Ekisodho 12:1-30
Ekisodho 12:1-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi naAroni vari muIjipiti, “Mwedzi uno unofanira kuva mwedzi wokutanga kwamuri, mwedzi wokutanga wegore renyu. Udzai ungano yose yeIsraeri kuti pazuva regumi romwedzi uno, murume mumwe nomumwe anofanira kutorera mhuri yake gwayana, rimwe chete paimba imwe neimwe. Kana imba ipi zvayo iri duku kwazvo pagwayana rose, vanofanira kugovana rimwe chete nomuvakidzani ari pedyo zvichienderana nouwandu hwavanhu varipo. Munofanira kuona mugove unodikanwa maererano nezvingadyiwa nomunhu mumwe nomumwe. Zvipfuwo zvamunosarudza zvinofanira kuva mikono yegore rimwe chete isina chainopomerwa, uye munogona kuzvitora kubva kumakwai kana kumbudzi. Muzvichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yeIsraeri inofanira kuzviuraya panguva yamadekwana. Ipapo vanofanira kutora rimwe ropa vagoriisa pamagwatidziro maviri egonhi napazvivivo zvedzimba dzavanodyira makwayana vari. Usiku ihwohwo vanofanira kudya nyama yakagochwa pamoto, pamwe chete nemiriwo inovava, nechingwa chisina mbiriso. Musadya nyama iri mbishi kana yakabikwa mumvura, asi mugoche pamoto, musoro, makumbo uye nezvomukati. Musasiya kana chimwe charo kusvikira mangwanani; kana zvimwe zvikasara kusvikira mangwanani, munofanira kuzvipisa. Aya ndiwo madyiro amunoriita: Majasi akasungwa nebhanhire, makapfeka shangu mutsoka dzenyu, uye tsvimbo dzenyu dziri mumaoko enyu. Muridye nokukurumidza; ndiyo Pasika yaJehovha. “Nousiku ihwohwo ndichapfuura napakati peIjipiti ndigorova matangwe ose, zvose vanhu nezvipfuwo, uye ndichatonga vamwari vose veIjipiti. Ndini Jehovha. Ropa richava chiratidzo kwamuri mudzimba dzamunogara; uye ndikaona ropa, ndichapfuura pamuri. Hapana hosha inoparadza ichakubatai pandicharova Ijipiti. “Iri ndiro zuva ramunofanira kurangarira; kuzvizvarwa zvinotevera mucharipemberera somutambo kuna Jehovha, mutemo wokusingaperi. Kwamazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso. Pazuva rokutanga mubvise mbiriso mudzimba dzenyu, nokuti ani naani anodya chinhu chipi zvacho chine mbiriso mukati macho kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe anofanira kubviswa pakati pavaIsraeri. Pazuva rokutanga muite ungano tsvene, uye mugoitazve imwe ungano pazuva rechinomwe. Musatomboshanda pamazuva iwayo, kunze bedzi kwokugadzira zvokudya zvokuti munhu wose adye, ndizvo chete zvamungaita. “Mupemberere Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, nokuti pazuva irori ndipo pandakabudisa mapoka enyu kubva muIjipiti. Mupemberere zuva irori uve mutemo wokusingaperi kuzvizvarwa zvinotevera. Mumwedzi wokutanga munofanira kudya chingwa chakabikwa chisina mbiriso, kubva pamadekwana ezuva regumi namana kusvikira madekwana ezuva ramakumi maviri nerimwe. Kwamazuva manomwe, mbiriso ngairege kuwanikwa mudzimba dzenyu. Uye ani naani anodya chinhu chipi zvacho chine mbiriso anofanira kubviswa pakati peungano yaIsraeri, angava mutorwa kana akaberekerwa munyika imomo. Musadya chinhu chakabikwa nembiriso. Pose pamunogara, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.” Ipapo Mozisi akadana vakuru vose veIsraeri akati kwavari, “Endai izvozvi mundosarudza zvipfuwo zvemhuri dzenyu mugouraya gwayana rePasika. Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo uye mugoisa rimwe ropa nechapamusoro pechivivo uye napamativi maviri amagwatidziro egonhi. Parege kuva nomumwe wenyu anobuda pamukova weimba yake kusvikira mangwanani. Jehovha paanopinda napakati penyika kuti arove vaIjipita, achaona ropa pamusoro pechivivo nomumativi amagwatidziro egonhi uye achapfuura pamikova yenyu, uye haangatenderi muparadzi kuti apinde mudzimba dzenyu kuti akurovei. “Muteerere mirayiro iyi ive mitemo kwamuri nokuzvizvarwa zvenyu nokusingaperi. Pamunopinda munyika yamuchapiwa naJehovha sezvaakavimbisa, mucherechedze chirevo ichi. Uye pamuchabvunzwa navana venyu vachiti, ‘Zvinoreveiko izvi kwamuri?’ Ipapo muvaudze kuti, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, uyo akapfuura napadzimba dzavaIsraeri muIjipiti akaponesa dzimba dzedu paakarova vaIjipita.’ ” Ipapo vanhu vakapfugama vakanamata. VaIsraeri vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi naAroni. Pakati pousiku Jehovha akarova matangwe ose omuIjipiti, kubva padangwe raFaro, iye aizogara pachigaro choushe, kusvika kudangwe romusungwa, akanga ari mutorongo, nedangwe rezvipfuwo zvosewo. Faro namachinda ake ose uye navaIjipita vose vakamuka usiku, uye kwakava nokuungudza kukuru muIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba isina munhu akanga afa.
Ekisodho 12:1-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akataura naMosesi naAroni munyika yeIjipiti, akati, “Mwedzi uno unofanira kuva mwedzi wokutanga kwamuri, unofanira kuva mwedzi wokutanga wegore. Taurai kuungano yose yavaIsiraeri, muti, ‘Nomusi wegumi womwedzi uno mumwe nomumwe ngaatore gwayana, vachiverenga dzimba dzamadzibaba avo; mhuri imwe neimwe ive negwayana rayo. Kana mhuri iri duku vasingagoni kupedza gwayana, ivo navagere pedyo neimba yavo ngavatore rimwe rinoringana vanhu. Muringanise gwayana pakudya kwomumwe nomumwe. Gwayana renyu ngarirege kuva nechinhu chisakafanira, mukono wegore rimwe; muritore pamakwai kana pambudzi; zvino murichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yavanhu vose vaIsiraeri ngavariuraye madekwana. Zvino ngavatore rimwe ropa raro, variise pamagwatidziro maviri egonhi, napachivivo chokumusoro, padzimba pavacharidyira. Vadye nyama yaro usiku ihwohwo, yakagochwa pamoto, nechingwa chisina kuviriswa; vaidye nemiriwo inovava. Regai kuidya isina kuibva, kana yakabikwa nemvura, asi yakagochwa pamoto musoro waro namakumbo aro pamwechete noura hwaro. Musasiya chimwe charo kusvikira mangwana; zvose zvaro zvinosara kusvikira mangwana muzvipise nomoto.’ Muridye kudai: Makasunga zviuno zvenyu, makapfeka shangu dzenyu patsoka dzenyu, makabata tsvimbo dzenyu mumaoko enyu; muridye muchikurumidza; iPasika yaJehovha. “Nokuti nousiku ihwohwo ndichafamba napakati penyika yeIjipiti, ndichirova madangwe ose avanhu panyika yeIjipiti, navana vose vemhongora dzezvipfuwo; ndichatonga vamwari vose veIjipiti; ndini Jehovha. Asi ropa richava chiratidzo kwamuri padzimba mamugere; kana ndichiona ropa ndichakupfuurai, kuti dambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndichirova nyika yeIjipiti. Zuva iri richava chirangaridzo kwamuri, munofanira kutambira Jehovha mutambo naro; munofanira kutamba mutambo naro pamarudzi enyu ose uve murayiro nokusingaperi. “Mudye chingwa chisina kuviriswa kwamazuva manomwe; nezuva rokutanga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu anodya chingwa chakaviriswa kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe ngaabviswe pakati pavaIsiraeri. Nezuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene, uye nezuva rechinomwe ungano tsvenezve; namazuva iwayo mabasa ose ngaarege kuitwa, asi zvinodyiwa nomunhu mumwe nomumwe zvingagadzirwa nemi, izvozvo bedzi. Munofanira kutamba mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa, nokuti ndiro zuva randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeIjipiti; naizvozvo chengetai zuva iroro kusvikira kumarudzi enyu ose, uve murayiro nokusingaperi. Nomwedzi wokutanga nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, munofanira kudya zvingwa zvisina kuviriswa kusvikira pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi madekwana. Mazuva manomwe mbiriso irege kuwanikwa mudzimba dzenyu, nokuti ani naani, anodya zvakaviriswa anofanira kubviswa paungano yavaIsiraeri, kana ari mutorwa, kana ari munhu akaberekerwa munyika. Regai kudya chinhu chakaviriswa; padzimba dzenyu dzose mudye zvingwa zvisina kuviriswa.” Zvino Mosesi akadana vakuru vose vavaIsiraeri, akati kwavari, “Endai mundotora makwayana anoringana mhuri dzenyu, mubaye Pasika. Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo, muzodze chivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri egonhi neropa riri mumudziyo; kurege kuva nomumwe wenyu anobuda pamukova weimba yake kusvikira mangwana. Nokuti Jehovha achapfuura napakati penyika kuti arove vaIjipiti; kana akaona ropa pachivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri, Jehovha achadarika mukova uyo, haangatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akurovei. Chengeta chinhu ichocho, uve murayiro kwauri nokuvana vako nokusingaperi. Zvino kana muchizosvika panyika yamuchapiwa naJehovha, sezvaakakupikirai, muchengete basa iri. Zvino kana vana venyu vakati kwamuri, ‘Basa iri rinoti kudiniko?’ Muti kwavari, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, akadarika dzimba dzavana vaIsiraeri paIjipiti nomusi waakarova vaIjipiti, akaponesa dzimba dzedu.’ ” Ipapo vanhu vakakotamisa misoro yavo, vakanamata. Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mosesi naAroni sezvavakanga varairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita. Zvino pakati pousiku Jehovha akarova madangwe ose panyika yeIjipiti, kubva padangwe raFarao aizogara pachigaro chake choushe, kusvikira padangwe romusungwa akanga ari mutorongo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo. Zvino Farao akamuka usiku, iye navaranda vake navaIjipiti vose, kukava nokuchema kukuru paIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba musina akafa
Ekisodho 12:1-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi naAroni vachiri munyika yeIjipiti achiti, “Kwamuri imi mwedzi uno uyu ndiwo uchave mwedzi wokutangatanga pane mwedzi yose. Ndiwo uchava mwedzi wenyu wokutanga kwegore. Taurirai gungano rose ravaIsiraeri kuti, pamwedzi uno, pazuva regumi, saimba woga woga ngaatsvakire mhuri yake hwayana kana mbudzana. Mhuri nemhuri, imba nemba ive nehwayana yayo. Kana mhuri iri duku, hwayana yacho yakavakurira, ngaibatane neimwe mhuri yayakavakidzana nayo. Munofanira kufanoona kuti hwayana yacho inokwaniranawo navanhu varimo. Chipfuwo ichocho ngachive chisina chinoshoreka pachiri, chiri chikono chine gore rimwechete, chingave hwayana kana mbudzana. Ichengetei kusvikira pazuva regumi nechina romwedzi iwoyu. Ipapo gungano rose ravaIsiraeri ndipo parichauraya hwayana dzacho, zuva richangodoka. Ngavatore rimwe ropa, varizore pamagwatidziro maviri apamusuo napachivivo pamusoro pemisuo yomudzimba mavachaidyira. Ngavadye nyama yacho usiku ihwohwo yakaita zvokugochwa, vaidye pamwechete nechingwa chisina mbiriso nemiriwo inovava. Ngavarege kuidya iri mbishi kana kuita yokubika nemvura, asi ngavaite yokugocha. Ngavaigoche yakadaro nomusoro wayo namakumbo ayo nezvomukati zvayo. Ngavarege kusiya imwe nyama yamangwana. Kana pane inenge yasara kusvikira mangwana acho ngaipiswe. Aya ndiwo madyiro amuchaiita: Idyei makasunga zviuno zvenyu, mune shangu dzenyu mumakumbo, makabata tsvimbo mumaoko. Muidye nechimbichimbi, iPasika yaTenzi. “Usiku ihwohwo, ndichapfuura nomuIjipiti ndichiuraya kubvira kumatangwe avanhu kusvikira kune emhuka, ndichirangawo vamwari vose veIjipiti. Ndini Tenzi. Ropa repadzimba dzamuchange muri ndorichava chiratidzo chenyu. Kana ndikaona ropa iroro, ndichakudarikai kuti murege kuwirwa nenhamo ingakuparadzei pandicharova nyika yeIjipiti. Kwamuri imi zuva iri rinofanira kuva zuva guru rokuyeuka, ramunoitira Tenzi mabiko pazvizvarwa zvenyu zvose, muchengete murao iwoyu nokusingaperi.” Tenzi akati, “Kwamazuva manomwe, muchadya chingwa chisina mbiriso chete. Pazuva rokutanga, bvisai mbiriso yose mudzimba dzenyu nokuti kana munhu akazodya chingwa chine mbiriso pamazuva manomwe iwayo, munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama navaIsiraeri. Pazuva rokutanga napazuva rechinomwe, itai musangano mutsvene wezvokunamata. Pamazuva iwaya, kusambova zvako kana nebasa zvaro ramunoita, asi zvokudya zvenyu ndizvo bedzi zvamungabike. Munofanira kuchengeta mazuva echingwa chisina mbiriso nokuti ndiro zuva randakaburitsa madzinza enyu muIjipiti. Saka chengetai zuva guru irori pazvizvarwa zvenyu zvose somurao wenyu unogara uripo narini narini. Mumwedzi wokutanga kubvira pazuva regumi nechina manheru, kusvikira pazuva ramakumi maviri nechiposhi manheru, imi regai kudya chingwa chine mbiriso. Kwamazuva manomwe, mudzimba dzenyu ngamurege kuonekwa mbiriso nokuti kana munhu akadya chinhu chine mbiriso munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama negungano ravaIsiraeri, kunyange zvake ari muenzi kana mugari womo. Musambodya zvenyu chingwa chine mbiriso. Mose mamunenge mugere munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.” Mosesi akakokorodza vakuru vakuru vavaIsiraeri akati, “Endai mutorere mhuri dzenyu hwayana kana mbudzana mubayire Pasika. Munotora katsama ketumapazi twomuhisopu monyika muropa ramunenge maisa mumbiya, morizora pamagwatidziro omumativi maviri epamusuo napachivivo pamusoro pawo. Vanhu vose ngavarege kubuda panze usiku ihwohwo hwose kudzamara kuedze. Tenzi paachapfuura nomunyika muno achiuraya vaIjipiti, achaona ropa pamagwatidziro okumativi maviri epamusuo napachivivo pamusoro pawo, obva apfuura zvake musuo iwoyo. Haazobvumidza muparadzi kupinda mudzimba dzenyu kuzouraya. Imi navana venyu, chengetai izvozvi somurao wenyu narini narini. Kana mazosvika kunyika yamakatsidzirwa kupiwa naTenzi, chengetai zuva guru irori. Vana venyu vakazokubvunzai kuti, ‘Ko mabiko aya anoreveiko?’ imi muti, ‘Ichi chibayiro chePasika chatinoita tichirumbidza Tenzi nokuti akapfuura dzimba dzavaIsiraeri muIjipiti achiuraya vaIjipiti, asi achisiya vemhuri dzedu vari vapenyu.’ ” Ipapo vaIsiraeri vakabva vapfugama vakanamata Tenzi. VaIsiraeri vakaenda vakandoita zvakanga zvarehwa naTenzi kuna Mosesi naAroni. Kuzoti pava pakati pousiku Tenzi akauraya matangwe echirume ose omunyika yeIjipiti, kubvira pamwanakomana waFarao wedangwe raizogara nhaka youmambo kusvikira kudangwe romusungwa akanga ari mujeri namatangwe ose ezvipfuwo. Usiku ihwohwo Farao namachinda ake ose navaIjipiti vose vakamuka rikave zhowezhowe kuchema muIjipiti nokuti kwakanga kusina musha wakanga usina rufu.
Ekisodho 12:1-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni munyika yeEgipita, akati: Mŋedzi uno unofanira kuʋa mŋedzi wokutaŋga kwamuri, unofanira kuʋa mŋedzi wokutaŋga wegore. Taurai kuʋuŋgano yose yaʋaIsraeri, muti: Nomusi wegumi womŋedzi uno mumŋe nomumŋe ŋgaatore gwaiana, ʋaciʋereŋga dzimba dzamadziɓaɓa aʋo; mhuri imŋe neimŋe iʋe negwaiana rayo. Kana mhuri iri ɗuku ʋasiŋgagoni kupedza gwaiana, iʋo naʋagere pedyo neimba yaʋo ŋgaʋatore rimŋe rinoriŋgana ʋanhu. Muriŋganise gwaiana pakudya kwomumŋe nomumŋe. Gwaiana renyu ŋgarirege kuʋa necinhu cisakafanira, mukono wegore rimŋe; muritore pamakwai kana pambudzi; ɀino muriceŋgete kuȿikira pazuʋa regumi namanna romŋedzi, ipapo ʋuŋgano yose yaʋanhu ʋose ʋaIsraeri ŋgaʋariʋuraye maɗekwana. Ɀino ŋgaʋatore rimŋe ropa raro, ʋariise pamagwatidziro maʋiri egonhi, napaciʋiʋo cokumsoro, padzimba paʋacaridyira. Ʋadye nyama yaro ʋusiku ubgo, yakagocwa pamŋoto, neciŋgwa cisina‐kuʋiriswa; ʋaidye nemiriʋo inoʋaʋa. Regai kuidya isanhi yaibva, kana yakaɓikwa nemvura, asi yakagocwa pamŋoto; musoro waro namakumbo aro pamŋe cete noʋura bgaro. Musasiya cimŋe caro kuȿikira maŋgwana; ɀose ɀaro ɀinosara kuȿikira maŋgwana muɀipise nomŋoto. Muridye kuɗai: Makasuŋga ɀiʋuno ɀenyu, makapfeka shaŋgu dzenyu patsoka dzenyu, makaɓata tȿimbo dzenyu mumaʋoko enyu; muridye mucikurumidza; ipaseka yaJehova. Nokuti noʋusiku ubgo ndicafamba napakati penyika yeEgipita, ndiciroʋa mataŋgwe ose aʋanhu panyika yeEgipita, naʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo; ndicatoŋga ʋamŋari ʋose ʋeEgipita; ndini Jehova. Asi ropa ricaʋa ciratidzo kwamuri padzimba mamugere; kana ndiciʋona ropa ndicakupfuʋurai, kuti ɗambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndiciroʋa nyika yeEgipita. Zuʋa iri ricaʋa ciraŋgaridzo kwamuri, munofanira kutambira Jehova mutambo naro; munofanira kutamba mutambo naro pamarudzi enyu ose uʋe murairo nokusiŋgaperi. Mudye ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe; nezuʋa rokutaŋga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu unodya ciŋgwa cakaʋiriswa kubva pazuʋa rokutaŋga kuȿikira pazuʋa recinomŋe ŋgaabviswe pakati paIsraeri. Nezuʋa rokutaŋga munofanira kuita ungano tȿene, ʋuye nezuʋa recinomŋe ʋuŋgano tȿene ɀe; namazuʋa iwayo maɓasa ose ŋgaarege kuitwa, asi ɀinodyiwa nomunhu mumŋe nomumŋe ɀiŋgagadzirwa nemi, iɀoɀo ɓedzi. Munofanira kutamba mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, nokuti ndiro zuʋa randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeEgipita; naiɀoɀo ceŋgetai zuʋa iro kuȿikira kumarudzi enyu ose, uʋe murairo nokusiŋgaperi. Nomŋedzi wokutaŋga nezuʋa regumi namanna romŋedzi, maɗekwana, munofanira kudya ɀingwa ɀisina‐kuʋiriswa kuȿikira pazuʋa ramakumi maʋiri nerimŋe romŋedzi maɗekwana. Mazuʋa manomŋe mbiriso irege kuwanikwa mudzimba dzenyu, nokuti aninani unodya ɀakaʋiriswa unofanira kubviswa paʋuŋgano yaʋaIsraeri, kana ari mutorwa, kana ari munhu wakaɓerekerwa munyika. Regai kudya cinhu cakaʋiriswa; padzimba dzenyu dzose mudye ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa. Ɀino Mosesi akaɗana ʋakuru ʋose ʋaʋaIsraeri, akati kwaʋari: Endai mundotora makwaiana anoriŋgana mhuri dzenyu, muɓaye paseka. Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo, muzodze ciʋiʋo cokumsoro, namagwatidziro maʋiri egonhi neropa riri mumudziyo; kurege kuʋa nomumŋe wenyu unoɓuɗa pamukoʋa weimba yake kuȿikira maŋgwana. Nokuti Jehova ucapfuʋura napakati penyika kuti aroʋe ʋaEgipita; kana akaʋona ropa paciʋiʋo cokumsoro, namagwatidziro maʋiri, Jehova ucaɗarika mukoʋa uyo, haaŋgatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akuroʋei. Ceŋgeta cinhu ico, uʋe murairo kwauri nokuʋana ʋako nokusiŋgaperi. Ɀino kana mucizoȿika panyika yamucapiwa naJehova, seɀaakakupikirai, muceŋgete ɓasa iri. Ɀino kana ʋana ʋenyu ʋakati kwamuri: Ƃasa iri rinoti kuɗiniko? Muti kwaʋari: Ndico ciɓayiro cepaseka yaJehova, wakaɗarika dzimba dzaʋana ʋaIsraeri paEgipita nomusi waakaroʋa ʋaEgipita, akaponesa dzimba dzeɗu. Ipapo ʋanhu ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; Mosesi naAroni seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ndiɀo ɀaʋakaita. Ɀino pakati poʋusiku Jehova wakaroʋa mataŋgwe ose panyika yeEgipita, kubva paɗaŋgwe raFarao waizogara pacigaro cake coʋushe, kuȿikira paɗaŋgwe romusuŋgwa wakaŋga ari mutoroŋgo, naʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo. Ɀino Farao akamuka ʋusiku, iye naʋaranda ʋake naʋaEgipita ʋose, kukaʋa nokucema kukuru paEgipita, nokuti kwakaŋga kusineimba musinawakafa
Ekisodho 12:1-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)