Ekisodho 13:17-18
Ekisodho 13:17-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Faro akati atendera vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvatungamirira nenzira yaipinda nomunyika yavaFiristia, kunyange zvazvo yakanga iri pfupi. Nokuti Mwari akati, “Kana vakasangana nehondo, vangashandura pfungwa dzavo vakadzokera kuIjipiti.” Saka Mwari akatungamirira vanhu vachipoterera nomumugwagwa womurenje vakananga kuGungwa Dzvuku. VaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti vakapakata nhumbi dzehondo.
Ekisodho 13:17-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Farao akati aregedza vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvafambisa nenzira yapanyika yavaFirisitia, kunyange yaiva pedyo, nokuti Mwari akati, “Zvimwe vanhu vangazvidemba, kana vachiona kurwa, vakadzokera Ijipiti;” asi Mwari akapotesa vanhu nokure, nenzira yokurenje rapaGungwa Dzvuku; vana vaIsiraeri vakabuda panyika yeIjipiti vakashonga nhumbi dzokurwa.
Ekisodho 13:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti Farao abvumira vaIsiraeri kuti vaende, Mwari haana kuvatungamirira kuenda nenzira inopfuura nomunyika yevaFirisitia kunyange zvayo yakanga iri iyo pfupi nokuti Mwari akati, “Vangasangane nehondo vakafunga napamwe vakadzokera kuIjipiti.” Saka Mwari akavatungamirira vakaenda nenzira inopoterera inoenda nokurenje yakananga kuGungwa Dzvuku. VaIsiraeri vakabuda muIjipiti vakapakata zvombo zvavo zvehondo.
Ekisodho 13:17-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Farao wakati aregedza ʋanhu kuti ʋaende, Mŋari haana‐kuʋafambisa nenzira yapanyika yaʋaFiristia, kunyaŋge yaiʋa pedyo, nokuti Mŋari wakati: Ɀimŋe ʋanhu ʋaŋgaɀiɗemba, kana ʋaciʋona kurwa, ʋakadzokera Egipita; asi Mŋari wakapotesa ʋanhu nokure, nenzira yokurenje rapaGuŋgwa Dɀuku; ʋana ʋaIsraeri ʋakaɓuɗa panyika yeEgipita ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa.
Ekisodho 13:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)