Ekisodho 16:1-11
Ekisodho 16:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paErimu vakasvika kuRenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, pazuva regumi namashanu romwedzi wechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti. Murenje imomo ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni. VaIsraeri vakati kwavari, “Dai takafa zvedu noruoko rwaJehovha tiri muIjipiti! Uko kwataikomba makate enyama uye tichidya zvokudya zvose zvataida, asi makatibudisa kurenje kuno kuti ungano ino yose iziye nenzara kusvikira pakufa.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichakunayisirai chingwa chichabva kudenga. Vanhu vanofanira kubuda zuva rimwe nerimwe vagounganidza zvinoringana nezuva iroro. Nenzira iyoyi ndichavaedza ndigoona kana vachitevera zvandinovarayira. Pazuva rechitanhatu vanofanira kugadzira zvavanouya nazvo, uye zvinofanira kuva zviyero zviviri kupfuura zvavanosiunganidza pane mamwe mazuva.” Saka Mozisi naAroni vakati kuvaIsraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti akanga ari Jehovha akakubudisai kubva muIjipiti, uye mangwanani muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko, zvamunotipopotera?” Mozisi akatiwo, “Muchaziva kuti akanga ari Jehovha paachakupai nyama kuti mudye madekwana uye zvokudya zvose zvamunoda mangwanani nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko? Hamusi kupopotera isu, asi Jehovha.” Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Udza ungano yose yaIsraeri kuti, ‘Uyai pamberi paJehovha, nokuti anzwa kupopota kwenyu.’ ” Aroni achiri kutaura neungano yose yavaIsraeri vakatarisa kurenje vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore. Jehovha akati kuna Mozisi
Ekisodho 16:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakabva Erimu parwendo rwavo, ungano yose yavana vaIsiraeri ikasvika parenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, nezuva regumi namashanu romwedzi wechipiri pakubva kwavo panyika yeIjipiti. Zvino ungano yose yavaIsiraeri ikapopotera Mosesi naAroni murenje; vana vaIsiraeri vakati kwavari, “Tingadai takafira hedu munyika yeIjipiti noruoko rwaJehovha, tigere hedu pahari dzenyama, tichidya zvingwa tichiguta; nokuti matibudisira kurenje iri, kuti muuraye ungano iyi yose nenzara.” Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, ndichakunisirai chingwa chinobva kudenga; vanhu vachafanira kubuda kundozviunganidzira chiyero chinoringana nezuva rimwe nerimwe, ndivaidze ndione kana vachida kuteerera murayiro wangu, kana kwete. Zvino nomusi wetanhatu kana vogadzira izvo zvavauya nazvo, zvichaita zviyero zviviri kana vachienzanisa nechiyero chavanosiunganidza zuva rimwe nerimwe.” Zvino Mosesi naAroni vakati kuvana vaIsiraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti Jehovha ndiye akakubudisai panyika yeIjipiti. Fume mangwana muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti iye akanzwa kupopota kwamakapopotera Jehovha nako; isu tisu vanaaniko, zvamunotipopotera isu?” Mosesi akati, “Muchaona izvozvo kana Jehovha achikupai nyama madekwana, mukaidya, namangwana kana achikupai zvingwa, mukaguta; nokuti Jehovha akanzwa kupopota kwenyu kwamakamupopotera nako; isu tisu vanaaniko zvamunotipopotera isu? Hamutipopoteri isu, asi Jehovha.” Mosesi akati kuna Aroni, “Udza ungano yose yavana vaIsiraeri, uti, ‘Swederai pamberi paJehovha, nokuti akanzwa kupopota kwenyu.’ ” Zvino Aroni akati achataura neungano yose yavana vaIsiraeri, ivo vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore. Jehovha akataura naMosesi, akati
Ekisodho 16:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Gungano rose ravaIsiraeri rakasimudzira rwendo kubva kuErimu vakandosvika murenje reSini riri nechepakati peErimu negomo reSinai. Vakasvikapo pazuva regumi nechishanu, romwedzi wechipiri wokubva kwavo kuIjipiti. Vari murenje imomo, mhomho yose yavaIsiraeri yakapopotera Mosesi naAroni ichiti, “Dai Tenzi akatiuraya hake tichiri kuIjipiti kwataiita zvedu mabhodho enyama okupfachura, chingwa tichidya zvedu pataidira. Hezvi makatiunza murenje muno kuzotiurayisa zvenyu isu tose nenzara.” Tenzi ndokuti kuna Mosesi, “Ndichakunayisirai chingwa chinobva kudenga. Zuva nezuva vanhu vose ngavabude vanonge chingwa chinovakwanira kudya pazuva iroro chete. Ndipo pandichaona kuti vaIsiraeri vanoteerera mutemo wangu here kana kuti kwete. Asi pazuva rechitanhatu pavanogadzirira zvokudya ngavanonge mwero wepazuva wakapetwa kaviri.” Mosesi naAroni vakaudza vaIsiraeri vose vachiti, “Nhasi manheru muchaziva kuti Tenzi ndiye akakuburitsai muIjipiti. Mangwana mangwanani muchaona kupenya kwokuvapo kwaTenzi. Izvo zviya, ndiye wamanga muchinyunyutira achizvinzwa, isu tiri vanaaniwo zvedu vamungapopotere.” Mosesi ndokuti, “Manheru Tenzi achakupai nyama yokudya, mangwanani achikupai chingwa chamunodya muchiguta. Tenzi akakunzwai pamakamunyunyutira. Izvo zviye kana muchipopota, munenge musingapopoteri isu. Ko isu tiri vanaaniwo zvedu? Wamunenge muchipopotera chaiye ndiTenzi.” Mosesi akati kuna Aroni, “Kokorodza gungano rose ravaIsiraeri, uti, ‘Uyai pedyo naTenzi nokuti kumunyunyutira kwamakaita akakunzwa.’ ” Aroni paakanga achitaura negungano rose ravaIsiraeri, vakatarira kurenje ndokuona kupenya kwokuvapo kwaTenzi kuri mugore. Tenzi akataurira Mosesi achiti
Ekisodho 16:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakabva Erimi parwe ndo rwaʋo, ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri ikaȿika parenje reSini, riri pakati peErimi neSinai, nezuʋa regumi namashanu romŋedzi wecipiri pakubva kwaʋo panyika yeEgipita. Ɀino ʋuŋgano yose yaʋaIsraeri ikapopotera Mosesi naAroni murenje; ʋana ʋaIsraeri ʋakati kwaʋari: Tiŋgaɗai takafira heɗu munyika yeEgipita noruʋoko rwaJehova, tigere heɗu pahari dzenyama, ticidya ɀiŋgwa ticiguta; nokuti matiɓuɗisira kurenje iri, kuti muʋuraye ʋuŋgano iyi yose nenzara. Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tarira, ndicakunisirai ciŋgwa cinobva kuɗeŋga; ʋanhu ʋacafanira kuɓuɗa kundoɀiʋuŋganidzira ciyero cinoriŋgana zuʋa rimŋe nerimŋe, ndiʋaidze ndiʋone kana ʋaciɗa kuterera murairo waŋgu, kana kwete. Ɀino nomusi wetanhatu kana ʋogadziraiɀo ɀaʋaʋuya naɀo, ɀicaita ɀiyero ɀiʋiri kana ʋacienzanisa neciyero caʋanosiʋuŋganidza zuʋa rimŋe nerimŋe. Ɀino Mosesi naAroni ʋakati kuʋana ʋaIsraeri ʋose: Maɗekwana mucaziʋa kuti Jehova ndiye wakakuɓuɗisai panyika yeEgipita. Fume maŋgwana mucaʋona kubginya kwaJehova, nokuti iye wakanzwa kupopota kwamakapopotera Jehova nako; isu tisu ʋananiko, ɀamunotipopotera isu? Mosesi akati: Mucaʋona iɀoɀo kana Jehova acikupai nyama maɗekwana, mukaidya, namaŋgwana kana acikupai ɀiŋgwa, mukaguta; nokuti Jehova wakanzwa kupopota kwenyu kwamakamupopotera nako; isu tisu ʋananiko, ɀamunotipopotera isu? Hamutipopoteri isu, asi Jehova. Mosesi akati kunaAroni: Ʋudza ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, uti: Sweɗerai pamberi paJehova, nokuti wakanzwa kupopota kwenyu. Ɀino Aroni wakati acataura neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, iʋo ʋakatarira kurutiʋi rwokurenje, ʋakaʋona kubginya kwaJehova kuciratidzwa mugore. Jehova akataura naMosesi, akati
Ekisodho 16:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)