Ekisodho 12:1-7
Ekisodho 12:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi naAroni vari muIjipiti, “Mwedzi uno unofanira kuva mwedzi wokutanga kwamuri, mwedzi wokutanga wegore renyu. Udzai ungano yose yeIsraeri kuti pazuva regumi romwedzi uno, murume mumwe nomumwe anofanira kutorera mhuri yake gwayana, rimwe chete paimba imwe neimwe. Kana imba ipi zvayo iri duku kwazvo pagwayana rose, vanofanira kugovana rimwe chete nomuvakidzani ari pedyo zvichienderana nouwandu hwavanhu varipo. Munofanira kuona mugove unodikanwa maererano nezvingadyiwa nomunhu mumwe nomumwe. Zvipfuwo zvamunosarudza zvinofanira kuva mikono yegore rimwe chete isina chainopomerwa, uye munogona kuzvitora kubva kumakwai kana kumbudzi. Muzvichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yeIsraeri inofanira kuzviuraya panguva yamadekwana. Ipapo vanofanira kutora rimwe ropa vagoriisa pamagwatidziro maviri egonhi napazvivivo zvedzimba dzavanodyira makwayana vari.
Ekisodho 12:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akataura naMosesi naAroni munyika yeIjipiti, akati, “Mwedzi uno unofanira kuva mwedzi wokutanga kwamuri, unofanira kuva mwedzi wokutanga wegore. Taurai kuungano yose yavaIsiraeri, muti, ‘Nomusi wegumi womwedzi uno mumwe nomumwe ngaatore gwayana, vachiverenga dzimba dzamadzibaba avo; mhuri imwe neimwe ive negwayana rayo. Kana mhuri iri duku vasingagoni kupedza gwayana, ivo navagere pedyo neimba yavo ngavatore rimwe rinoringana vanhu. Muringanise gwayana pakudya kwomumwe nomumwe. Gwayana renyu ngarirege kuva nechinhu chisakafanira, mukono wegore rimwe; muritore pamakwai kana pambudzi; zvino murichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yavanhu vose vaIsiraeri ngavariuraye madekwana. Zvino ngavatore rimwe ropa raro, variise pamagwatidziro maviri egonhi, napachivivo chokumusoro, padzimba pavacharidyira.
Ekisodho 12:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi naAroni vachiri munyika yeIjipiti achiti, “Kwamuri imi mwedzi uno uyu ndiwo uchave mwedzi wokutangatanga pane mwedzi yose. Ndiwo uchava mwedzi wenyu wokutanga kwegore. Taurirai gungano rose ravaIsiraeri kuti, pamwedzi uno, pazuva regumi, saimba woga woga ngaatsvakire mhuri yake hwayana kana mbudzana. Mhuri nemhuri, imba nemba ive nehwayana yayo. Kana mhuri iri duku, hwayana yacho yakavakurira, ngaibatane neimwe mhuri yayakavakidzana nayo. Munofanira kufanoona kuti hwayana yacho inokwaniranawo navanhu varimo. Chipfuwo ichocho ngachive chisina chinoshoreka pachiri, chiri chikono chine gore rimwechete, chingave hwayana kana mbudzana. Ichengetei kusvikira pazuva regumi nechina romwedzi iwoyu. Ipapo gungano rose ravaIsiraeri ndipo parichauraya hwayana dzacho, zuva richangodoka. Ngavatore rimwe ropa, varizore pamagwatidziro maviri apamusuo napachivivo pamusoro pemisuo yomudzimba mavachaidyira.
Ekisodho 12:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni munyika yeEgipita, akati: Mŋedzi uno unofanira kuʋa mŋedzi wokutaŋga kwamuri, unofanira kuʋa mŋedzi wokutaŋga wegore. Taurai kuʋuŋgano yose yaʋaIsraeri, muti: Nomusi wegumi womŋedzi uno mumŋe nomumŋe ŋgaatore gwaiana, ʋaciʋereŋga dzimba dzamadziɓaɓa aʋo; mhuri imŋe neimŋe iʋe negwaiana rayo. Kana mhuri iri ɗuku ʋasiŋgagoni kupedza gwaiana, iʋo naʋagere pedyo neimba yaʋo ŋgaʋatore rimŋe rinoriŋgana ʋanhu. Muriŋganise gwaiana pakudya kwomumŋe nomumŋe. Gwaiana renyu ŋgarirege kuʋa necinhu cisakafanira, mukono wegore rimŋe; muritore pamakwai kana pambudzi; ɀino muriceŋgete kuȿikira pazuʋa regumi namanna romŋedzi, ipapo ʋuŋgano yose yaʋanhu ʋose ʋaIsraeri ŋgaʋariʋuraye maɗekwana. Ɀino ŋgaʋatore rimŋe ropa raro, ʋariise pamagwatidziro maʋiri egonhi, napaciʋiʋo cokumsoro, padzimba paʋacaridyira.
Ekisodho 12:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)