Ekisodho 16:11-18
Ekisodho 16:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndanzwa kupopota kwavaIsraeri. Vaudze kuti, ‘Panguva yorubvunzavaeni muchadya nyama, uye mangwanani muchaguta nechingwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ” Madekwana iwayo zvihuta zvakauya zvikafukidza musasa, uye mangwanani pakanga pane dova rakapoteredza musasa. Dova rakati rapera, mahwendefa matete akanga akaita samazaya echando akaonekwa pasi murenje. VaIsraeri vakati vazviona, vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Chiiko ichi?” Nokuti vakanga vasingazivi kuti chaiva chii. Mozisi akati kwavari, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye. Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha achiti, ‘Mumwe nomumwe anofanira kuunganidza zvinomukwanira. Utorere munhu mumwe nomumwe waunaye mutende rako omeri rimwe chete.’ ” VaIsraeri vakaita sezvavakaudzwa; vamwe vakaunganidza zvakawanda, vamwe zvishoma. Uye pavakayera neomeri, uya akaunganidza zvizhinji haana kusara nezvakawanda, uye uya akaunganidza zvishoma haana kusara nezvishoma. Mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira.
Ekisodho 16:11-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha akataura naMosesi, akati, “Ndanzwa kupopota kwavana vaIsiraeri; taura navo uti, ‘Madekwana muchadya nyama, fume mangwana muchaguta zvingwa;’ zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu.” Zvino madekwana zvihuta zvikakwira, zvikafukidza misasa; fume mangwana dova rakanga rakapoteredza misasa. Zvino dova rakanga riri pasi rikati radzimuka, vakaona zvinhu zviduku zvakaurungana zvakanga zviri pasi murenje, zviduku sechando pavhu. Vana vaIsiraeri vakati vachizviona vakabvunzana, vachiti, “Chinyiko?” Nokuti vakanga vasingazvizivi. Mosesi akati kwavari, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye. Zvino heri shoko rakarairwa naJehovha, ‘Musaunganidzire chinhu icho, mumwe nomumwe sezvaanosidya; munhu mumwe nomumwe omeri imwe, muchiverenga vanhu venyu, mumwe nomumwe atorere vari mutende rake.’ ” Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo, vamwe vakaunganidza zvizhinji, vamwe zvishoma. Zvino vakati vozviidza neomeri, uyo akanga aunganidza zvizhinji haana kusarirwa nechinhu, naiye akanga aunganidza zvishoma haana kushaiwa; mumwe nomumwe akanga aunganidza sezvaaisidya.
Ekisodho 16:11-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ndanzwa kunyunyuta kwavaIsiraeri. Vaudze kuti manheru muchange muchidya nyama, mangwanani muchidya chingwa muchiguta. Ndipo pamuchazoziva kuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu.” Ava manheru kwakauya zvihuta zvizhinji zvikazara pamatendhe avo, mangwana acho dova rikafuma rakati ware ware panharaunda yamatendhe avo. Kuzoti dova riya raoma, kwakaonekwa zvimwe zvinhu zvidikidiki zvakaita samafefenhwa, zvakasara zvakati ware ware pasi murenje imomo zvichinge chando. VaIsiraeri pavakazviona, vakabvunzana vachiti, “Ko nhaimi, zvinhui izvozvi” Vakadaro nokuti vakanga vasingamboziva kuti chii. Mosesi akati, “Ndicho chingwa chamapiwa naTenzi kuti mudye. Zvino chinzwai zvarehwa naTenzi, ati, ‘Mumwe nomumwe ngaanonge chaanokwana kudya pazuva marita maviri pamunhu zvichienderana nokuwanda kwakaita vanhu vaanavo mutendhe rake.’ ” VaIsiraeri vakaita saizvozvo, vamwe vakanonga chizhinji, vamwe chishoma. Asi pavakachiera mumudziyo wamarita maviri, vakaona kuti vaya vakanga vanonga chakawanda chakanga chisina kupfuuridza, vayawo vakanga vanonga chishoma chakanga chisina kushomekesa. Mumwe nomumwe akanga anonga chakakwanirana naye.
Ekisodho 16:11-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova akataura naMosesi, akati: Ndanzwa kupopota kwaʋana ʋaIsraeri; taura naʋo, uti: Maɗekwana mucadya nyama, fume maŋgwana mucaguta ɀiŋgwa; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova, Mŋari wenyu. Ɀino maɗekwana ɀihuta ɀikakwira, ɀikafukidza misasa; fume maŋgwana ɗoʋa rakaŋga rakapoteredza misasa Ɀino ɗoʋa rakaŋga riri pasi rakati radzimuka, ʋakaʋona ɀinhu ɀiɗuku ɀakaʋuruŋgana ɀakaŋga ɀiri pasi murenje, ɀiɗuku secando pavu. Ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋaciɀiʋona ʋakabvunzana, ʋaciti: Cinyiko? Nokuti ʋakaŋga ʋasiŋgaɀiziʋi. Mosesi akati kwaʋari: Ndico ciŋgwa camapiwa naJehova kuti mudye. Ɀino heri shoko rakarairwa naJehova: Muɀiʋuŋganidzire cinhu ico, mumŋe nomumŋe seɀaanosidya; munhu mumŋe nomumŋe omeri imŋe, muciʋereŋga ʋanhu ʋenyu, mumŋe nomumŋe atorere ʋari mutente rake. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo, ʋamŋe ʋakaʋuŋganidza ɀizhinji, ʋamŋe ɀishoma. Ɀino ʋakati ʋoɀiidza neomeri, uyo wakaŋga aʋuŋganidza ɀizhinji haana‐kusarirwa necinhu, naiye wakaŋga aʋuŋganidza ɀishoma haana‐kushaiwa; mumŋe nomumŋe wakaŋga aʋuŋganidza seɀaaisidya.
Ekisodho 16:11-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)