Ekisodho 14:13-22
Ekisodho 14:13-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mozisi akapindura vanhu akati, “Musatya. Mirai nesimba uye muchaona kusunungura kwaJehovha kwaachakuitirai nhasi. VaIjipita vamunoona nhasi hamuchazovaonizve. Jehovha achakurwirai; imi ingonyararai bedzi.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Seiko uchidanidzira kwandiri? Taurira vaIsraeri kuti vapfuurire mberi. Simudza tsvimbo yako ugotambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuti mvura iparadzane kuitira kuti vaIsraeri vapinde mugungwa napavhu rakaoma. Ndichaomesa mwoyo yavaIjipita zvokuti vachapinda vachivatevera. Uye ndichawana kukudzwa kubudikidza naFaro nehondo yake yose, nengoro dzake uye navatasvi vake vamabhiza. VaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha pandichawana kukudzwa kubudikidza naFaro, ngoro dzake navatasvi vake vamabhiza.” Ipapo mutumwa waMwari, uyo akanga achifamba ari mberi kwehondo yavaIsraeri, akadzokera shure kwavo. Shongwe yegore yakabvawo mberi kwavo ikandomira shure kwavo, iri pakati pehondo dzeIjipiti nedzeIsraeri. Usiku hwose gore rakauyisa rima kuno rumwe rutivi uye chiedza kuno rumwe rutivi; saka hakuna akaswedera kuno mumwe usiku hwose. Ipapo Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye usiku hwose ihwohwo Jehovha akasunda gungwa nemhepo ine simba yokumabvazuva rikashanduka pakava nenyika yakaoma. Mvura yakakamurana, uye vaIsraeri vakapinda nomugungwa napavhu rakaoma uye madziro emvura ari kuruoko rworudyi nokuruboshwe kwavo.
Ekisodho 14:13-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi akati kuvanhu, “Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi, nokuti vaIjipiti vamaona nhasi, hamungazovaonizve nokusingaperi. Jehovha achakurwirai, imi munofanira kunyarara henyu.” Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Unodanidzireiko kwandiri? Udza vana vaIsiraeri kuti vapfuurire mberi. Iwe simudza tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pegungwa, uritsemure napakati, kuti vana vaIsiraeri vafambe pakaoma mukati megungwa. Tarira, ndichaomesa mwoyo yavaIjipiti, kuti vapindewo vachivateverera, ini ndizokudzwa pamusoro paFarao napamusoro pehondo yake yose, napamusoro pengoro dzake, napamusoro pavatasvi vake vamabhiza. Ipapo vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndakudzwa pamusoro paFarao, napamusoro pengoro dzake, napamusoro pavatasvi vake vamabhiza.” Zvino mutumwa waMwari, akanga akatungamirira hondo yavaIsiraeri, akabvapo, akaenda shure kwavo; shongwe yegore ikabva mberi kwavo, ikandomira shure kwavo. Ikapinda pakati pemisasa yavaIjipiti nemisasa yavaIsiraeri; gore nerima, zvikavapo asi rakavhenekera usiku; havana kuswederana usiku hwose. Zvino Mosesi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Jehovha akadzinga gungwa nemhepo ine simba, yakabva mabvazuva usiku hwose, akashandura gungwa, rikaita ivhu rakaoma, mvura ikatsemuka. Zvino vana vaIsiraeri vakapinda nomukati megungwa pakaoma, mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo.
Ekisodho 14:13-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Mosesi akati kuvanhu, “Musatye zvenyu, batai mwoyo. Nhasi uno muchaona kununurwa kwamuchaitwa naTenzi. Ivava vaIjipiti vamuri kuona nhasi, hamuchazovaonizve. Tenzi ndiye achakurwirai, chenyu imi chete kubata hana.” Tenzi akati kuna Mosesi, “Uri kuchemereiko kwandiri? Udza vaIsiraeri kuti varambe vachifamba. Iwe usimudzire tsvimbo yako pamusoro pegungwa, ukamuranise mvura napakati vaIsiraeri vayambuke gungwa napakaoma. Asi ndichaita kuti vaIjipiti vakakavare mumwoyo, vakuteverei. Ini ndichawana mbiri nokukurira kwandichaita Farao nehondo yake nengoro dzake dzehondo navachairi vadzo, ndichazoremekedzwa kwazvo. Kana ndichinge ndakurira Farao nengoro dzake navachairi vadzo, vaIjipiti vachazoziva kuti ini ndini Tenzi.” Mutumwa waMwari akanga akatungamirira vaIsiraeri, vari hondo yavanhu, akabva pamberi paakanga ari akaenda shure kwavo. Shongwe yegore yakabvawo mberi ikandomira yave shure kwavo. Yakandomira pakati pehondo yavaIjipiti nehondo iya yavaIsiraeri. Gore iroro rakanga rakati rima kwindi. Usiku ihwohwo hwose hwakapera vaIjipiti navaIsiraeri vasina kukwanisa kurwisana. Mosesi akasimudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Tenzi akaunza mhepo ine simba yaibva kumabvazuva, ikavhuvhuta usiku ihwohwo hwose, ikamisa mvura yomugungwa kuenda kwayaiyererera, ikaikamuranisa pakave napasi pakaoma mugungwa. VaIsiraeri vakabva vayambuka gungwa vachifamba napasi pakaoma, mvura yakamira samadziro emba kurudyi nokuruboshwe kwavo.
Ekisodho 14:13-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi akati kuʋanhu: Musatya henyu, mirai, mugoʋona sunuŋguro yaJehova, yaacakuitirai nhasi, nokuti ʋaEgipita ʋamaʋona nhasi, hamuŋgazoʋaʋoni ɀe nokusiŋgaperi. Jehova ucakurwirai, imi munofanira kunyarara henyu. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Unoɗanidzireiko kwandiri? Ʋudza ʋana ʋaIsraeri kuti ʋapfuʋurire mberi. Iwe simudza tȿimbo yako, utambanudzire ruʋoko rwako pamsoro peguŋgwa, uritsemure napakati, kuti ʋana ʋaIsraeri ʋafambe pakawoma mukati meguŋgwa. Tarira, ndicawomesa mŋoyo yaʋaEgipita, kuti ʋapinde ʋo ʋaciʋateʋerera, ini ndizokudzwa pamsoro paFarao napamsoro pehondo yake yose, napamsoro peŋgoro dzake, napamsoro paʋataȿi ʋake ʋamabiza. Ipapo ʋaEgipita ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndakudzwa pamsoro paFarao, napamsoro peŋgoro dzake, napamsoro paʋataȿi ʋake ʋamabiza. Ɀino mutumŋa waMŋari, wakaŋga akatuŋgamirira hondo yaʋaIsraeri, wakabva’po, akaenda shure kwaʋo; shoŋgwe yegore ikabva mberi kwaʋo, ikandomira shure kwaʋo. Ikapinda pakati pemisasa yaʋaEgipita nemisasa yaʋaIsraeri; gore nerima, ɀikaʋa’po asi rakavenekera ʋusiku; haʋana‐kusweɗerana ʋusiku bgose. Ɀino Mosesi akatambanudzira ruʋoko rwake pamsoro peguŋgwa, Jehova akadziŋga guŋgwa nemhepo inesimba, yakabva mabvazuʋa ʋusiku bgose, akashandura guŋgwa, rikaita ivu rakawoma, mvura ikatsemuka. Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakapinda nomukati meguŋgwa pakawoma, mvura ikaʋaitira madziro kurudyi rwaʋo nokuruɓoshwe rwaʋo.
Ekisodho 14:13-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)