Ekisodho 14:21-22
Ekisodho 14:21-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye usiku hwose ihwohwo Jehovha akasunda gungwa nemhepo ine simba yokumabvazuva rikashanduka pakava nenyika yakaoma. Mvura yakakamurana, uye vaIsraeri vakapinda nomugungwa napavhu rakaoma uye madziro emvura ari kuruoko rworudyi nokuruboshwe kwavo.
Ekisodho 14:21-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Jehovha akadzinga gungwa nemhepo ine simba, yakabva mabvazuva usiku hwose, akashandura gungwa, rikaita ivhu rakaoma, mvura ikatsemuka. Zvino vana vaIsiraeri vakapinda nomukati megungwa pakaoma, mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo.
Ekisodho 14:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akasimudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Tenzi akaunza mhepo ine simba yaibva kumabvazuva, ikavhuvhuta usiku ihwohwo hwose, ikamisa mvura yomugungwa kuenda kwayaiyererera, ikaikamuranisa pakave napasi pakaoma mugungwa. VaIsiraeri vakabva vayambuka gungwa vachifamba napasi pakaoma, mvura yakamira samadziro emba kurudyi nokuruboshwe kwavo.
Ekisodho 14:21-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi akatambanudzira ruʋoko rwake pamsoro peguŋgwa, Jehova akadziŋga guŋgwa nemhepo inesimba, yakabva mabvazuʋa ʋusiku bgose, akashandura guŋgwa, rikaita ivu rakawoma, mvura ikatsemuka. Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakapinda nomukati meguŋgwa pakawoma, mvura ikaʋaitira madziro kurudyi rwaʋo nokuruɓoshwe rwaʋo.
Ekisodho 14:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)