivo vakauya kuzochera mvura, vakazadza zvinwiro, kuti vanwise makwai ababa vavo. Vafudzi vakauya, vakavadzingapo, asi Mosesi akasimuka, akavabatsira, akanwisa makwai avo. Zvino vakati vachisvika kuna Rueri, baba vavo, ivo vakati, “Makurumidza kudzoka seiko nhasi?” Vakati, “MuIjipiti akatirwira pamaoko avafudzi, akaticherera mvura, akanwisa makwai.” Akati kuvakunda vake, “Zvino aripiko? Munhu uyu mamusiyirei? Mudanei, adye zvokudya.” Mosesi akatenda kugara nomunhu uyo; akapa Mosesi mukunda wake Zipora. Akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Geshomi, nokuti akati, “Ndakanga ndiri mutorwa munyika yavamwe.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 2

Ekisodho 2:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Nguva iyoyo mumwe murume wemba yokwaRevhi akaroora mwana womuRevhi. Mudzimai wake akava napamuviri ndokubereka mwana mukomana. Paakaona kuti mwana wake mwana akanaka kwazvo, akamuhwandisa kwemwedzi mitatu. Paakazoona kuti haachagona kuramba akamuvanza, akatora tswanda yakarukwa nenhokwe, akainama netara nenamo, ndokuisa mwana wake imomo, akandoisa tswanda iyi mutsanga, kumahombekombe aNairi. Hanzvadzi yomwana uyu yaimutarisa iri chinhambwe kuti ione chingangoitika kwaari. Zvino mukunda waFarao akadzika kurwizi kuzoshamba muviri. Vasikana vaimushandira vaiva naye vaifamba munyasi memahombekombe erwizi. Mukunda waFarao akaona tswanda iya iri mutsanga, akatuma mumwe musikana aimushandira kundoitora. Mukunda waFarao paakakudubura tswanda iyi akaona mune mwana mucheche akanga achichema. Akamunzwira tsitsi akati, “Mwana uyu mwana womuHebheru chete.” Ipapo hanzvadzi yomwana uyu yakauyapo ikati kumukunda waFarao, “Ko ndingakudaidzirei zvangu here mureri pavakadzi vechiHebheru wokukuyamwisirai mwana uyu?” Mukunda waFarao akati, “Ee, enda zvako.” Musikana uyu akaenda akandodaidza amai chaivo vomwana iyeyo vokumubereka. Mukunda waFarao akati kwavari, “Torai mwana uyu, mundiyamwisirewo ndichakupai mubayiro wenyu woureri.” Ivo vakatora mwana vakandomurera. Mwana akakura, vakaenda naye kumukunda waFarao, akabva amuita mwana wake. Akamutumidza zita rokuti Mosesi nokuti aiti, “Mwana uyu ndakamunyurura mumvura.” Rimwe zuva, Mosesi akura, zvakaitika kuti akaenda kundoona vanhu verudzi rwake vaHebheru. Akaona mabasa anorema avaiitiswa, akaonawo muIjipiti achirova muHebheru. Mosesi akaringa-ringa ndokuona kuti hapana mumwe munhu akanga aripo, ndokubva auraya muIjipiti uyu ndokumufushira mujecha. Mangwana acho, Mosesi akaenda kwakare, ndokuona vaHebheru vaviri vachirwa. Mosesi akatsiura akanga akanganisa achiti, “Ko uri kurovereiko hama yako?” Murume iyeyo akati, “Ndiani akakuita ishe nomutongi wedu iwe? Heya unoda kundiuraya sezvawakaita muIjipiti uya nhai!” Mosesi akatya akati, “Inga zvandakaita zviya zvava kutozikanwa!” Farao akazozvinzwa akada kuuraya Mosesi. Asi Mosesi akatiza, akandogara munyika yeMidhiani. Akasvika pakanga paine tsime, ndokugara zvake pasi. Zvino muMidhiani maiva nomupristi, akanga ana vana vake vasikana vanomwe. Vasikana ivava vakauya vakateka mvura vakaizadza mainwira zvipfuwo kuitira kuti zvinwe. Kwakauyawo vamwe vafudzi vakavadzinganisa. Asi Mosesi akasimuka akandonunura vasikana ava, akanwisa zvipfuwo zvavo. Pavakadzokera kuna baba vavo Reueri baba ivavo vakati, “Ko nhasi makurumidziswa nei kudai?” Vakati, “Tanunurwawo nomumwe muIjipiti, adzinga vafudzi. Atotitekerawo mvura akapa zvipfuwo zvedu kuti zvinwe.” Baba vakati kuvana vavo, “Ko zvino munhu wacho ari kupi? Mamusiyireiko? Endai mumudaidze awane chokudya.” Mosesi akagutsikana kugara nomurume uyu. Iye akazopa Mosesi mwana wake Zipora kuti ave mukadzi wake. Zipora akabereka mwana mukomana, Mosesi akatumidza mwana wake zita rokuti Gerishomu achiti, “Ini ndiri mutorwa zvangu munyika yavamwe.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 2

Ekisodho 2:1-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino mumŋe murume weimba yaʋaRevi wakawana mukunda waʋaRevi. Mukadzi akaʋa nemimba, akaɓereka mŋanakomana; ɀino wakati aciʋona kuti mŋana wakanaka, akamuʋanza mŋedzi mitatu. Wakati asicagoni kumuʋanza, akamutorera tswanda yenhokwe, akainamira nebitumini nenamo, akaisa mŋana mukati mayo, akaigadzika pakati petsaŋga pamhenderekedzo dzorwizi. Hanɀadzi yake ikandomira kure ɀishoma, kuti aziʋe ɀicaitwa naye. Ɀino mukunda waFarao wakaɓuruka kundoshamba murwizi, ʋasikana ʋake ʋakafamba‐famba pamhenderekedzo dzorwizi; iye akaʋona tswanda pakati petsaŋga, ndokutuma musikana wake kundoitora. Akaizarura, akaʋona mŋana, mŋana wecikomana, ʋonei unocema. Akamunzwira ŋgoni, akati: Ndomumŋe waʋana ʋaʋaHeberu. Ipapo hanɀadzi yake yakati kumukunda waFarao: Ko handiŋgaendi ndikakuɗanirai mumŋisi kuʋakadzi ʋaʋaHeberu, kuti akumŋisirei mŋana here? Mukunda waFarao akati kwaari: Enda. Musikana akaenda, akandoɗana mai ʋomŋana. Mukunda waFarao akati kwaari: Tora mŋana uyu, undimŋisire iye, ndigokupa muɓairo wako. Mukadzi akatora mŋana, akandomumŋisa. Mŋana akakura, akandomuisa kumukunda waFarao, akaʋa mŋanakomana wake, akamutumidza zita rinonzi Mosesi, akati: Nokuti ndamunyukura mumvura. Ɀino namazuʋa iwayo Mosesi akura, akaenda kundoʋona hama dzake, akandotarira mirimo yaʋo; akaʋona muEgipita aciroʋa muHeberu, mumŋe wehama dzake. Akariŋga‐riŋga, ɀino aciʋona kuti hapanomunhu’po, akaʋuraya muEgipita, akamuʋiga mujeca. Akaɓuɗa ɀe nezuʋa recipiri, akaʋona ʋarume ʋaʋiri ʋaHeberu ʋacirwa; akati kunaiye waiʋa nemhoȿa: Unoroʋereiko munhu wokwako? Iye akati: Ndianiko wakakuita ishe nomutoŋgi weɗu? Unoɗa kundiʋuraya ini seɀawakaʋuraya uya muEgipita kanhi? Mosesi akatya, akati: Ɀirokwaɀo, cinhu ici cazikanwa. Ɀino Farao wakati anzwa cinhu ico, akatȿaka kuʋuraya Mosesi. Asi Mosesi wakatiza pamberi paFarao, akandogara kunyika yeMidiani, akagara pasi patsime. Ɀino muprista weMidiani wakaŋga anaʋakunda ʋanomŋe; iʋo ʋakaʋuya kuzocera mvura, ʋakazadza ɀinwiro, kuti ʋanwise makwai aɓaɓa ʋaʋo. Ʋafudzi ʋakaʋuya, ʋakaʋadziŋga’po, asi Mosesi wakasimuka, akaʋaɓatsira, akanwisa makwai aʋo. Ɀino ʋakati ʋaciȿika kunaRehueri, ɓaɓa ʋaʋo, iʋo ʋakati: Makurumidza kudzoka seiko nhasi? Ʋakati: MuEgipita wakatirwira pamaʋoko aʋafudzi, akaticerera mvura, akanwisa makwai. Akati kuʋakunda ʋake: Ɀino uripiko? Munhu uyu mamusiyirei? Muɗanei, adye ɀokudya. Mosesi akatenda kugara nomunhu uyo; akapa Mosesi mukunda wake Zipora. Akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Gershomi, nokuti wakati: Ndakaŋga ndiri mutorwa munyika yaʋamŋe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 2

Ekisodho 2:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)